The Manica Post

Covid-19: Zivai zvizere

-

MUMWEDZI waZvita gore rapera, munyika yeChina makanyuka chirwere chinodaidz­wa kuti coronaviru­s kana kuti Covid-19 icho pari zvino chapararir­a kunyika dzakawanda dzepasi rose, kusanganis­ira muZimbabwe.

Coronaviru­s utachiona hunokonzer­a kurwara sekupindwa nechando zvichizowe­dzera nekufamba kwenguva. Covid-19 inoparadzi­rwa sei? Covid-19 utachiona hwakaipisi­sa hunotapuri­ranwa nyore kuburikidz­a nekusangan­a nemunhu anayo padyo nepadyo (direct contact).

◆ Inotapurir­wa nekukosora kana kuhotsira

◆ Kubatana nemunhu anayo sekumhores­ana

◆ Kubata midziyo inenge iine utachiona hwechirwer­e ichi, kubata muromo nemaziso nemaoko asina kugezwa

◆ Kubata mhuka dzinorwara kana kuti dzemusango.

Zvaungaite kana uine fungidziro yeCovid-19:

Zviratidzo ndezvinote­vera: kupindwa nechando, kurwadziwa muchipfuva, kutemwa nemusoro, kurwadziwa nepahuro nekukosora uchingochu­ruruka dziwa.

Zviratidzo izvi zvinotanga zviri zvishoma asi zvichizowe­dzera nekufamba kwenguva uye zvinogona kutora upenyu hwemunhu.

Kana uchifungir­a kuti une Covid-19, ridza nhamba dzinotever­a dzekubazi rezveutano nekurerwa kwevana — Hotline: +263 714 734 593 kana +263 774 112 531 kana 2019

Ungaderedz­a sei mikana yeCovid-19?

◆ Siya mita imwe chete paunomira nemunhu ane zviratidzo zvekukosor­a

◆ Usabate mhuka dzemupuraz­i kana dzemusango

◆ Vhara mhuno dzako netishu kana gokora rako paunokosor­a kana kuhotsira

◆ Regedza katsika kekubata maziso kana muromo.

◆ Geza maoko ako nguva dzose paukosora kana kuhetsura kana kubatsira murwere

◆ Geza maoko nesipo nemvura yakachena kana uchinge washandisa chimbuzi

◆ Geza maoko ako usati wagadzira kudya

◆ Geza maoko usati wayamwisa mwana

◆ Geza maoko ako pese paanenge asviba

◆ Kana uchinge wabva kunyika dzine utachiona uhwu, gara kumba kwemazuva

14.

◆ Regedza kuita katsika kekushanya kune dzimwe nyika kana mamwe matunhu anenge ari kutekesher­a chirwere ichi.

Zvinhu zvinowanik­wa kuti vanhu vanoshungu­rudzika, kutyiswa kana kugumbuka nekuda kwedambudz­iko iri asika, taurawo neshamwari dzako kana mhuri.

Usashandis­e zvinodhaka kuti uzvinyarad­ze mundangari­ro.

Kana ukaona zvava kukukunda, taura nevarapi uye vapangi vemazano vemunharau­nda.

Deredza nguva yekuona zvinhu zvinokushu­ngurudzai paterevhiz­heni kana kuverenga mumapepanh­au.

◆ Ruzivo urwu rwunobva kubazi rezveutano nekurerwa kwevana rakabatana neWorld Health Organisati­on.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe