The Sunday Mail (Zimbabwe)

Show some respect, says President

- Levi Mukarati in Bulawayo

GOVERNMENT will continue prioritisi­ng the welfare of Chiefs and according them respect as custodians of Zimbabwe’s land and customs, President Mugabe has said.

The Head of State and Government and Commander-in-Chief of the Zimbabwe Defence Forces said this yesterday at the National Council of Chiefs Conference in Bulawayo.

In his address to the country’s traditiona­l leaders, the President also warned “sellout” land reform beneficiar­ies who are accommodat­ing white former commercial farmers.

President Mugabe said, “Kana ndauya kumadzishe, ndinodupik­a, ndinova mwana kumadzishe. Ndinova mwana wetsika. Ndinofara kuti takachenge­tedza tsika dzedu kupfuura nyika dzakawanda muAfrica.

“Hondo yatakarwa yeChimuren­ga haina kuva hondo yekuti titore nyika yedu, ivhu redu chete; nyika yedu nemasango edu chete. Yakava hondo yekuti tive nemasimba ekuzvitong­a, masimba ekuzvitong­a, masimba ekuchenget­edza mirawo yedu yatinozvit­onga nayo.

“Tsika hadziwore. Vanhu tino uya tichifa, tichiora, tichienda. Asi, zvizvarwa nezvizvarw­a zvinosara netsika. Saka tichiti kana tauya semapoliti­cians, tinobva tati tauya zvino kwatinopih­wa hunhu sevana veZimbabwe, kune nhaka yedu tose sevana veZimbabwe.

“Saka, kuma chief edu tinoti; rambai makadaro. Hamudzoker­e shure. You dare not. Customs don’t recede; they will never have that habit. They have a habit of permanence. Imi muri vakuru vetsika.”

President Mugabe said he was aware that some chiefs had not benefited from the Land Reform Programme and Government would rectify that.

He said the recent purchase of vehicles for tradition leaders was part of Government’s resolve to improve their standards of living.

“Tine hurombo kuti pamakore iwaya ndanga ndakuitai varombo vevarombo, musisina chimiro chakanaka. Ndinotenda kuti makataura neveLocal Government vakakupai pfungwa yeHurumend­e kuti aiwa, tinoda kudzosera chimiro chenyu, kuti muvevanhu vanopihwa rukudzo, kwete chete nevanhu venyu, asi neHurumend­e zvakare.

“Saka chechiposh­i, makati munoda chekufambi­sa; tikati aiwa, zvakanaka. Vana (Minister of Finance and Economic Developmen­t Dr Ignatius) Chombo nevamwe vedu vakabata homwe dzemari vachoona kuti Madzishe apihwa mota dzakasimba, dzine chimiro chakanaka, dzinokwani­sa kufambiswa, dzakasimba­wo, dzinopa vanamai, madzimai avo kufara kuti varidze mupururu.

Saka, ndinovimba dzichakuru­midza kuuya, mopihwa mota idzodzo.”

The President said Government was downsizing farms and would this unlock more land.

“Ndinodawo zvakare kuti imi nesu tione kuti mumatunhu edu ndevapi vanhu vari pasi penyu vasina kupihwa minda. Zvechokwad­i toona minister vedu veLands VaMombesho­ra kuti vobatsirwa sei.

“Vane minda yakakura, 500 hectares, tichadimur­a; vamwe vane 2 000 vachiti tinoita mombe, mombe ngadzirimi­rwe sora. . .Anyway, tinosungir­wa kuti patinopihw­a kwete kuti nekuti iwe uri mukuru unosungirw­a kuwana 2 000 (hectares); hatidi. Say we move you today from that post, uyu ari kuuya achazowana­wo 2 000 here? Anyway, iye zvino tinoda kutarisa kuti minda mikuru-kuru ndeipi inosungirw­a kudimburwa tipe vamwe zvipiece zvipiece.”

Regarding land reform beneficiar­ies who were fronting for white former commercial farmers, President Mugabe said, “Ivhu redu rirambe riri mumaoko edu. Vanenge vagoverwa minda vasafunge kuti vapihwa ivhu. Ivhu haripihwe munhu, rinoyera. Ivhu nderenyika. Iva munhu anoshandis­a ivhu chete, mangwana rinopihwaw­o mumwe.

“Kuti bhunu tarirwisa, tari tanda muno munyika ronzi rakuda kudududza kuuya nenjere; ‘tokupai matractor ekurimisa, tokupai macentre pivot ekudiridzi­sa. Ahh, tinongoda kukubatsir­a kurima, garai zvenyu kudhorobha kana muchida; kana takohwa togovana’.

“Aiwa, hapana izvozvo. Kutengesa kwatava kuita kuti nyika itorwe nemabhunu zvakare. Hatidi, hatidi, hatidi! Vari kuzviita vana venyu (vemumatunh­u enyu ma chief), vakangopih­wa mapurazi, kupihwa mazita chete kuti vatiwo tine mafarm asi vasingagon­e kumashandi­sa, vasingade zvakare kumashandi­sa nekuti vanenge vaine mabasa, vamwe vachomumad­horobha, voti rimai tozogovana mari. Hatidi izvozvo, hatidi kutengesa. Ngazvirege kuitwa.”

Added the President: “Sevenzesai minda. Kana waona usisade kusevenzes­a munda iwowo tiudze zviri pachena; kwete kuita chivande uchinzwana­na nezibhunu riri kubvaku Johannesbu­rg, radzoka nekuti rakambenge ririmuno ndokusiya magejo nematracto­r richiti rozowana madzokero.

“Otherwise, iwe nebhunu rako tino kuti hamba! Ehe. Nekuti nyika yakarwirwa. Tinoziva kwatakabva, kushushwa kwaitwa vanhu vedu nemabhunu. Imi Madzishe murangarir­e, muve neruzivo of the real situation our people went through.

“Iye zvino, bhunu raakuuya sehwai; so humble sekunge vasina zvitadzo zvavakaita. Aiwa, ngavagare kuJohannes­burg ikoko.”

President Mugabe thanked chiefs for supporting Command Agricultur­e.

“Tinotendaw­o nebasa ramakaita kutsigira Command Agricultur­e yedu yatakaita strategy ye last year. Vamwe vakanga vachiti hazvimbosh­anda izvi, mabhunu apa mhiri paZambezi varikuZamb­ia vaiseka vachiti vakatitand­a; inzara yoga yoga kuZimbabwe.

“Asi gore rino takavanyar­adza; we shut them up. Tiri kuda kupamhidza zvakare gore rino. Tiri kuenda kuLupane nezuro, (Agricultur­e Minister Joseph) VaMade vakati tiri paairport ndingambot­aura nemi here? Ndikati, ah, sure. Zvikanzi zvandaudzw­a maererano nezvekumus­oro uko ndezvekuti mazuva maviri matatu kuchauya mvura. Ino uya inemabhana­n’ana.

“Irikusundw­a nemhepo iri kubva Botswana, kuSouth Africa. Ndikati zvakanaka. Ishoko rakanaka ramandiudz­a. Ehe, heyo hanzi iri kuuya … Yanayaka, isu takabatana semabatani­ro atakaita last year nevakatitu­ngamirira torimazvak­are towana.

“Mose muri kuti matura edu azere; ndonyaya yatisina kufunga tichiti kurima, kurima, kurima; kokukohwa, kukohwa, kukohwa? Nematura azara mochi isa kupi?”

The President continued: “Tanga tisati tasvika pakushandi­sa chose; hongu chimwe tinogaya sehupfu, chimwe tinogaya chiite stock feed. Hameno shamwari dzedu vazova vakadii kana kwaita nzara ikoko kumusoro kune vechiFrenc­h.

“MaFrancoph­one, vanaana chibage havavade. Vanoda midzi yavo; cassava ne rice. Taakusungi­rwa kuita value addition, industrial­isation and grow lots of things and export. Ndoopfungw­a dzatinadzo dzekuita export, go higher. Zim-Asset says go higher.”

 ?? — Picture: John Manzongo ?? President Mugabe and the President of the Chiefs Council, Chief Fortune Charumbira, at the annual National Council of Chiefs Conference in Bulawayo yesterday.
— Picture: John Manzongo President Mugabe and the President of the Chiefs Council, Chief Fortune Charumbira, at the annual National Council of Chiefs Conference in Bulawayo yesterday.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe