‘Musandorasha magirovhosi nemamasiki peshe-peshe’
Kingstone Mapupu MUKURU webazi rezveutano mukanzuru ye Harare , Dr Prosper Chonzi, vanoti dambudziko rekurashwa kwemamasiki nemagirovhosi — zviri kushandiswa ngeveruzhinji kudzivirira coronavirus —peshe peshe idambudziko guru rinokona kuti ndaa dze covid 19 dzitangezve kunesa.
Coronavirus hutachiona hunokonzera mukuhlani weCovid-19, icho chatambudza anhu munyika dzinodarika 200.
Mashoko aDr Chonzi anoteera kuboorera kuri kuitwa ngeveruzhinji zvichitvera kurashwa kuri kuitwa mamasiki nemagirovhosi.
“Magirovhosi nemamasiki etinenge tashandisa anenge aine hutachiona hwakapambana , saka anofanirwa kurashwa mundau dzakangwaririka mungaa mumabhini zvozoopishwa. Migero yedu inohambisa tsvina nemvura inokona kugumisira yavharika ngendaa yezviro izvi” vanodaro Dr Chonzi.
Vanoti magirovhosi nemamasiki anenge akashandiswa anokomna kuhambisa utachiwana hwakadai ngemanyoka.
“Imbwa dzinouya dzeitora, nhunziwo dzeimata, vana vachiguma vave kuatambisa kana kupfekawo vobatira zvirwere. Ngatibeke zviro mumabhini,” vanodaro Dr Chonzi.
Vaimboa kanzela
Masimba Rubatika, vakaboorera ngekurashwa kwemagirovhosi nemamasiki pandau dzisizi kusuta.
“Igwinyiso , unoona magirovhosi kana mamasiki akakandirwa peshe-peshe. Hino utsanana hwacho huri pari manje? Zvadetserei manje,” vanodaro.
Panashe Mujaji (19) unoti ari kukhatazeka kakurutu ngeanhu arikurasha zviro izvi peshe peshe.
“Denda reCovid-19 ririyo zvakanaka kuty vanhu vapfeke mamasiki nemagirovhosi kuzvichengetedza, asi pavanobvisa apana utsanana huri kuteedzwa zvorashwa peshe peshe,”unodaro Mujaji.