Covid-19: Ziyai mikuhlani
Muchaneta Chimuka MUMWEDZI waZvita gore rapera, munyika yeChina makanyuka chirwere chinodaidzwa kuti coronavirus kana kuti Covid-19 icho chaambukira nyika dzakawanda kukumanidzira Zimbabwe.
Coronavirus utachiona hunoite kuti muntu apindwe ngechando denda reizokura mukuhamba kwemguwa .
Inotapukira kanjani Covid-19
Covid-19 inokasira kuambukira maningi zve inokona kubatika zvirinyore. Ngekubata munhu unayo kana kuenderwa ngemata emunhu unayo.
◆ Kana mumhepo pakukotsora kana kuhotsira.
◆ Kugwamana nemunhu unayo.
◆ Kubate peinonga iri pasimbi tebhura kana chipi chiro.
◆ Kugwana nemunhu unorwara ndio kana kubve kumhpuka dzemushango. Zvinokombidza kuti ungadano unayo Zvinokombidza ngeizvi: kupindwa ngechando, kurwadziwa muditi, kupandwa ngehloko, kurwadziwa nepahuro nekukotsora weibude besha.
Zvikhombidzo izvi zvinoqaya zviri zvishomani asi zveizowanda ngemukuo zve zvinokona kuuraya muntu.
Zveungaitei waite fungidziro
kuti une Covid-19
Kana wafungira kuti une Covid-19, chaya namba dzekubazi rezveutano nekurerwa kahle Ana – Hotline: +263 714 734 593 kana +263 774 112 531 kana Toll free 2019.
Ungadini kuti usabatwa nge
Covid-19?
◆ Gara kuretu nevanhu weisire munga we 1 metre.
◆ Usabate mhuka usizi kudziirira .
◆ Konye muromo pakukotsora kana kuotsirire paboko (MUKATI MWECHIKOKORA)
◆ Rekere kubate hope kakurutu muriomo nemadziso.
◆ Shambe nyara ngesipo mukuo weshe weshe .
◆ Ende pako wega kwemazuwa 14 kana wabve kunyika dzine denda iri
◆ Geza maoko usati waamwisa mwana
◆ Usaite murunzo kuende kune nyika dzine denda iri or kuende kumizi dzevantu mumigangamwo.
◆ Uripamuzi , irya chikafu chinoaka mwiri, wooone mukuo wakakwana wekuwata pamwe nekuite mishando inode simba kuti mwiri urambe wakagwinya .
◆ Musahamba hamba, bhuyai pa paWhatsApp nehama nevangani .
◆ Usamwe doro kana kubheme zvinopambanise soro.
◆ Kana ukaona warwara tsvake rudetsero kana kufona .
◆ Usawanze mukuo wekuone zvinokhataza pa TV kana mumamafoni magumbu anoite kuti utikabezeke. Ruzivo urwu rwunobva kubazi rezveutano nekurerwa kahle KweAana rakabatana neWorld Health Organisation.