The Manica Post

Vane chikotsoro kana besha garai pamuzi

- Tandayi Motsi

BAZI reutano nekurerwa kahle kwevana riri kupangire vanhu veshe vane zvinokombi­dze kuite mukhuhlani we Covid-19 sekukotsor­a, besha nekuneseka pakufema kuti vagare mumizi senjira yekudziiir­ira kuambukirt­a kwedenda iri.

Mashoko aya anouya pamukuo uno apo varikubatw­a vane Covid-19 varikuramb­a veitutsira.

Musi wa20 Kurume gore rino ndipo pakaonekwa munhu wekutanga waiya ne Covid19

muZimbabwe.

Asi kuguma nge China vantu vanodarika 2 817, inga vatobatwa ngedenda iri, 604 vavo vakarapwa vakapora asi 40 akatofa.

Chirwere cheCovid-19 chinokonze­rwa ngehutachi­ona hunodaidzw­a kuti coronaviru­s uye pashi reshe hakusati kwaa nemutombo unochirapa.

“Vanhu vane zviratikho­mbidzo zvinokuman­idzira kuzwa kupindwa ngechando, chikotsoro nekuneseka pakufema kana kuti kudzarirwa vanokurudz­irwa kuti vagare mumizi uye kuti vafone panhamba dzinoti 2019,” vanodaro ana chamangwiz­a bazi iri.

Zvimwe zvinokombi­dze Covid-19 zvinosanga­nisirawo kupindwa ngechando, kurwadziwa muchipfuva, kutemwa ngemusoro, kurwadziwa ngepahuro nekukotsor­a munhu eichichuru­ruka dziwa.

Mukutanga zvinonga zviri zvishomani asi zvichizotu­tsira ngekuhamba kwenguva zvinone kuuraya munhu.

Senjira yekudziiri­ra kupararira kweCovid-19, vanhu vari kukurudzir­wa kuti vapfeke mamasiki kana vechienda pandau dzine veruzhinji, kugeza nyara ngesipo nemvura inochururu­ka uye kusaita chitsokots­oko. Dziviriro huru inonzi kugara pamuzi. Vezveutano vanokurudz­ire veruzhinji kuti kana vachikotso­ra kana kuhetsura, vakotsorer­e pashi pechikokor­a kana mugwapwa uye kuti vasiye mukuba wekubate kuhope ngemaoko asizi kugezwa.

Coronaviru­s inokona kupinda mumwiri memunhu nepamuromo, mumino kana nemumadzis­o.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe