’ ‘Vanhu ndibatsirei zvinhu izvi zvindisiye’ a pasi peUs$ ‘Bhutsu ndine 300’
‘Hazvipere, anofa nazvo’
pasina zororo.
“Mhiko dzandakapihwa dzakaoma zvikuru, dzekuti ndinofanirwa kushinha nevarume vakawanda avo ndinotorera mbeu yavo iyo inozodyiwa nezvidhoma kuti mari iyi irambe ichiuya,” anodaro chiso chake chichiratidza kuvhiringika.
Anoti mari iyi haichamunakidza kudya sezvo yave kumushaisa mufaro.
“Nyaya yekusaroorwa imwewo yandinetsa nekunzi ndisaite mwana. Handichazvida, asi hazviregereke nyore. Ndinogona kana kufa ndokusaka ndiri kutsvagawo vangandibatsire.”
Anoti kunyangwe aine mari yakawanda, haangoipa vanhu vosevose sezvo paine mhiko dzinofanirwa kutevedzwa nevanhu vaanopa mari yake.
“Mabhizimisi angu ari kufamba zvikuru, mari iri kuzara mutabhu zvekupfachukira asi handichaziva zvekuita nayo. Yangu mari handiise kubhanga, ndinobatsira vamwe vanoida uye vanobvuma mhiko dzangu dzandisingagone kukutaurirai,” anodaro.
Shylet anoenderera mberi achiti: “Ndinoshandisa hari mbiri, hombe inenge iine ropa rinounzwa nezvidhoma nediki yandinoisa mbeu yevarume vandinoshinha navo, iyo inogara yakazara. Ndizvo zvinodyiwa nezvidhoma nenyoka zvinondipa mari.
“Hari idzi dzinovharwa nemachira
matsvuku sekutaurirwa kwandakaitwa nen’anga uye zviri mumba isingavhurwe dhoo.”
Shylet, uyo anozviti inherera, anoti akambotanga kuita zvechipfambi achiri mudiki nekuda kwekuoma kweupenyu.
“Pandakadzokera kun’anga iya, yakanoramba mari yangu ichiti ndakanonoka kudzokera sezvayaida. Ndipo n’anga iyi yakandiramwira zvose.
“Ndine dzimba dzinodarika gumi muHarare uye ndine mabhizimisi, nedzimwe dzimba nemotokari dzakawanda kuSouth Africa,” anodaro.
Shylet anoti imba yake yaanogara kuBorrowdale yakakura zvikuru. Kudzimwe dzimba dzake dzose hakugare hama, asi vashandi vatorwa bedzi.
“Imba yangu yandinogara kuBorrowdale ine dzimba 13 dzine matabhu nema ‘en-suite’ nezvose zvinowanikwa mudzimba dzakanaka. Asi tabhu inoita mari imwe chete, kutaura kuno yakatozara nema ‘USA’ (US$).
“Panguva yoga-yoga mutabhu umu munenge muine mari inodarika $10 miriyoni pedyo nehari nemachira zvemhiko dzangu. Ndaisiti ndikangoomberera, mari iyi yaibva yatanga kuwanda. Asi izvozvi yave kungowanda kunyangwe ndisina kuomberera.”
Shylet anoti mari iri kuzara mutabhu iyi ari kuibvisa achiisa mune dzimwe dzimba uye maUS$ bedzi sechibvumirano chaakaita nen’anga yekuMozambique.
“Vashandi vangu muno nekuSA vanodarika 100 pamwe chete, avo vandinotambirisa mari ine mumvuri. Mushandi wangu wemubindu anotambira mari inodarika $1 000 zvichikwira uye zvinoenderana nemabasa avo. Asi havafanirwe kutaurira vamwe vanhu kuti vanondishandira. Anenge angodaro chete zvinhu zvangu zvinozviziva, obva abuda basa oga nekuda kwezvaanoona pamba zvinomutyisa. Imi (veKwayedza) hamufanirwe kuzviona kana kuzviziva,” anodaro Shylet achiramba kuti vatori venhau vameme imba yake yemuHarare ine mabasa ose aya.
Shylet anoti tabhu iyi kana yazara nemari, pane zvaanonzwa mumuviri wake, angave masikati kana husiku.
Anoti anobva atuma vashandi vake vana vaanonyanya kuvimba navo pakati pevose, kuti vabvise mari iyi mutabhu voiisa mune dzimwe dzimba uko kwainochengetwa yakaputirwa nemachira matsvuku.
“Mutabhu iyi handimo mandinogezera sezvo ndiine mamwe. Ndine masofa, mibhedha, mawodhiropu, mbatya nebhutsu zvepamusoro.