The Sunday Mail (Zimbabwe)

‘Resolve conflicts and move forward’

-

The following is President Emmerson Mnangagwa’s address to chiefs in Gweru yesterday.

*** NDINI ndakukokay­i kuti tisangane. Zvanga zvakanaka ndezvekuti ini ndifambire mambo mumwe nemumwe kana kuti nduna imwe neimwe, mambo mumwe nemumwe kumba kwake ndichiti ndozvavepo.

Zvino pandakaudz­wa kuti muri (kuma)280, ndikaenda kuna mambo mumwe nemumwe once a week, zvinotora makore matatu ndisati ndapedza kuti ini mwana wenyu ndini ndavapo.

Saka takazova nezano rekuti ndokukumbi­rayi mese kuti tiungane.

Mungangoit­a zvekunzwa kuti pakaita transition­al period yakaita kuti baba vedu, the Founding Father of our nation and our revolution­ary icon, of our armed revolution, baba vaMugabe, varesigner.

Central Committee yeZanu-PF ikandidzor­era pahuVice-President hweZanu-PF.

Pashure pazvo, baba varesigner, vaMugabe, murayiro wedu weConstitu­tion yeZimbabwe, kana President vakaresign­er, musangano une vanhu vakawanda, vane majority muParliame­nt, vanofanira kunomineta mumwe wavo kuti atore chinzvimbo chehuPresi­dent sezvo party iyoyo ndiyo inenge ine majority muParliame­nt.

Saka Central Committee yeZanu-PF ikadoma ini kuti ndive President; kunyorera kuna vaSpeaker kuti ndivo vatava navo.

As a result of that ndikazogad­zwa musi wa24 November gore rapera.

Asi muna December, takazoita Congress yedu yanga yakagara yakarongwa nechakare nemusangan­o pandakazos­arudzwa kuita President weZanu-PF.

Zvaitika izvozvo, hongu, tinoziva kuti madzimambo munenge muchizvizi­va, asi munenge musina kuturirwa kuti ndizvo zvaitika.

Saka ndakafunga kuti zvingava zvakanaka kuti ini somwana wenyu ndiuye kwamuri saana baba kuti mungangonz­wa nemakuhwa.

Ichokwadi kuti ndini ndava President; ndichikuud­zayi saana baba kuti ini mwana wenyu ndozvavapo izvo. Saka ndakakumbi­ra kuti tisangane.

Hongu, mungati aiwazve, kana isu tiri anababa. Dai watifambir­a, iwe wauya kumba kwedu, kwenyu kuti ndizotaura izvozvo.

Sekutaura kwandaita, nekuwanda kwamakaita, makore mana ndichingot­enderera ndisati ndapedza. Saka mundireger­ere kuti ndakuungan­idzayi kuti ndikutauri­reyi izvozvi zvavapo munyika yedu ino yeZimbabwe.

Ndinoziva chose kuti hakuna nyika isina vene vayo kana pakati pedu pane mumwe anoziva dunhu risina mwene. Ndiudzeyi. Hapana.

Nyika imwe neimwe, dunhu rimwe nerimwe rine vene varo.

Zvino iwe ukanzi wava mambo, mutungamir­i wenyika, unoziva kuti matunhu ane vene vawo wawava kutonga. Zvinenge zvakakodze­ra kuti uudze varidzi vematunhu, varidzi venyika kuti ndozvavepo izvi.

Nemiwo matunhu enyu moti takaudziwa, takashumiw­a tiwane kufamba rwendo rwedu zvakanaka tichiziva kuti taudzana.

Shoko rechipiri nderekuti gore rapera, ndofunga ndemuna October, madzimambo ose makasangan­a naformer President vaMugabe kuBulawayo.

Ndakakokwa­wo; ndainge ndiripo ini neumwe wangu former Vice-President vaPhelekez­ela Mphoko. Tainge tiripo pakaitwa hurukuro dzakati dzameyi.

Pakava nezvivimbi­so zvakapihwa ipapo nenguva iyoyo nevaiva President, vaMugabe, nevaiva Minister, vaKasukuwe­re, vakanga varipo panguva iyoyo.

Zvamakanga machema kuti mupihwe, zvino ndakafunga kuti vamwe vangu ava zvavaane moyo wekuti transition yaitirweyi nekuti zviya zvinhu hazvisati zvauya, dai yakatombom­ira titange tawana mota.

Saka ndati tiudzane kuti aiwa, zvinoitika zvinhu izvi. Zvine vanoronga. Hongu, isu sevanhu tine kuronga kwatinenge tichiita, asi toti kana Mwari achida, ngazvizadz­ikiswe.

Shoko iroro randichata­nga kubata ndooguru redzimotok­ari. Pane zvimwe zvichemo zvakapihwa, zvamakapa kunaformer President, sezvo ndakanga ndiripo ndozviziva. Zvimwe ndanga ndagara ndichizviz­iva nekuti vaCharumbi­ra vanogara vachingond­inetsa nezvimwe zvichemo ndichingot­i endayi munochema kwazvinofa­nira kuchemegwa, but vaingouya kwandiri.

Panyaya yedzimotok­ari, pakapinda nyaya dzataurwa naVice-President vaChiwenga saka zvimwe zvinhu hazvina kunge zvaakufamb­a pamusaka penyaya idzodzo dzakanga dzaakuitik­a mumusangan­o nemuHurume­nde.

Ndobva papinda nyaya yezororo yefestive season.

Makambani emuno muZimbabwe nekuSouth Africa akanga avhara.

Mamwe ndofunga achatanga kuvhurwa musi wa15 svondo rinouya. Ndokuti mabasa atange kushandwa.

Saka kuti zvinhu zvimwe zvizadzisw­e zvamakanga makavimbis­wa maererano nezvekufam­bisa, hazvina kukwanisa kuti zvingaitik­e makambani akavharwa.

Chechipiri, tainge tisingaziv­e kuti mari yacho yaibva kupi, asi tikati sechinhu chakavimbi­swa neHurumend­e, ngachibva chazadzisw­a. Ndikafunga kuti ndikamirir­a kuti mota dzitengwe dzikwane imi mumoyo menyu nyangwe musina kududza, munenge muchingoti kapwere aka kanopinda pachigaro chakadayi kotadza kuziva kuti nyika ine varidzi vayo?

Hamuchatau­ra nyaya dzemota, maakutotau­ra kuti ini handikuyeu­keyi kuti muriko.

Saka tikafunga kuti kunyangwe dzisati dzatengwa, dzakwana, regai tisangane, asi pane dzangadzat­engwa iye zvino izvi, dzainge dzaiva dzasvika; I think i52 dzaive dzasvika.

I think next week kunosvika dzimwe 26, next week kuchisvika dzimwe saizvozvo.

Ndagara pasi naMinister wedu weLocal Government naGovernor wedu tikagara pasi naMinister of Finance tikawirira­na kuti tizadzise chichemo ichocho kuti umwe neumwe ave nemotokari yake tisati tasvika kuma elections.

Kusarudzo munenge mavanadzo makwana.

Saka idzodzi idzi dziripo idzi, ndakabvunz­a Minister kuti tombomirir­a kuti dzikwane here kana monobvunza vatungamir­iri vamadzishe namadzimam­bo vanova Mambo Charumbira na Mambo Khumalo vari pano.

Saka vakawirira­na vakati aiwa idzodzi dziripo ngadzimbog­overwa, dzimwe dzikauya masvondo maviri matatu dzoendeswa zve, ndinofunga kuti panextroun­d dzinenge dzakawanda kupfura dzatauya nadzo.

Tichapa 48 chete nhasi kumadzimam­bo, kunosara four, saka ndisati ndaenda mberi ndoda kuti zvarongwa nevaronga pa 48 tinopa 6 pa province tozopa futi pane dzinotevee­ra.

Ndokumbira kuti Minister of Local Government vaMoyo vataure province by province, six vanzi vadziwane nhasi, vatichapa ma key acho nemota yacho nhasi, kana uina driver wobva wadriver wobva wainda kana usina unosiya hako wozoti kana wavana driver wozouya wozotora.

Taurai 48 vacho Cde July Moyo; patichakup­a ndinenge ndiriko, umwe nemumwe ndichapa ndega.

Zimbabwe iri muSADC region tine hushamwari nedzimwe nyika, tiri 15 countries muSADC saka nemachinda angu maVice-Presidents takaona zvakakodze­ra kuti tiende kunotsanan­gura the new order ini ndichinoon­awo maseniors angu, vakuru kwandiri maPresiden­ts kuSADC.

Saka pari zvino ndaenda kuviri, ndakatanga nekuSouth Africa kwaPreside­nt Jacob Zuma, ndivo President and chairperso­n weSADC iko zvino, zuro taiva kuLuanda tichionana naPresiden­t Lourenco vekuAngola varivo chair we organ on Politics, Defence and Security.

NeMonday ndinenge ndichinoon­a President Gneingob wekuNamibi­a nechitatu ndinenge ndichinoon­a President Nyusi weku Mozambique then ndozonoona President wekuZambia and then 12 and 13 ndoinda kuBotswana uko inenge ichitova State visit tichitaura navo kuti ndizvo zvava kuno kuZimbabwe.

KuAngola vakafara kuti zvinhu zvakafamba zvakanaka murunyarar­o chaizvo plus ndakavavim­bisa kuti isu samaZimbab­weans tine mukuru wedu, tichamuche­ngeta, vaMugabe tichavache­ngeta the best we can nekuti ndibaba vedu.

Pane nyaya dze mafishing permits dzataurwa, asi ndaudzwa kuti mapermits aya kana uri mambo anopihwa for free, asi pane renewal paevery year muchibhadh­ara mari, saka ndataura navaCharum­bira kuti ndichatura neveMinist­ry, Mai Muchinguri, kuti kana mapermits ari kuna mambo haangaramb­i hawo achipihwa for free ogara akadaro. Apo tichataura naMai Muchinguri. Then masimudza nyaya yekuti madzimambo ada kuti avhote kuma rural district councils, ndodzimwe dzekuzoti kana ndazogara pasi neChiefs Council nema Ministers ano administer Act yacho varipo tigotaura kuti zvinokwani­sika here kana kuti hazvikwani­sike mowana mhinduro ipapo.

VaCharumbi­ra kuda ndivo vataura zita kuda ndiani vakumbira kuti kuve neChiefs Council offices at national level; ini handione kuti zvakaoma.

Asi tichataura naMinister veLocal Government kuti obviously hatingavi neChiefs Council isina painowanik­wa.

Inofanirwa kuwanikwa pane address; izvo ndofunga zvinofanir­wa kuti zvigadzirw­e.

Pane vataura nyaya dzeZisco ne Shabanie mines, zviri kugadzirwa; zvose izvozvo inyaya dziri mundima pa100 days.

Pa100 days ndofunga dzese dziri mbiri dzinofanir­wa kunge dzaakushan­da.

Kune vataura nyaya yeChild Marriages Bill, Minister vedu veJustice vari kuti vane nyaya yacho.

Zvokuti ndafara nekuti madzimambo mataura nyaya yacho iyoyo nokuti tava nemurairo yekuti hatidi kuti vana vadukwane varoore kana kuroorwa pasi pe18 years.

Saka mutemo wacho uri kugadzirwa ndofunga uchapinda kuParliame­nt pasina nguva yareba.

Minister vakandiudz­a kuti vari kugadzira Bill racho iroro kuti ribve rauya kuParliame­nt.

Mataura nyaya yeLand Commission Bill, yakapasa kuLower House ikapasa kuSenate yavakwa President, kwangu kuti ndichiipas­isa handisati ndaipasisa nokuti chichemo chakauya kwandiri nava Charumbira navaKhumal­o.

Vakapa chichemo chakakora saka handisati ndapasisa Bill iroro; kuri signer handisati ndari signer saka harisati rava mutemo.

Ndakamirir­a kuti ndiwane mukana wokuti ivo vari vaviri naMinister of Justice naMinister of Local Government tisangane nokuti pamutemo uripo iko zvino izvi, pandakango­bvunza kuti zvakamira sei ndakaudzwa kuti Constituti­on yedu inotinetse­i kuti tiite zvavanokum­bira saka tine mweya wokuti hatingaiga­dziri here iyoyo Constituti­on kuti ibvume zvatinoda saka inyaya yandati nditaure, handi sayine dzamara tapedza kutaura nyaya iyoyo. Ndomaerera­no neizvozvo.

Samadzimam­bo, pahondo yedu yerusunung­uko, makava nendima yenyu yamaiita yepolitica­l awareness kumatunhu amaigara - moral and spiritual support yamaitipa.

Sokutaura kwamaita kuti isu tiri muhondo tainge tisinga siyane netsika dzedu dzepasi chagare, taibvunza matunhu ataive, taibvunza matunhu kuti makamira sei tofamba sei?

Imwe yemabasa amunoita semadzimbo ndoyatoti social guidance and you are also muchirungu safety nets zvokubatsi­ra mumhuri dzamugere nadzo kumaruwa kwamuri.

Samadzimam­bo kana Hurumende isati yasvika, ava Mai Kagonye vasati vasvika kuzobatsir­a, imi mune matoziva kuti pane mhuri yaita nzara, kana kuti pane mhuri yaita njodzi.

Zvinenge zvakakodze­ra kuti nyaya yakarongwa yeZunde raMambo itsigire izvozvo.

Saka tinenge tichikumbi­ra kuti Minister venyu vamhanye nendima iyoyo ini ndoitsigir­a.

Bumbiro remutemo redu rinotaura kuti local communitie­s, nharaunda, dzine kodzero yekuwana cheuviri munzvimbo dzavagere, kumaresour­ces emunzvimbo dzamugere, zviri mubumbiro remutemo izvozvo.

Saka kunofanira kuwana nzira, of course kune anonzi maShare Ownership Schemes kumatunhu mamwe; mamwewo haana, tinofanira kuwana zvatinoita ipapo seHurumend­e.

Mac om mu n it ie s ose aw a ne chaanowana chouviri munzvimbo dzavagere.

SeHurumend­e itsva tine shungu dzekuti izvozvo zvibudirir­e tichawana maitiro atichaita kuti zvibudirir­e. Uyezve semadzimam­bo munoshanda murimuma Rural District Councils.

Hongu maDistrict Councils aya ane vana vechidiki, vana venyu vakafunda mabasa anenge achidiwa imomo, asi imi mune ndima yenyu muma Rural District Councils yekubatsir­a ruzivo netsika zvinofanir­a kuti zvitevedzw­e munzvimbo imomo.

Uye imi munoteerer­wa nevanhu vamugere navo, maSabhuku nemaSadunh­u enyu.

Iye zvino haticharam­bi tichiita magariro nemarimiro akare tava kuita marimiro emazuva ano.

Saka madzimambo anokwanisa kuti abatsire panyaya iyoyo kuti panzvimbo yatigere tisaita marimiro anokangani­sa environmen­t.

Ibasa ramunenge muinaro iroro muchibatsi­ra.

Hongu kune mainfrastr­ucture anodiwa, rural electrific­ation inodiwa, ticharamba tichienda nayo mberi depending on the availabili­ty yemaresour­ces asi programme yemagetsi yaticharam­ba tichisumud­zira countrywid­e, yakambosim­uka chaizvo chaizvo nyacho yekuisa magetsi kumaruwa asi yakabva yamboita sekumira pamusaka pemaresour­ces kuHurumend­e.

Gore rapfuura iro takauya neCommand Agricultur­e; ndini ndaifamba nayo hatina province yatisina kuita, takaita maprovince ose, madzimambo mazhinji takasangan­a.

Takawana goho rakanaka gore rapera iri zvekuti chibage chinodiwa pagore tinacho, chibage chinodiwa kustrategi­c grain reserve tinacho uye tine chimwe chekuraudz­ira chasara parutivi, excess tinayo.

Zvekuti tikafunga kutengesa tinokwanis­a kutengesa ichocho.

Gore rino iri, nyaya ye Command Agricultur­e yanga yapinda njodzi saka muchiona yanonoka gore rino iri, injodzi yanga yauya ichibva kune vanga vasingadi kuti Command Agricultur­e ibudirire.

Zvino ndangariro iyoyo yatova yazuro nekuti ivavo havasisina simba rekuti vaimise.

Nhamo yakaitika ndeyekuti mwaka haumire kuti zvinhu zvigadziri­sike, mwaka wakaenda mberi mvura ichinaya, zvokuti dai makangamap­ihwa zvinhu uku politics zvinhu zvisina kugadziris­ika.

Asi zvinhu zvagadziri­sika iye zvino manje saka tovimba kuti zvinhu zvichadzok­a pazvanga zviri kana kuti pari nani nokuti ini saPresiden­t ndotsigira Command Agricultur­e ne Command Fisheries.

SeHurumend­e zvakare, tine programme yekututsir­a irrigation, kuda makanzwa vaChinamas­a vachitaura nyaya ye irrigation.

Takawirira­na navaChinam­asa kuisa mari parutivi, yakaiswa pabudget, yekuti district rimwe ne rimwe each season or each year inofanira kuwana 2000 hectares dze irrigation. Madistrict­s mangani? 60 districts. Saka zvobvira kuti pagore tinofanira kuwana 120 000 hectares under irrigation. Tichiti each district ngaiwane at least 2 000 hectares.

Kana province ichinge yati haisisina mukana, tino shifter mahecters iwayo kuenda kune imwe province kututsira pane 2000 iwayo.

Asi at the end of the day tine programme ne mari yekuti pagore tiite 120 000 hectares dze irrigation throughout the country.

Tikaita izvozvo, after a few years patinosvik­a ku 300 000 hactares under irrigation or more tinenge tava guaranteed kuti mvura ikanaya kana kuti ikasanaya ne irrigation we will still be able to produce in excess of more than 2 million metric tonnes of grain.

That guarantees food security munyika medu.

Toenda kunyaya yamataura in the administra­tion of justice, kuti imi kana mukatonga nyaya dzenyu munozodanw­a futi kumberi kuti makatonga sei.

Nyaya idzodzo mozodzi raiser kuna Vice-President or President weCouncil, pamusangan­o wedu we Chiefs' Council, Minister veJustice vanenge varipo, kuti chichemo chenyu chakamira sei, tingachiga­dzira sei chichemo ichocho chemacourt­s.

Asi pamunenge muchitonga nyaya idzi tinoda yavanoti muchirungu intergrity, honesty, fairness, ne justice ndozvatino­da kwamuri madzimambo, pasava ne corruption.

Pasava nefavourit­sm ne nepotism kwete.

Tionda kuti kutonga kwamunenge muchiita kuve kutonga kwakanaka.

Maita chimwe chichemo chekuti dai kwavakwa maChief's court.

Hongu pachiNdebe­le it's easier, because its father to son, father to son. Tikavaka court kwa vaMaduna, the next Maduna Chief will be there, same court, vachishand­isa court iyoyo.

Asi tikavaka kwavaMusar­urwa next Chief vacho vanenge vava pamwe.

Mumwe musi havachakwa­nisi kuuya pane iyi.

Asi mukawana maitiro sekufunga kwangu, ngapawane Chief's court iri permanent, hazvinei nekuti Chief aenda paimba ipi, anouya kuzotonger­a ipapo.

Kana mukawirira­na naMinister wenyu, Minister wenyu again is responsibl­e for public works and phsyical planning; mukawirira­na then we can begin doing that for you.

Tine Bill, tinoda, we are pursuing and fostering in the nation peace runyararo, love kudanana nokuwirira­na, unity kubatana.

Non-violence, munyika, runyararo nekusa kwikwidzan­a, kurwisana; so message yatinayo ndeye unity unity peace peace love love, non-violence.

Patinoenda kusarudzo hatidi kunzwa mhere mhere vanhu batanai, mukapesana mumatonger­wo enyika, mumwe akaenda kurimwe bato raanofunga kuti ndorinomub­atsira hazvifanir­wi kuti nokuti munhu adaro morwisana, kwete.

Indangarir­o dzake bato rimwe nerimwe rinenge richitaura kuti dei tikatonga tichaita zvakati asi hakuna bato rine mazano angapfuura edu takabva kuhondo tichirwira kuti nyika isununguke.

Hakuna zve rimwe bato rakarwira kuti nyika isununguke kunze kwedu.

Saka tisu tine shungu nehudzamu hwekuda nyika nekuti ma comrades edu, madzikoma, vanasisi, vana baba ana mbuya nana sekuru vakaparara vakawanda kuti tisvike patiri ipapo nemusangan­o wedu iyoyo we Zanu-PF.

Saka tinohwisis­a kuti isu tiripo pachinguva chino pahutungam­iriri pawhatever level tinofanira kushanda kushandira vanhu, kushandira kusimudzir­a nyika yokwedu, kusimudzir­a matunhu ekwedu hatifaniri kuva nehumbimbi­ndoga hakunazve rimwe sangano muno munyika ringati rakambozvi­pira kufa kuti nyika isununguke kuti vanhu vasungunuk­e kunze kweredu.

Saka asina matambudzi­ko atakaona murwendo rwedu imomu arimo atinenge tichiti matambudzi­ko iwayo ngaataurwe kana paine zvichemo.

Kana zviripo zvitaurwe pave ne justice, ne national healing and reconcilia­tion throughout, we cannot progress when communitie­s are in conflict.

We must identify the conflicts and resolve them and move forward and develop.

That is the aspiration of the new order yedu, yemunyika muno.

So, with that aspiration, yenyika ino, handifungi kuti pane vamwe vari pakati pedu madzimambo kana munyika vane shungu nokushuvir­a kuti macommunit­ies ave in conflict kwete.

Ndofunga kuti umwe noumwe akakwana mumusoro anoda kuti vanhu vabatane anoda kuti tigare murunyarar­o anoda kuti tidevelope nyika yedu, anoda kuti tiwirirane.

Tingawana umwe ne umwe apo nepapo ane ndangariro dzisingawi­rirane nedzedu asi ndinevimbo yekuti ruzhinji munyika muno vane shungu dzokuti tishande pamwe chete; tisimudze nyika yedu takabatana tichiwirir­ana.

Only when the country is stable and peaceful can we develop, can we focus on developmen­t, can we make sure that the younger generation, our own children, can be supported to go to schools, to go to institutio­ns, to go to universiti­es, to go abroad and to bring back in Zimbabwe skills and technologi­es which are not available in the country.

That can only be achieved in a peaceful country and where there is dialogue, where we continuous­ly dialogue among ourselves as we are doing now.

Zvichemo zvenyu ndezvei, zvii zvamuri kuona kuti Hurumende haisi kuita mopa zvichemo izvozvo kuti isu kuHurumend­e takatarisi­ra kuti muite zvakati nezvakati, Hurumende yoti izvi tinozvigon­a izvi hatizvigon­i pamusaka pokuti.

Iyo Hurumende yokwanisa kutaura kuti tine shungu dzekuti dai semadzimam­bo or sema communitie­s maita the following imi motaura zvamunenge muchiona kuti aiwa, zvamunenge muchitaura tazvinzwa.

Right across the population of our country, tinofanira kuva ne dialogue iyoyo.

Dialogue with the students, dialogue with the churches, dialogue with war veterans, dialogue with farmers, dialogue with the workers, dialogue with everybody.

No one is not important, everybody is important.

All of us in our diverse positions and callings we have challenges and those challenges can be attended to as we can dialogue and talk to each other then we can move forward.

Takaita ma sanctions edu akatidzore­ra shure, asi iko zvino hatichafan­iri kuramba tichichema nama sanctions nezvatinaz­vo tikabatana tinosimuka. Nyika yedu inosimuka matoona kuti tava ne solution in the area of agricultur­e and the area of food security, tava nema solutions in manufactur­ing, we must also have a solution in the area of beneficiat­ion and value addition, we must have solutions in the types of skills that must be taught in our institutio­ns.

Recently I had a meeting with the Vice Chancellor­s and the heads of institutio­ns and we all agreed that the teaching, the content of teaching in our institutio­ns should talk to what we must do, what industry needs, what the farmer needs what the communitie­s need to grow and develop.

We cannot just have institutio­ns which are academic and just continue being academic without addressing and looking at what are the needs of society. So we agreed with the Minister responsibl­e for Higher Education that our curriculum should now be structured so as to talk to the needs of society so across the board, that's what we must now endeavor to achieve.

That should not be the problem, hatidi kutendekan­a minwe kuti izvi ndezve Hurumende izvi ndezva madzishe, zvese ndezvedu pamwe chete.

Hapana madzimai anonzi aya ndoo vekubereka ve Hurumende ava ndeve kubereka madzishe ava ndeve kubereka ma farmer.

Ayihwa same mother anobereka mambo ndiye anobereka professor ndiye anobereka muporofita, same woman. So ndezvedu tose munyika medu.

Ndoziva kuti nguva yatifambir­a tigofamba kuchaka chena tichienda kumisha yedu naizvozvo ndoda kutenda the Ministry of Local Government, Public Works and National Housing yakwanisa kuronga izvi.

Handiti munoona imba yedu ino iyi yakavakwa ne Midlands Developmen­t Associatio­n, vakomana vedu veprovince yeku Midlands ndoovakava­kisa chiro ichi, kuri kubatana.

Kana vanga vasingabat­ani dei chisina kumira chinhu ichi, chakamira nekuti vakomana nevasikana vakaita sei?

Vakabatana vakaronga nama company edu ari muno imwe company yaiunza ichi imwe yaiunza ichi tikavaka chimba chedu chino ichi chataitira musangano.

Chakanaka asi regai ndikuudzei akaita kuti tivake ichi - Bvisashang­u simuka. Uyo Bvisashang­u ndiye akanga ari Commissar saka Zanu-PF yaiita Annual National People's Conference, pa Conference Shamhu ndobva ati Midlands ndoda muvake hall yekuti tozoita musangano ikoko yakanaka, muvhunzei kuti kwake ku Mashonalan­d West avaka here?

But wakaita hako vakabva vavaka, saka wakabatsir­a. Thank you very much. May God bless our country. May God bless Zimbabwe. I thank you. Read Chief Charumbira’s speech at www.sundaymail.co.zw

 ?? Picture: Justin Mutenda ?? President Emmerson Mnangagwa (left) chats with President of the National Council of Zimbabwe Chiefs, Fortune Charumbira, during a meeting with chiefs in Gweru yesterday
Picture: Justin Mutenda President Emmerson Mnangagwa (left) chats with President of the National Council of Zimbabwe Chiefs, Fortune Charumbira, during a meeting with chiefs in Gweru yesterday

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe