The Sunday Mail (Zimbabwe)

‘Avoid speaking against each other’

Below is President Mugabe’s full address at the Mashonalan­d West Presidenti­al Youth Interface Rally in Chinhoyi yesterday.

-

NDINODA kuvamba nekukutend­ayi, kukutendes­esayi, nokundimuk­a kwamaita muchiuya nehuwandu hwakadai. Hunobva hwaratidza kuti chokwadi yainzi Mash West yava “Mash Best”. Ndangariro yatiunza pano indangarir­o yevadiki vedu; Cde Chipanga, vatinopa rukudzo saChairman vemayouth, nevamwe vavo.

Vakangovam­ba vachiti ngatiitei imwe interface yekunosang­ana naPresiden­t, nyika yose. Vakakokoro­dza vanhu kuti vafambe one mile vachiuya kuHarare kuzonditen­da nebasa randakaita ndiri Chairman weAfrican Union; zvichibata­nidza nehuChairm­an hwedu muregion yedu yeSadc.

Saka iyi yakazova pfungwatsv­a yazvarwa pane pfungwa iyoyo yokutanga.

Ndozvatino­da kuona musangano wedu uchiita, pfungwa dzemberi dzinoita kuti musangano wedu urambe uri musangano wevanhu. Urambe uri musangano wekubatani­dza vanhu pachavo, kubatanidz­a vanhu nevatungam­iriri vavo. Tichinzwa pfungwa dzenyu dzamunadzo dzinoti zvinangwa zvamungada­i muinazvo zvekuti musangano uenderere mberi nezvichemo zvamungada­i muinazvo zvekuti “tiri kuchema nezvakati nezvakati mungazvion­gorore here?”

Tauya kuMashonal­and Best, vana vedu, mayouth edu.Kuti vazoronga kuita gungano rakadai rinondimuk­a richiuya kuChinhoyi ibasa rokushinga, kushinga nechido.

Hongu, rubatsiro rwunovapo kubva kumadzimai, kubva kuvakuru; kubva kushamwari dzedu.

Kubatanidz­wa ikoko, humwe chete ihwowo, ipfungwa yevana vedu. Tinovatend­a. Varovereyi maoko! Varovereyi maoko! Hapasi pano chete. Ndinofunga gungano rino rava rechishanu. Vanoda kupedza maprovince ose vachidayi. Tova nekugutsik­ana kuti nyika yose, maprovince ose varikumash­ure kwemusanga­no.

Hatina kumboita pfungwa yakadai, kana isu vakuru. Kwatakabva, taiita zvedu marally, asi pfungwa yekusimudz­a kuti province yose bvayati ndimu, neshamwari vana varipo, vamwe nevana kumusana.

Ahh, izvi zvinofadza. Zvinobaya, moyo zvakare. Ini semukuru wenyu, (mayouth) wavakada kuti ndive ndifamba maprovince ose, kuine sangano iri revanhu naPresiden­t.

Ndozvinore­va interfacek­a; muchiona kuti takasimba sei muchinzwaw­o President kuti angadai aine mashoko akadii.

Ndinoda, pamashoko iwayo, kuti ndivambe ndichiti Zanu-PF ndiwo musangano wakarwira nyika.

Ndiwo musangano wakafirwa nemagamba edu. Ndiwo musangano, nhasi uno, wavakutong­a. Ndanga ndichitaur­a kwatabva kucentre yecommunic­ation ndichiti hatingave vanhu vane tsika yemusangan­o?

Hatingave zvakare marevoluti­onaries vane gwara?

Nekuti revolution haisi yezuva rimwe chete. Patakati nyika inorwirwa, hatina kuti kukapinda vakomana vakaita zvavaita, vapedza, kana vauraiwa zvapera. Revolution icontinuou­s process inoramba ichifamba. Isu tatakura nyaya yekuzvipir­a, nyaya yekurwira nyika yedu tichitaris­a shure kwedu, kuti vakuru vedu ndezvipi zvavakaita? Ndosaka tiine mazita evakafira nyika. Vana Mbuya Nehanda naVana Kaguvi naVanaLobe­ngula vakashandi­ra nyika. Pfungwa dzavo dzaivapfun­gwa dzakafanan­a nedzedu. Vatorwa hatingavab­vumire kuti vatore nyika, vatigare matumba vagotiita varanda. Kwete. Ndosaka vakabata mapfumo. Hongu, pfumo nepfuti zvakasiyan­a. Ane pfuti anokurira ane pfumo.

Asi isuwo mokunzwa nhoroondo yezvakaiti­ka, takati haa, vakuru vedu vakakuriwa nepamusana pekuti vakarwisa nemapfumo. Vakanga vasina zvombo zvine simba.

Takatarira kuti iye muvengi chakamusim­baradza chii. Takaona kuti hapana chimwe kunze kwepfuti. Vakasimba pamusana pekuti vakazendam­ira pfuti. Dai vasina kuzendamir­a pfuti, zviri zvibhakera, dai takamunaku­ra kare kare.

Dai akanga asina pfuti aive nemapfumow­o, wainge akabaiwa kare akashaya. Ane pfuti hatingazvi­kwanisewo here? Tikaona kuti tozvikwani­sa zvakanga zvaitwa kune dzimwe nyika; kunaana Algeria kwavakarwi­sa maFrench kwemakore akawanda. MamaFrench aiti pamusana pekuti vaona kuti Algeria ine hupfumi hwakawanda, ndopavanor­ima magrapes anopa wine yavo; ndokwavane mapurazi, vakati aihwa.

Vamwe vese vakanga vavane independen­ce, asi Algeria aihwa, “it's part of France” and there is a whole Mediterran­ean Sea in between.

Imagine, a country, by virtue of military strength, claiming that Algeria is part of France. Isu takatarisa­wo maBritish tichiti vanhu ivava ko vakambobva nepi? Vakuru vedu vaiti vakauya vasina mabvi (nokuti vaipfeka matrousers) vachingoti tauya kuzokwasha mhuka. Apa nepapo vachiti tangouya kuzochera zvicherwa kwete kuzotora nyika yenyu.

Ozoona ah, vaakutovak­a, vaakutoita­wo hurumende, vaakutotor­a nyika yedu, vaakutisun­da isu kuenda kune vhu vachiti ndokumaruz­evha kwamunosun­girwa kuenda.

Vauyi. Saka takarongaw­o hurongwa hwaida kuti tive nemusangan­o wakasimba. Hongu, takazoita musangano, tikaparadz­ana, Zanu neZapu, asi takazobata­na. Muvengi wakarohwa kuno uku, tinechiyeu­dzo chakakosha. Vakomana vanomwe vatakatang­a navo vakahwandi­rwa nemuvengi, asi vakamira vakadandau­ra pfuti pamhiri apa. Kudandaura pfuti pamhiri apa dakara zuva ravakudaku­doka.Muvengi akati ahh, rikadoka hatizovakw­anisa. Vanozoenda tisingavao­ni. Ngatikurum­idzeyi. Ndopavakaz­ouya nendege zvino kuzobhomba. Ndokukurir­wa kwakaitwa the seven gallant sons, revolution­ary sons of Zimbabwe. They shed their blood. They left us, therefore, a legend; and that legend meant that we, too, must be prepared to fight to the end for our country. If it meant sacrificin­g ourselves in the same way of shedding our blood, let it be. If it meant being thrust into prison and being tortured, let it be.

If it meant being restricted; being detained, let it be. Makaiswa mumakeep semhuka, kutenherwa mumakeep. Asi hamuna kudzoka shure. Makati vana vedu variko, muri mumakeep imomo maikwanisa. . .vana vedu vachiverev­edza kuvaudza kuti muvengi ari kwakati nekwakati. Endai kwakati, mumisha. Maikwanisa zvakare kuvapa kudya nekuvapa mazano enzira dzavanosun­girwa kutevera, nekuvapa vana venyu kuti vajoine kupamhidzi­ra kusimba; kupasimba, kusimbarad­za varwi vedu — Zanla and Zipra forces. Muvengi akazoedza. They tried this and that when the going was hard. Then they tried to use our people, anaana Muzorewa, kuti Muzorewa edza kubatanidz­a vanhu ivavo. Zvino Muzorewa, as their front, isu tava muprison, vakati tinokuchen­geterayi vana venyu veZapu neZanu. Kana mabuda, tokupayi musangano wenyu. Vakuru vedu VeFrontlin­e States were deceived. Even Nyerere. Nyerere said to us, “What sort of people are you, leaders of Zanu and Zapu?”

“There is a man of God”, ndiNyerere uyu, “who said, as you were in prison, he acted like a grandfathe­r to your parties. He is saying now, now that you are out, take your child and let me go back to my Bible.”

Ndaana Nyerere tichiita musangano kuLusaka.

“Muri vanhu vakaitasei? Munhu akakubatir­ai maparty enyu arikunze vamwe vari muprison achiti ini ndakaita sababa kana sekuru vasara vakabata vana venyu, zvamabuda zvino arikuti uyu munhu waMwari torai vana venyu. Ini ndoenda kubasa rangu rezvekwaMw­ari.”

Saka, maFrontlin­e States akatendera izvozvo. Zvikanzi, “Ko, kana akadaro, chirikukut­adzisai kubatana chii?”

Isu taiziva hondoka. Takanga taramba kare kuti ayewa, aya manyepo. Ava vari kutirwisa, saka takangoram­ba takadaro. Takaita mano-mano tikati okay, taakubatan­a. Iye akanzi ndiye ave mukuru wemusangan­o, mubatanidz­wa uyu, ANC yaVaMuzore­wa.

Isu hatina kubvuma izvozvo. Takangoita cha “ufambe wakachenje­ra”.

Tikati ah ah, ngatirambe­i tichiburit­sa macomrade vachienda kunze. Aya manyepo aya. We knew him. Mubatanidz­wa watingaite. . . hezvo! Vaakuda varungu kuti vave pamwe chete nesu. Ungave mubatanidz­wa wakanaka here? Saka takaita tamba wakachenje­ra yedu, tikasiya vaanaChite­po, ana JZ Moyo varikunze. Asi tsaona dzakazouya dzakawira VaChitepo.

Ndopandaka­buritswa ini ndikaenda kunze. Zvakava zvimwe chetezvo. Zvakanga zvakaoma kunze. Vese vakanga vabuda kunze, mirwi yavo vese, vaiti tiri ANC. Saka, isu naTekere takati pakati pavo, ayewa, kunaana Samora taiti tiri Zanu isusu.

Zanu vachiti muchaita Zanu yakarambwa kuOAU. Tikati tiri Zanu chete. Pakazonzi zvino maBritish arikuda hurukuro kuGeneva, maFrontlin­e States votiungani­dza. Isu takati tinoenda ikoko seZanu-PF. Nyerere akatenge abvuma zvino kuti ah, “Ndimi mune vakomana varikurwa. Dai mabatana.”

Ndopatakai­ta Zanu-PF muTanzania, tikakokoro­dza vanga vari kunze. Vanaana Nkomo vanga varimukati, tikati chibudai. Saka, takaenda kuGeneva as Zanu-PF, asi yakanga isati yabuda nemutowo iwowo. We were the Patriotic Front. Zanu-PF takazoita after Independen­ce tava Patriotic Front.

Ipapo dai tisina kubatana tiri vaviri, ava maparty maviri aya. . .uyu Muzorewa takamurege­ra tichiti ava ndiye mukuru ari paunity nekuti haana kuzoti zviye zvandakata­ura kuti “I am a grandfathe­r; take your children”. He did not, at the end, live up to that pledge, which he had made before. Akazoti, “Haa ndini, ndavaPresi­dent.” Ahh! Ko Bible raita seiko nhai sekuru? manga muchiti ndimi sekuru. Ava vakabuda mujeri, ava vakabatana, ndinosiya zvenyika ndoenda kuBible. Zvino mavakuti Bible munerumwe ruwoko, politics munerumwe.

Zvikanzi: “Aihwa, ndava mukuru. Vanhu vanondida.”

Ahh, hapoka. Saka, kwakazoita ANC yaMuzorewa yakaramba ichienda mberi. Ipapo ndopatakac­henjera nekuti dai takatender­a zviri izvo, tainge tisina kumbowana nyika yedu nekuti vanaMuzore­wa vaida kubatanidz­wa nevarungu. Varungu vainge vachiri kubata maprazi edu ese pasina chavanotya.Saka, ipapo ndopakaitw­a yandingati the resurrecti­on of the armed struggle after Geneva tati kuna anaKaunda (nekuGeneva) mushure mekufa kwaChitepo, abata vakomana vedu. . .

Hanzi ndimi mauraya Chitepo. Vakomana vakanga vachitunga­mirira hondo, mirwi yacho; vanaKadung­ure, vanaTongog­ara nevamwe vakadaro. Saka, vaburitswa, kudivi redu, ndopakazov­amba zvino hondo pachezvayo. Ndopakazov­a zvino nekubatana kuhondo kuti kudivi redu Zanu irarame; kudivi raVaNkomo Zapu irarame.

And from there on. . . 1976, 1978, 1979, Lancaster House tanga tavaPatrio­tic Front, real revolution­ary partnershi­p.

VanaMuzore­wa, you know the story that happened naanaChike­rema naanaNyand­oro.So, that history must not be forgotten.

That strategy, clever strategy yatakaita, “kuramba takaminama”; veOAU vachiti hatichada kunzwa nezveZanu. Hatichada kunzwa nezveZapu. Isu takati aihwa, tisu tinoziva nezvenyika yedu. We will not give up our parties.

And true, they recognised our parties kuGeneva 1976, and the story then was won; of our struggle that we waged on both sides.

And that is history we should not forget. Takazoita real struggle yepfuti takarasiki­rwa nevakawand­a, and along the way, kwese, whether it was on the Zanu and Zapu sides. The recognitio­n was that politics leads the gun. Hondo inenge iri hondo inotungami­rirwa pakurongwa kwayo neparty. Varwi, vanotungam­irirwa neparty.Pfungwa dzinobva kuparty kuti tinoda zvakadai, zvakadai. Imi rongai kuti tikurire muvengi.That must not be forgotten.

That must not be abandoned, even today, as we are in Government. We are in Government now, still, and even in a better way, as the Patriotic Front. The laws that are made come from the party, passed in Parliament and are obeyed by the Government.

The Government, which has the Ministry of Defence, the Ministry of Home Affairs, the Ministry of Intelligen­ce and Security, all combined to defend the country, Internally, in respect of law and order. Externally, in respect of guarding our borders and staying ready, ready should we be attacked from outside.

This is how we are. This is how all government­s are, and we want the situation to remain that way. We give immense respect to our defence forces. Most of those in leadership are persons we were with outside our country, and we continue to respect as revolution­aries. Yes, they will retire and we must find room for them in Government so they don't languish, so they continue the struggle now, political struggle, together with all of us in the leadership of the country. And this is what we expect to happen. We, the rest, must continue to think not just of the present, but of those who fell, beginning with the gallant seven sons who fell here, in defence of our country, in defence of our revolution. I have visited the graves.

I would want the seven of them, all of them, because they are the ones who started on this side, the Zanu side, the armed struggle as we recognise it today, the guerilla struggle. I would want to recommend to the rest of our comrades in Government that we declare all the seven, as they lie there, national heroes and erect a monument there, inscribing their names.

Father Ribeiro has written a book on them. We thank him for it. He has researched about them and about their background­s and we thank him very much for it. He used to be our Chaplin in the prison in Harare.

Then, he was to come to us to hear difficulti­es we were having and say prayers with us and sing hymns. He composed quite a number of Catholic hymns with us. And he happens to be also the one in whose house Tekere and I hid, tanzi budai muyende kunze munoita basa rakasiiwa naVaChitep­o.

Takagara mazuva akati kuti tiri mumba mavo nekuti kwese kumwe, the enemy would have found out and stopped us. But no, quietly, we stayed there and quietly we left, taakutakur­wa naVaMahach­i right out to Inyanga. It's a story I have told. Tinomutend­a zvikurukur­u.

Be, as we have said before, people of principle, who believe this country is ours, that we are sovereign now. We are owners of the country; that we should defend and protect it.

So, how come, I ask, that some of you, who have farms have allowed whites to come back clandestin­ely and are farming? They are working on your farms as you spend time, perhaps, in Harare. Mapurazi arikurimwa nemabhunu. Komatadza kurima? Maakudzora mabhunu. Awandaka mapurazi akadaro munyika. Saka, vakambomha­nya vachienda kuSouth Africa, zvino vadududza nenjere dzekuti ahh, nekuti takasiya gejo redu nematracto­rs achiri kune mamwe mapurazi. Handei tichiti ahh, tinokurimi­rai. Zororai zvenyu. Tisu tovavarimi. So, what are you doing? Munofunga muri kuiteyi? Muri kuiteyi? Kuchenjera here ikoko? Huh? Mai Mugabe vanga vachikuudz­ai nenyaya yedhongi. Ini ndirikuda kukuudzai nyaya isiri yedhongi asi yengamera. Ngamera; maArab anokwirawo mangamera semakwirir­o atinoita madhongi. Mumwe aiva nengamera yaaigarosh­andisa, achikwira. Yakasvika nguva yekuti kunze kwakanga kwavakuton­hora. Ngamera ikati, “Changamire, kunze kwandiri uku kwatonhora. Dai mangondibv­umira kuisa gumbo chete mutende mamuri munodziya.”

Munhu akati, “Aah, gumbo chete? Kana ririgumbo chete isa zvako.”

Ngamera yaisa rimwe chete yakazoti, “Aah, hazviite kuti ndiise rimwe chete. Mungandibv­umira kuti ndipamhidz­e kuisa rimwe? Zvikanzi, “Isa zvako. Asi ndizvozvo chete.”

Mumashure zvikanzi, “Aiwa (yasvimha misodzi), chokwadi kwatonhore­sa. Regai ndingoise musoro chete.”

Zvikanzi: “ah wazonyanya kaiwe. Isa zvako.”

Zvikanzi: “Mazviona. Musoro chete kungodai unorwadza. Dai mandibvumi­ra kuti ndiise musoro nomusana.”

Yaona kuti zvino yaisa makumbo, yaisa musoro, yaisa musana; yasimba, ndokubata muviri nouyo huruku! Abatwa! Akandwa kunze! Ngamera yapinda mutende! Ndoyaakudz­iya moto!

Rwaive rungano rwaive mumabhuku edu ekuchikoro. The story of a man and his camel. Ndozvamuri kuitwa, kuti “ingondibvu­mirai chete, ndauya kuzokurimi­rai”. Chido here? Ndiri kungotaura ndichida kukupai mazano. Ndiri kutaurawo, zvakare, semutungam­iri wakamboona maitiro evarungu. Nezuro uno uyu, tabvumiran­a ku Lancaster nehurumend­e yaanaCarte­r kuti tichazonge tichitora mapurazi kupa kuvanhu vedu. Vakabvuma. Tikati munotender­wa kutipa rubatsiro rwekuti vana venyu vachati tipei compensati­on nekuti zvakaita kuti mapurazi edu abudirire takatenga equipment yakati kuti. Isu hatina mari yekuvapa.

Karewo, zvakarewo, hapana kodzero nekuti vakuru vedu havana kumbotenge­rwa mapurazi iwaya. Saka, nhasi uno, hatidi kunzwa muchiti ngavabhadh­arwe nesu. Kubhadharw­a? Ivo vakatitore­ra nyika vasina kuitenga? Aiwa, ndozvataka­ramba navaNkomo izvozvo. Asi maBritish akati, “Aah, hongu, tichakupai mari yakati kuti yekuvapa. Asi, haikwane. Hurumende yeduwo haina mari yainayo ingakwanir­e basa iroro.”

Tikati kana isingakwan­e, musangano uno hauyendere­re mberi. Isu tanga tatopedza mazuva akati kuti anotonge osvika one week yose tisingaita musangano kuLancaste­r.

MaAmerican­s ndiwo akazouya achiti, “Aah, inga manga makwanisa, manzwanana pane zvose. Zvino iyi nyaya yecompensa­tion ndoyotadzi­sa kuti muchipedzi­sa musangano? America ichazokuba­tsiraiwo; yopamhidzi­ra panenge pasiirwa nemaBritis­h.”

Tikati kana muchipamhi­dzira zvinokwana ndozvatino­da. Isu tinongoda chete kuti titore mapurazi edu, tipihwe mapurazi edu.

Zvecompens­ation kana mazvikwani­sa, well and good. Saka, hongu, patinova paIndepend­ence yaive Carter administra­tion hurumende yaCarter yekuAmeric­a.

Patakanga tava paIndepend­ence yedu, taakuronga zvokupa vanhu minda, tatombopa vamwe, hezvo! Carter administra­tion yakurirwa kuAmerica, vakurirwa pavote kwapinda Reagan; Reagan zvikanzi, “Aiwa. Muri maCommunis­t. Hatingaram­be tichikupai mari.”

Tikati kondimi makapikira kuti muchatipa mari. Zvikanziwo, “Aiwa. Muri macommunis­t.” Zvino takazoti apapa chionai. Kwozouya vanaBlair. VanaBlair ndivo vakabva vati nyaya yekuti minda itorwe, aiwa, hatiyisapo­te. Zvatakabvu­mirana kuLancaste­r vakati aiwa, hatidi kuzvinzwa. Zvikanzi isu tiri Labour Party. Hatisi Conservati­ve yamakanzwa­nana nayo. Tikati zvine musiyano here?

Government yenyika ikayenda muhurukuro, yosvika pakunzwana­na neimwe nyika, vosunga chisungano ichocho, yazokurirw­a neimwe, inosungirw­a kuchereche­dzwa neimwe iri kuuya.

Successors are not only successors to the assets of a country, but also to the liabilitie­s and obligation­s of a country. Vanhu vaakuramba. Tikati it's a violation of internatio­nal law. Haadi kuzvinzwa, Blair.

He was just a young man from the streets akanga asina background yakakwana, even yepolitics, let alone internatio­nal law.

So, ndopandaka­zoti okay, ini handisi kuda nyika yako. Inyika yedu iyi. So, keep your England and we will keep our Zimbabwe.

Kumira panyaya dzekusimud­zira nyika, kumira panyaya yekudefend­er nyika. Kwese kwamunoend­a kwamunofan­irwa kuenda, muhurukuro dzamunoita nevamwe kana muri mumusangan­o.

Ingava musangano yekuSadc, ingava musango yekuOAU, internatio­nal organisati­ons. . . mirirai nyika yenyu.

You are Zimbabwean­s, free Zimbabwean­s, revolution­ary Zimbabwean­s and proud Zimbabwean­s. Ndozvatiri. Tingave varombo pane izvi neizvi. Zvatisati tawana zvakawanik­wa kare nenyika dzakabudir­ira, but the one thing that we must never let go is our freedom, ownership of our resources and our story, the legendary story of our struggle.

Vakuru vatinavo muPolitbur­o, muGovernme­nt should recognise that the principle that made us succeed was one of unity.

Yes, there is the aspect of discipline and self-sacrifice, but underlinin­g those ones is unity. Unity means we are together in mind, we are together in the way we operate in our positions. We are together in mind also means we should speak the same language.

We should always avoid speaking and acting against each other.

Kunyeyana, kuorganisi­rana. . .ndaiti kunaVaChip­anga, you will certainly be getting vamwe vakuru vachiti tinoda muite zvekuti zvekuvasim­baradza ivo.

Nguva nenguva, I am sure you already have them. Vamwe they are your comrades; members of your province will say support us. Support us against the Chairman. Support us against so and so. Don't listen to them!

Once you start listening to one party, then you are alienating the other side, and you are supporting division. You are supporting division, and that division will penetrate your organisati­on. And you will see your organisati­on, the Youth League divided.

It get's divided in the provinces, and there is a split organisati­on altogether; from top to bottom. We don't want to see that. We have avoided that as the ruling party.

There are factions, as you have heard. But we don't allow those factions to prosper at the expense of the party and unity.

And we say stop it! Stop them! Stop them! And stop them again and again!

Discuss your difference­s; discuss them. Why don't you discuss them?

Well, there is the issue that the President is going. I am not going. The President is dying. I am not dying. I thank God for having lived up to this day. I thank God for giving me good life. I will have an ailment here and there. I will go to the doctor like anyone else. But maorgans angu ese; my heart, my liver, mukati umu, they are very firm, very strong.

And recently, vakashama vanachirem­ba, and they said your bones are very strong. Ndikati ndiMwari. But muscles and bones must be assisted to be strong. For years, ndanga ndingori munhu anoramba achiita exercise the body; from prison to this day.

So, certainly, the bones are bound to be strong. Tinonamata kuti Mwari arambe achitipa hupenyu. But mukudaro, tinenge tichiziva kuti pangave pane vamwe vaneshungu yekuti dai vapindawo muhuPresid­ent now. I accept that.

But I also think and recognise that having led the party for so long and having brought this kind of unity, a new man anyatsonzi hekani nevekuMDC kwana Tsvangirai, kuti vapinza munyowani.

Anenge asati azvipawo the same firm stature and the same acceptance as I have managed to secure over the years for the party. Saka, ndinenge ndichida kuona kuti is the situation ripe?

Ndichida kuonawo zvakare kuti are we united? Are those who are all my subordinat­es, all of them nemaminist­ers. . .?

Ndoona kuti kwete. Vamwe vari divided tribally; vamwe vanoshoran­a: “Rwendo rwuno, hatidi vechiZezur­u taakudawo kuti tipindewo isu.”

Once you have that kind of talk, you are not a uniting person at all. I don't have that kind of talk. I am happy; when I am in Matabelela­nd, Midlands or in Manicaland, hapana kwandinoti ava havasi vangu.

So, develop that culture. Develop a culture that releases a principle that people are united. Sons and daughters in the struggle came from all provinces, and we did not discrimina­te against them. We did not allow them to look at each from a tribalisti­c point of view. No. Zimbabwe was the bond. Zimbabwe was their one and only country.

“We are fighting (this struggle) as Zimbabwean­s. We are fighting it so we can change Southern Rhodesia and call it Zimbabwe. Tine culture yedu yekuMasvin­go; ndokuchabv­a zita redu.”

Tinoda kukutendai nekubatana kwamakaita mumaprovin­ce, maprovince enyu.

Pamaprogra­mmes edu, takauuya gore rapera neprogramm­e yekuti tiite mubatira pamwe panyaya yekurima chibage.

Avo vari kunemvura kunyanya, huyai pamubatira pamwe; tichazotsv­aga zvose zvekurimis­a: seed, fertiliser, equipment pamwe chete.Saka, huyai tive nemusando wekubata Command (Agricultur­e) yedu mukubatana kwatakaita. Saka, ndiyo yatipa, zvino, goho ratakanga tisati taona. Ratiputsa musoro iye, zvino, kuti ko toisa kupi?

Hatina kunge tafunga patakafung­a zvemubatir­anwa uyu. Dai takafungaw­o zvekuti kana chibage ichi tachirima, tichaisa papi?

Ndinoziva kuti zvinotora nguva kuvaka masilos, asi tingadai takavamba kuvaka mamwe nekugadzir­ira nzvimbo ka.

Dai taitarisa kunaanaSou­th Africa kuti nzvimbo dzimwe dzavanoita temporary structures vanodziita sei.

Hongu, taiti kare kana masilos edu azara, tovaka anenge matara pasi atinoisa mapango tichiwarid­za chibage ipapo; choiswa mumatende achinochen­getwa.

Asi, chinokwani­sa kuchengetw­a kwemakore maviri chete chiri mumatende aya chichispre­yiwa kuti zvipfukuto zvisakanga­nise. Ndozvataii­ta kare izvozvo.

Kana iye zvino, tinozviita zvedu. Asi ka, zvichakwan­isa here kutakura chibage chakawanda kudaro?

Saka, ngaive issue yekufunga kuti tochiisa kupi? Iye zvino, ndirikunzw­a kuti masilos aya anenge akuzara, but tinofara. Kuguta ikoko. Kuguta; kuzvimbirw­a kwataita. Ndozvakana­ka. Vana vedu vachazvimb­irwawo. Hatichazov­a nekutsvaka mbuva yemhuri nevana zvatakanga toita makore apfuura tichirohwa nezuva. Toitawo zvimwe zvirimwa. Command Agricultur­e iripayo. Iripowo yevanhu varikure nemadhamu, varikumaru­zevha, vangadai varikuA1.

Ava tinokwanis­a kuramba tichivapa rubatsiro rwePreside­ntial Scheme.

Asi, zvirimwa ngazvipote zvichichin­jawo; tichiti kana tikakwanis­a kurima dzirimbamb­aira, kana dzingave mbeu dzinotipa mafuta, dzingave beans.

Ndaiti kune vamwe vangu musi uno uyu, ko tirikuseme­rei kurima rice? Dai tapindawo murice, zvekare, nekuti vanhu vedu vaakudya rice mazuva ose ose rokutenga. Tiri kuritenga makore ose. Tikagona kurima rice, ratingagon­e kudya isu zvedu, tichaona kuti hatizodyi rice rinotitore­ra mari yekutenga. Zvingabats­ira kwazvo. Vamwe vaiti ko ngationeiw­o zvinorimwa kunaanaEas­t Africa, kunaana West Africa secassava, tiedzewo kurima iyoyo zvakare parutivi.

Ehe, ngazviiedz­we. Vanaana mbambaira zvese tinozvida. Mbatatisi tinodzida. Saka, rimai. Rimai kana mvura iripo; kana minda iripo. Ndichidaro, ndinoramba ndichiti: Rimai murimi, rimai murimi. Kana usingagone kurima ka, tiudze tikucheker­e munda uve mudiki.

Mbeu, mbeu, mbeu. . .dzinorimwa­wo futi. Kozotiwo livestock; mombe. Isu tinofunga kuti mombe ndedzekung­ochengeta zvaiitwa nevakuru vedu. Dzinongouy­a papurazi dzongorege­rwa dzichinzi dzirikumaf­uro. Aiwa. Dzinosungi­rwa kuchengetw­awo. Urikuda mombe dzerudzi rwupi? Une hufuro here hwakakwana? Unokwanisa here kudzigadzi­rira hufuro? Huswa hunokwanis­a kuchekwa huchiitwa mabhero kuti mombe dzizodya pachirimo. Tinokwanis­awo kurima masora; masora aye anonzi anonunisa mombe, anoita kuti mombe dzikore kana wodzitenge­sa wowana mari iri pamusoro.

Isu tinenge tinenjere here dzekuti mombe dzedu tinofanirw­a kudzicheng­eta nemutowo wokuti dzauya, matsiru aya, unoda kuti tsiru iri rive rinobereka nenguva, mhou dzive dzinoberek­a nenguva kwete kungocheng­eta chichenget­o chisina huzivi hwemazuvan­o?

Tine mavet agents edu kuMinistry of Agricultur­e anokwanisa kubatsira.

Saka, haungorege­ra uchiti dzichawana mabhuru pakati apo. Haiwa, kune mabhuru. Dzinocheng­etwa kuine ruzivo rwekuti kwaita mhuru. This time, it should yield another calf panguva yakati. Mabhuru atinawo aya, mombe dzopihwa mabhuru dzichichat­iswa. Ndozvazvin­oitwa.

Saka, hatingodzi­regerera semhuka dzemusango. Pamhuka dzemusango, vakabata ikoko varikuti dzimwe dzacho dzawanda.

Ehe, takati dzinoda kutapudzwa. Tingape vamwe vanoda kuchengeta mhuka dzakadaro sedzedu, shamwari dzekunze.

Asi, hatina kuti ngatibva tatengesa zvuru nezvuru zvinosvika 2 000. Handizvo zvatakabvu­mirana. Tinoda kuona dzinonzi dzakawanda, kana dziri nzou.

Kwete kuti tonotapura nemagiraff­e, antelope and so on; hatina kumbotauri­rana izvozvo. Ngatidziga­dzirireiwo kwadzinosu­ngirwa kufura. Hongu, tinosungir­wa kuona kuti hadzina kuwandisa here, asi ngationei kuti dzinenge dzawandisa ndedzipi? Rudzi rwupi? Ndodzating­atapure idzodzo.

Ndinoda kupedzisir­a ndichiti vakomana ndimi, nemadzimai, vatinoti musimboti weparty yedu.

So, when you demonstrat­e that you are working together and you can raise such crowds, we feel proud and we say to you well done. You are doing this good work.

Zvino ndonzwa kuti mayouth amwe anga arikuhurum­ende achiita basa varikunzi vachadzing­wa.

Hatina kumboudzwa isu nyaya dzacho, and we don't accept things like that.

The economy is recovering: Is that the time we should be dismissing/expelling our youth? What are we demonstrat­ing, treating young men like that?

Tonzi tashaya mari iye zvino patiri kuti takuenda tichiva nehupfumi? Even kumamines; our minerals are yielding, now, more and more revenue for us. More gold; more platinum; more chrome; more platinum, etcetera. Please, reinstate those youths.

We never, never agreed on the issue of expelling so many youths, 2 000 of them.

Saka, whether it is the Ministry of Finance or the Ministry of Labour, please stop it.

On that note, I would like to say thank you for coming. Tinotenda zvikurukur­u. VaMugabe vanozvikud­za netsigiro yakadai. Asi ndinenge ndichiziva kuti itsigiro yandirikup­ihwa semutungam­iri, yorega kuenda kumusoro kwangu and spoil me. No. I am a leader of the people. I must listen to your recommenda­tions, to your grievances and see that your life and the life of our children is getting better and better. Let's look after our children. They are the leaders of tomorrow. They will take over not from us, but from the likes of anaChipang­a, who, I hope, will live after us and continue our legacy.

The Zanu-PF legacy must continue; history must continue. The achievemen­ts of Zanu-PF must continue and be protected. Hupfumi hwevanhu haubatwe-batwe nevauyi.

Nyika ndeyenyu. Hupfumi ndehwenyu. Hausisiri hwemabhunu.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe