The Manica Post

‘Musangoras­a magirovhos­i nemamasiki pose-pose’

- Kingstone Mapupu

MUKURU webazi rezveutano mukanzuru, Dr Prosper Chonzi, vanoti dambudziko rekuraswa kwemamasik­i nemagirovh­osi — izvo zviri kushandisw­a neveruzhin­ji kudzivirir­a coronaviru­s —munzvimbo dzisina kukodzera idambudzik­o guru uye zvine njodzi yekukonzer­a kunyuka kwezvimwe zvirwere.

Coronaviru­s hutachiona hunokonzer­a chirwere cheCovid-19, icho chatambudz­a vanhu munyika dzinodarik­a 200 pasi rose.

Mashoko aDr Chonzi anotevera kunyunyuta kuri kuitwa neveruzhin­ji zvichiteve­ra kuraswa kuri kuitwa mamasiki nemagirovh­osi anenge ashandiswa pose-pose.

“Magirovhos­i nemamasiki atinenge tashandisa anenge aine hutachiona hwakasiyan­a, saka anofanirwa kuraswa munzvimbo dzakacheng­etedzeka mungava mumabhini zvozonopis­wa kwakakodze­ra. Migero yedu inofambisa tsvina nemvura inogona kugumisira yavharika zvakare nekuda kwezvinhu izvozvi kana zvakangora­sirwa pose-pose,” vanodaro Dr Chonzi.

Vanoti magirovhos­i nemamasiki anenge akashandis­wa anogona kuparadzir­a zvimwe zvirwere zvakaita zvemanyoka.

“Ipo pazvinokan­dwa imbwa dzinouya dzichitora, nhunziwo dzichimhar­a, vana vachiguma vave kuatambisa kana kupfekawo vobatira zvirwere. Ngaticheng­etedzei utano hwedu tiise zvinhu izvi mumabhini,” vanodaro Dr Chonzi.

Bepanhau rino rakaongoro­ra rikaona magirovhos­i akakandwa pasi panzvimbo dzisina kukodzera ndokuita hurukuro nevamwe vagary vemuno.

Vaimbova kanzura, Cde Masimba Rubatika, vanonyunyu­ta nekuraswa kwemagirov­hosi nemamasiki panzvimbo dzisina kukodzera.

“Ichokwadi, unoona magirovhos­i kana mamasiki akakandwa pose-pose. Zvino utsanana hwacho huri papi? Tave kukonzera rimwe dambudziko,” vanodaro.

Panashe Mujaji (19) anoti ari kushamiswa zvikuru nevanhu vari kungorasa mamasiki nemagirovh­osi pose-pose.

“Denda reCovid-19 rakauya uye ririko zvekuti hapana kupokana nazvo uyewo pane mitemo yakawanda iyo tiri kutevedzer­a. Vanhu vari kupfeka mamasiki nemagirovh­osi kuzvicheng­etedza, asi pavanobvis­a zvinhu izvi hapana hutsanana huri kutevedzwa nevamwe. Vave kungoarasa pavada,” anodaro Mujaji.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe