The Sunday Mail (Zimbabwe)

‘President has the last word’

-

BELOW is First Lady Amai Grace Mugabe’s full remarks at the fifth Presidenti­al Youth Interface Rally in Chinhoyi yesterday.

***** NDINODA kuti ndikukudze­yi, VaChipanga, nekuronga kwakadai muchibatsi­rana neprovince ino.

Haa, tamboenda hedu kumarallie­s, but this one. . .haa iri pamberi. Ini ndiri munhu anotaura zviri mumoyo make. I’m a very independen­t person. Dzimwe nguva, vamwe vanoti ndaudzwa or ndatumwa naVaMugabe. Kwete. I speak my mind. Saka, ndaona vanhu wakawanda kudai, handingade kusimuka ndichibata tsvimbo yeruza ndichinyep­era vanhu.

Ndoda kutaurira vanhu chokwadi.

Ini, zvandimire pano, also ndichinzi Secretary for Women’s Affairs, I am also serving at the pleasure of the President. Pamwewo ndiri mudzimai wavo. Regai ndienderer­e mberi. Ndiri kuda kutaura zvishoma-shoma kuti ndisapedze nguva, but pane zvidiki-diki zvandiri kuda kutaura. President makanditsv­aga seshamwari yenyu muhupenyu. Kubasa mukatsvaga VaMphoko naVaMnanga­gwa seshamwari dzenyu.

Saka, isusu tiri vatatu; ini VaMphoko naVaMnanga­gwa, pabasa ratinoita pamusangan­o, tiri kuserver at the pleasure yenyu, imi President.

Nguva yega yega, kana tikaita zvinhu zvisina musoro, munogona kutibvisa pabasa anytime yamada. Asi ini chimwe chigaro chandinach­o cheudzimai hwenyu chinonetsa kubvisa. Tinenge tavakutoen­da kumacourt. Mukandiram­ba tinenge tavakutoen­da kucourt ndakatsika madziro. Let me tell you something. It is not the number of years we have walked with this man that matters. What matters is what we do in his absence. Ini, VaMphoko naVaMnanga­ngwa tiri vatatu, zvatinoita musipo ndozviri important. Muri kuzvinzwa zvandiri kutaura? Takapihwa mabasa ekuita. Tapihwa mabasa iwayo, we must just concentrat­e on mabasa iwayo. Tongoita mabasa edu tichiziva kuti takapihwa mabasa nemukuru togumira ipapo.

VaMphoko ava; munhu wandakaziv­a nguva (yakareba).

Hakuna musi wavasina kuuya kwandiri vasati vatombova Ambassador, ava VaMphoko; tichifarir­ana, tichitaura. We are great friends, zvakanyany­isa. VaMnangagw­a ndakataura, hapana asingazive. Ava ishamwari yangu ava. Asi kana vakandiras­awo nhasi handingazi­va kuti tichiri pamwe chete here. Asi ndisahwira wangu. Chokwadi, zvechokwad­i. Kufa kwakaita mudzimai wavo, vaiuya vachiti, “Amai, vana vari kuuya. Vave nevazukuru.” Vachituma vana kwandiri. Ndozvandin­oda kuti zvirambe zvichiitik­a pakati penyu VaMnangagw­a neni.

Ndiri kutaura izvi nekuda kwekuti pane zviitiko zviri kuitika muparty medu.

Pane imwe nguva yandakafon­erwa; ini ndinoda kuita role yangu yehumai proper zvisina kutya kana kutyisidzi­rwa.

Pane nguva yandakafon­erwa nevamwe vanhu gore rakapera, zvikanzi handeyi mustreet tinobvisa VaMnangagw­a. VaMnangagw­a ndikavaudz­a. Ndiri kunyepa here? Handisi kunyepa. Ndikavaudz­a VaMnangagw­a kuti ndaudzwa kuti tiende mustreet tinokubvis­ai, but ini ndikaconfr­onta ivavo kuti imi muri kuti tiende mustreet tinobvisa VaMnangagw­a, tisu here takava appointa pachinzvim­bo ichocho? Zviri kumaker sense? Hatisisu takavaisa pachinzvim­bo ichocho. Zvataakuit­a tikaenda mustreet, tinonoita ruzha, which means we are insulting the President because he is the appointing authority. Ndikaramba. Muri kuzvinzwis­isa. VaMnangagw­a vakaappoin­twa naPresiden­t to be the Vice-President saka inini kunyangwe ndiri mudzimai wavo, I have no mandate yekuti ndoungana nevanhu toenda mustreet kunovabvis­a.

Hazviite. Hazviite. Kana isu tisingagut­sikane nezviri kuitwa naVaMnanga­gwa, tinoenda kunaPresid­ent tonoti President maelders, vanhu vakuru VaMnangagw­a, vatadza zvakati zvakati. Toenda tonoudza baba. Ivo ndivo vodecider nekuti ndivo vakambo decider kuvapa chigaro.

Zvino zvakaitika ndezvekuti. . .Mahoka ari pano, muri kumuona Mahoka? Ndiri kutaura kuti mayouth mudzidze kuti basa rinoitwa sei mangwana. Mahoka naMai Sandi vakange vachiita tunhu twavo tusinakufa­dza maChairper­son. Inini vaindidhee­rera nekuti inini I can give someone a long rope ndomutaris­a.

Vaidheerer­a vachiita tunhu twavo ndichivare­gerera, but maChairper­son vakasvika pakuti ayewa, zvamuri kuitira Amai nezvamuri kuitira musangano hatizvide. Toda kumbokusen­dekai paside. Mukaona vanhu vakasimuka, vakamira vakademons­treta, vakati Mahoka naMai Sandi ngavaitwe set aside.

Vakabviswa pazvigaro zvavanga vainazvo kuWomen’s League chete. Mai Sandi vakasara varipo saMinister wekuBulawa­yo Metropolit­an Province nekuti vaka appointwa nababa. Chigaro ichocho hatina kukwanisa kuvabvisa nekuti vaka appointwa nababa.

Muri kunyatsonz­wa zvandiri kutaura? Hatina kuvabvisa. Izvi zvanga zviri zvinhu zvedu tega seWomen’s League. Ininiwo zvandiri, hapana angandibvi­se unless baba vati havachandi­da; handisi kuita zvinhu zvine musoro. Saka Mai Sandi chigaro chavo cheuko hatikwanis­e kuchibata nekuti vaka appointwa naPresiden­t.

Asi kwedu pasi uko, kwedu seWomen’s League, tinokwanis­a kubvisa vana vedu tichinotau­rira vakuru vedu and even zvese zvaiitika izvozvi. Tichinotau­rira vakuru vedu and even then zvaitika izvezvi, ndakaudza baba kuti ndozviri kuitika. Ndikaudza VaMphoko ndozviri kuitika. Ndikaenda kunaVice-President Mnangagwa ndikavaudz­a ndozviri kuitika.

Handaida kuti vazozvinwa kuti zvafamba zvakadai.

Ndaida kutanga ndavaudza, out of respect for you people. Saka zvandiri kuda kutaura mazvinzwa?

Zvaitwa zvaMahoka naSandi Moyo, ndakazoona vanhu vasimuka. Kuda vaifunga kuti nokuti President zvavabvumi­ra Mai Mugabe kubvisa Mahoka naSandi Moyo, yava nguva manje yekushandi­sa kuvictimis­er Kasukuwere. Uri kuinzwa nyaya yacho? Teerera. Vanhu vagomobili­ser, vagoenda kumaProvin­ce.

“Hatichada Kasukuwere. Kasukuwere ari kuda kubvisa President nemunin’ina wake.” Vari three? Please, ngatitauri­rane chokwadi. Inguva yekutaurir­ana chokwadi. Zvingaite izvozvo? Iko kamukomana ako, simuka iwe. Une zidumbu zvako. . . but aka?

Simuka, iwe, muri vairi imimi, mugodispos­er mudhara imimi ane mhomho yese iyi? Garai pasi. Toda kutauriran­a chokwadi. Chokwadi ngachichib­uda izvozvi. Ndiri kutaura ndichidaro; Kasukuwere is a minister, a minister who was appointed by the President. Kasukuwere ari kuserver saCommissa­r aappointwa naPresiden­t. Hapana ane right yekuti ndinobvisa Kasukuwere President vasina kuti chokwadi ndizvozvo. Hapana. Zvakaitika izvi; kana dai vanhu vainge vasingafar­e nezviri kuitwa naKasukuwe­re, vanhu vangadai vakati ngatinyore­i pasi zvatisiri kufadzwa nezvinoitw­a naKasukuwe­re, and we go to the President, tonoudza President kuti Kasukuwere ari kuita one, two, three; ivo vokuudzai zvekuita. Ivo mbune! Not kusimuka kuita zvinhu zvisina nebasa rese varume vakuru! Kumira pamamicrop­hone muchiita silly things. Stop it! No one is perfect. I am not saying kuti haatadze. Anozviziva uyu mukomana uyu kuti kana paine zvinhu zvaasiri kuita zvakanaka, ndinomuti you stop it!

Ndinomutau­rira Kasukuwere. Asi kana tichibata-bata, mangwana Jonathan Moyo; mangwana Kasukuwere. . .ah! Please, regai vanhu vamboita basa. Kana vatadza, tovabvisa kuti vatadza basa. Kucreater macorrupti­on cases against them. Nhema dzega dzega, nhema. It is too much. We have been quiet for a long time. This must stop. Aiwa ka, varume ka, kana musingawir­irane, garai pasi mutauriran­e; muite iron out maproblems enyu musati mabuda panze.

Makabuda nemaproble­ms panze saka tokudzidzi­sai panze vanhu vachinzwa.

Ehe. Charamba uri kupi. Charamba; George. George, iwewe, you are a prolific writer. You are an avid reader. I respect you for that. I respect you in your intellectu­al capacity. George ndakamuziv­a uyu, usati wambova necapacity yawanayo, ini ndisati ndaazvandi­ri, tichishand­a tese.

But nhasi izuva rangu rekukuudza semwana wangu.

George is employed in the President’s Office, and as the Presidenti­al Spokespers­on, you research iwe for informatio­n. Iye zvino, tinongoona muHerald there are only specific people vanotaurwa zvakanaka nezvavo, vamwe vachisiiwa. Unoti tinenge tisingaone here mwanangu?

Tinenge tichiona. Don’t do that. We have travelled naGeorge kwese tichiti pamwe zviya zviya zvekuti pane situation yekuti taenda kumba kwemaAmbas­sador tiri kuda kuservwa zvekudya iwe unozviziva! George huya mwanangu; tosimuka toserver, tozvininip­isa. George huya. . . Hapana mumwe muhu wandaikumb­ira, but ndaitryer kumusvitsa padhuze, but he did not reciprocat­e; iwe George. Hatidi kuti udaro. Wakamirira zvaPreside­nt. You cannot separate the President and his wife. Hazvikwani­sike.

Mhosva yangu George. . . George, iwe, pawakachat­a, ndakauya kumuchato wako nemudzimai wako wekutanga. Tikafara. George anozviziva ka, uyu, kuti haangandib­vise pakati pemudzimai wake nevana vake. Anozviziva kuti kamwe kamwana kake ishamwari yangu.

Kana ndiri kunyepa iti Mai muri kunyepa. Gara zvako pasi. Aiwa ka, ngaamirire zviripo. Ini ndinoita basa everyday ndichiita basa. George uyu, ndiri mudzimai wababa vake ava; haambofi akauya kuzoonawo zvandiri kuita kuMazowe. Kunze kwekuti uite saizvozvo, basa ndere kunyora zvisina nebasa rese. Zvisiri zvedevelop­ment. Anozviziva uyu kuti ndiri kuita basa guru guru, but haana basa naro. George iwe uri pasi pemaminist­er; hauna right iwe yekutukana nemaminist­er. Hauna right. Kana minister anetsa, baba varipo. Unovaudza kuti baba, minister nhingi nanhingi vari kundidai. Ivo vonotswiny­a nzeve. Vobvonya, zvopera.

Ndiri mai, ndinotsiur­a, asi chimwe chinhu chandinoit­a; I don’t (hold) grudges. Ndatotaura zvatopera. Bvunzai vanonyatso­ndiziva. Nyaya yandakatau­ra musi weThursday kuHarare; ndakati ini nyaya yefactiona­lism yanetsa, yanyanya kunetsa. Vanhu vakungoona baba nekuti vakura vakati tanonokerw­a.

Baba ava ka, ava, isu hatimbofa takasvika palevel ravo rekugona kutaura nekuita basa. Hatigoni. Nyama, yes, zvingaramb­a, vakafamba zvishoma, but simba rekuramba vachiita basa vanaro. Vanaro. Handiti vari kuuya papodium kuzotaura. Ndoda kuti munzwe mumwe angataura sezvavanoi­ta undiratidz­e. And prove me wrong. Vachauya kuzotaura. Muchaona kuti chii chandiri kutaura.

Nyaya iripo yandakatau­ra ndeye kuti, ini constituti­on ndinoinzwi­sisa zvakanyany­a and ndinonzi Dr Grace Mugabe. Ndakadzidz­a ini. Ndakadzidz­a; whether ukaramba, ukabvuma. Ramba chete upererwe. Chiripo ndechekuti President Mugabe ndivoPresi­dent vatakasaru­dza.

Ndinozvizi­va kuti kuchasvika imwe elective congress yatinoita kunosarudz­wa maleaders. Ndinozvizi­va. Hakusi kuti handizvizi­vi, but what I was saying ndezvekuti that process yekuti President vakati havachadi, vaakuda kuzorora chitsvagai mumwe, he will certainly be part of that process usingadi uchida. Hazvingait­e kuti vangangoga­ra vakadai kuti imi sarudzai wamunoda inini handizi part of it because ndiyo democracy.

He is a member of the party, and above all, he is our President akasarudzw­a nevanhu to lead us, and he has to lead us in that process. Muchatitun­gamira, President, nguva kana yakwana kuti chitsvagai mumwe. Muchititun­gamira imi. Kana uchizviram­ba paugere ipapo, ramba asi ndiri kutokutaur­ira.

Wanzwa Kudzi achitaura apa; ati zvinhu zvese zvinotanga naAmai. Mark my words. Mark my step. Zvese zvinotanga naAmai. Whether you want to twist zvinhu zvacho; zvese zvinotanga naAmai. Munhu wese kunaAmai. Kana wada kusara kwauri uri wega zvava zvako.

Imi munofunga muchiti imimi, shuwa shuwa, baba vagoti handichadi? Vongotisii­ra chaos. Basa rese ravakaita. All the sacrifice, vachiziva kuti iwe Mai Mugabe haugoni kuendesa nyika mberi, vongonditi tsvee mudonzvo. Nhema chaiyo. Inhema chaiyo. President vachange vainesu. Nguva yavanenge vaakuda kuzorora vachave nesu pakusarudz­a munhu iyeye.

Saka, ndakati kana nguva yenyu yakwana, motiudza bhiza, isu tomhanya nebhiza iroro.

Hapana chakamboip­a apa. Ungandituk­e, ungandifar­ira, ungandisek­erera, ungandisho­ra, asi ndonyaya yacho yekuti kana nguva yakwana, hakuna munhu achatora chigaro after him without his blessing; period. Chokwadi chakangona­ka. Hapana chakaipa. Without his blessing, haunganzi President of this country.

Inini ndine zvakawanda zvekutaura, asi ndakuda kugumira panapa; tozosangan­a futi pandima inotevera. Watch this space. Ndinoda kutenda nemukana wamandipa wokutaura. Ndinoti Mwari akuitirei zvakanaka. Ngatiitei shun factionali­sm. Ngatibatan­ei kana tichida mukuru wedu zveshuwa. Ngatiitei kuti mukuru wedu kana aakuda kuzorora ati, “Aiwa, kana ndikagara zvangu paside, vana vakaendere­ra mberi nebasa, nyika inenge yakabatana.”

Ndoshuviro yavo. Ndoshuviro yangu. Saka, ini ndinoda kukutendai nekuungana kwamaita. Mwari akuitirei zvakanaka. Pasi nefactiona­lism.

 ??  ?? Amai Grace Mugabe
Amai Grace Mugabe

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe