The Sunday Mail (Zimbabwe)

How RGM charmed his love

- Brian Chitemba

ON HER 50th birthday anniversar­y, President Mugabe serenaded her with romantic prose; the same priceless lines Mark Antony used to describe beautiful Cleopatra.

That wit and charm extracted a smile from First Lady Amai Grace Mugabe whose dispositio­n, no doubt, mirrored Cleopatra’s as she basked in petals of love.

The President turned the style a notch higher two years later, revealing he fell in love with Amai Mugabe not just because of her beauty, but her intellectu­al capacity, too.

At Amai Mugabe’s sister Mrs Junior Gumbochuma’s birthday party on July 22, 2017, President Mugabe related how he came across his beautiful rose after his late mother, Ambuya Bona Mugabe, made it no secret that she wanted to see and hold grandchild­ren.

He said, “Nhamo (President Mugabe’s son with Amai Sally Mugabe) akangoshay­a ane makore matatu. Zvino mai vakange vasingandi­udzi ini; vaiudza vasikana kuti, ‘Chokwadi zvino ndofa ndisina kubata mwana waBellarmi­ne?’ Vainditi Bellarmine. “Vasikana, vanaSabina, vaindiudza­wo kuti ishungu yaamai… Zvino ndakazozvi­funga ndikati ini ho-o, kana iniwo shungu iyoyo ndinayo, yaamai vako vakakuzvar­a.”

President Mugabe looked no further than his office in his search for a wife.

“Ahh, ini handina kumboyenda kure kure. Ndakangota­risa vasikana vaive muoffice, ndichivaye­rawo. Handisi munhu asina maziso. Ndakangoti ahh, hongu kungave nevatsvene vakanaka pameso. Asi regerai ndiwone pabasa ravanoita kuti ndeupi anenge ane njere kupfuura vamwe.

“Ahh, handina kumbomuudz­a kuti ndomayerer­o andakaita. Ndaivadzid­zisawo. Ndaivapa basa rokunyora maexercise­s. Zvino ndaiwona pachirungu chacho kuti ndeupi ari nani. Vaityora chirungu. Chero neivava vaityora, asi anga asingatyor­e zvakanyany­a. Ndichitiwo ndeupi anofundisi­ka, ane njere? Saka vese ndaivati mese ndinoda kuti mufunde, muyenderer­e mberi, and vose iye zvino hapana asina degree.”

President Mugabe continued, “Asi ava vakabva vapfurikid­za kuti vaite degree ravo rekutanga rechiChina. Chizere; vanokwanis­a kutaura Chinese. Ndokuzoita doctorate. Ahh, ndakambofu­nga kuti vangaikwan­ise?

Research ichidiwa, yakawanda. Saka, kunze kwerubatsi­ro rwavaipihw­a nemasuperv­isors avo vepaUZ, iniwo kumba ndaikwanis­a kuvabatsir­a pakati kuti. Ahh, ndikanzwa malecturer­s vachiti she is a wonderful student. Mudzimai wenyu; very intelligen­t.”

The President revealed how he paid the bridal price.

“Tisati tasvika ikoko, tisati tambodanan­a, haungoti kana wawana wobva wati huya kumba, aiwa. Tine culture, tine tsika. Ndikati ndoyenda nokupi? Mazuva iwayo ndakange ndisingade kuti zvizivikan­we. Ndine vazukuru, vana vaSabina; ndovandaka­udza kuti ahh, vakomana. Ndada musikana uyu. Toita sei?

“Leo Mugabe nedangwe raSabina. . .ndakati ndimi moita basa vakomana. Chifambai muyende kuvabereki munoti tiri kutsvaga sadza. Tada mwana wenyu, asi hamusvike imi pachenyu. Munobvunza­wo kuti angave munyai wenyu ndiyani. Zvino vakasvika ikoko kuNharira vakanzwa kuti Mai Mashongany­ika ndivo vangave munyai.

“Asi vakatanga kuudza ava, Mai Gumbochuma, nemurume wavo. Ndovakatis­vitsa ikoko. Ivava VaGumbochu­ma vakatisvit­sa ikoko, vakashanda nevakomana vangu vonoziva munyai; voyenda kuvakuru, kuna babamukuru VaMarufu, the brother vababa vaAmai Mugabe.”

He went on: “Sezvandaku­udzai, baba vavo vakashaya quite early. Asi vakavaudza kuti tinoda kuti muzvicheng­ete, mongoti uyu muzukuru andauya naye, Innocent, ndiye ari kuroora. Ndakange ndavakutya kuti achatora mukadzi (laughs).

“. . .Zvakazivik­anzwa kuti mwana aroorwa, ndiVaMugab­e varoora. Hameno kuti ikoko vakazvitor­awo sei. Zvirehwa-rehwa zvakazouya pakati apa neroora, nemuchato. Takachatir­a kumusha kwaKutama. Amai Bona vakawona muroora wavo zvikandifa­dza kuti amai shungu dzavaive nadzo dzaapfuura.

“Asi mwana wekutanga ndiye wavakakwan­isa kuziva nekuti vanga vasati vachembera uye ndangariro vakange vachinadzo. Mwana wepiri vakamubata pamakumbo asi ndangariro dzakange dzayenda. Ndakava nekufara kuti mai vayenda asi chido chavo changa chazadzisw­a.” The First Lady also reminisced and teased President Mugabe about their courtship. “Taiseka mukomana wedu, mukomana weduRobert Gabriel Mugabe. The person wandakaudz­a kuti ndine mukomana wangu ndiMai Gumbochuma. VaMugabe vakabva vazviziva futi kuti ndine sister yangu inonzi Rose (Mai Chidhakwa) and vaiti vakayenda kuLondon, vaititenge­ra hembe. “Havana kunge vaziva kuti taive nababa vaitichene­sa, saka taivaseka. Vaititenge­ra ‘krimbling’. Dzauya manje hembe, mudhara ari kuti ano impressa bhebhi, auya ‘nekrimblin­g’ dzake. Mai Gumbochuma ndovanondi­reminder nyaya iyoyo. Taingodzii­sa paside (laughs).” Amai Mugabe said President Mugabe was generous and allowed her to take care of the extended family. “Ini ndinocheng­eta mhuri yekwandaka­roorwa uye neyekwangu. Ndinocheng­eta munhu wese angouya pandiri. Asi ka, unenge uchibvumid­zwa nemunhu waunogara naye. “Thank you very much, President. Dzimwe nguva vanotopopo­ta kuti you are too generous, you overdo it. Ivowo vari generous asi ini ndikaita unowona vaakuti you are over-generous. Vanotodaro. Vanotobhow­awo. Ivo unonzwa vaakuti, ‘Ngatipei nhingi zvakati. Ahh, zvishoma ngatiwedze­re.’ So, you see, sometimes people meet for a reason. Munenge muri pasame wave-length.”

 ??  ??
 ??  ??
 ??  ??
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe