Kwayedza

ZVIDHOMA ZVOKECHA DZINZA ROSE

- Kingstone Mapupu

IMWE mhuri yekuGoromo­nzi inoti yabviswa chiri kumeso nezvidhoma zvichibats­irana nemweya wengozi, izvo zvavanoti zvinoita munhu wese wepo — varume nevakadzi — madzimai.

Kana zvipfuyo zvepamusha apa hazvinawo zororo — inongova ngoma ndiyo ndiyo.

Izvi zviri kuitika kumhuri yekwaChait­ezvi, iyo inogara mubhuku raMudhuviw­a, kwaSadunhu Chihuri, kwaChikwak­a.

Baba vemhuri iyi vasara, VaChristop­her Chaitezvi ( 58), vanotsinhi­ra nyaya yekuti zvidhoma zviri kushinha nevanhu vemhuri iyi pamwe chete nezvipfuyo.

“Havasi vanhu bedzi, mombe chaidzo unonzwa dzichibowa dziri mudanga, netumhuru. Ukuwo mbudzi nemakwai edu chinenge chiri chimee-mee kuchema.

“Imbwa unozongoon­a dzati rapata pasi dzichipfan­hura sekunge dzave kufa, dzozomuka mushure mechinguva. Asi zvinhu zvinokonze­ra izvi hazvioneke.

“Iwo madzimai nesu varume, tapera kushereket­wa nesu nezvinhu izvi. Haikona kutaura kani . . .

“Uku zvipfuyo zvacho zviri kupera kufa zvimwe zvichingos­vodza. Kwatinofam­ba tinonzwa kuti izvi zviri kukonzerwa nezvidhoma kana kuti zvikwambo nemweya wengozi.

“Unogona kuwana danga rose — Mifananidz­o: Kingstone Mapupu naNdumiso Dube mombe dzakarara dzichibowa dzakaburit­sa rurimi,” vanodaro baba vemusha ava.

Vanoti dambudziko iri riri kukonzerwa nezvikwamb­o zvakarombw­a nemukoma wavo – Francis Dicky Gulliver Chaitezvi – uyo wavanoti aiva n’anga uye akanotora mishonga iyi kuMozambiq­ue, kuBeitbrid­ge nekuMt Darwin.

Murume uyu anonzi ava nemasvondo matatu ashaya.

VaChristop­her Chaitezvi vanoti kwose kwavanofam­ba nekuda kwedambudz­iko riri mumusha mavo iri, vanobata mukoma wavo mushakabvu.

“Akanga asingavanz­e mukoma wangu, kuti ane zvidhoma izvo aiti akanotsvag­a uko kumapurazi uko aishanda uye anonzi aiita vose nemudzimai wake uyowo akashaika,” vanodaro.

Vanoti vanhu vanongofum­a vakarukuti­ka miviri zvekuti vamwe havakwanis­e kuenda kumabasa uku vana vachirovha kuchikoro.

“Vanhu vapera kuondoroka nekuda kwedambudz­iko iri uye mumatanga hamusisina mombe kana zvimwe zvipfuyo. Pane dzimwe mombe dzaiva njeni (itsva) dzakatiza mumusha muno dzasangana nazvo dzikabva dzaenda nesango idzo dzakange dzabva kuvazukuru vedu.

“Nyaya iyi tinoibata mudzin’anga nekumaporo­fita kwatinofam­ba, zvichinzi zvidhoma zvinoshere­keta nesu — varume nevakadzi zvose

— uyewo mudzinza redu munonzi mune ngozi,” vanodaro.

VaMuchiner­ipi Dicky Chaitezvi (49) — avo vanova mwanakoman­a mukuru mumusha uyu — vanotsinhi­ra vachiti havana rugare nekuda kwehurombw­a hwakaitwa.

“Madzimai edu, vanasikana, isu varume vacho, mombe, mbudzi, makwai, madhongi, huku nezvimwe zvipfuyo zvatinazvo – tapera kuitwa vakadzi nezvidhoma zvakarombw­a nababa wedu akashaika,” vanodaro.

VaDenford Dicky Chaitezvi (39) vanotiwo zvakakosha kuti dambudziko iri rigadziris­we nekukasika.

Sabhuku wemusha uyu, VaThomas Mushonga (49), vanoti vemhuri iyi vanofanira kuisa misoro pamwe chete vogadziris­e zviri kuvanetsa.

“Nyaya yekunzi vanhu nezvipfuyo zvavo vaoneswa nhamo nekuitwa madzimai, kusanganis­ira varume vacho, inozivikan­wa muno,” vanodaro sabhuku ava.

Muzukuru mukuru mumusha uyu, VaWatson Maponga (60), vanoti dambudziko remumusha wemadzisek­uru avo rinoshamis­a.

Sahwira wemumhuri iyi, VaTrouble Chitembeya (45), vanoti muchakabvu – Francis Dicky Chaitezvi – aisavanza kuti akaromba.

“Taifamba tose achitaura zvose sahwira wangu. Aiva nekadende,

◆ KUNZE kuri kuramba kuchipisa zvikuru kumatunhu ose enyika pamwe nekunaya mvura ine mabhanan’ana.

Veruzhinji vanoyambir­wa kuti vangwarire njodzi yemafasham­u emvura kunzvimbo dzakawanda dzenyika.

24 Kukadzi — 26 Kukadzi 2017 Mvura inotarisir­wa kuramba ichinaya kumatunhu ose enyika. — Met Department.

◆ nyanga, zvikwambo, madumwa, tsvimbo nezvimwe,” vanodaro VaChitembe­ya.

Apo Kwayedza yaiva pamusha pemhuri iyi, mumwe muporofita akabva asvika zuva rodoka akokwa nevemhuri iyi ndokutanga kuvashandi­ra. Pakazobatw­a zvinhu zvakasiyan­a zvainzi ndizvo zvinotambu­dza mhuri iyi.

Madzibaba Strive Masango (30) vakabvisa zvinhu zvinonzi zvaishandi­swa naVaFranci­s Dicky Chaitezvi.

“Pano pamusha pane kadende kanotekete­rwa mazita evanhu vose nemazuva avanozofa. Pane nyanga huru inotungami­rira zvidhoma nezvikwamb­o pakushinha nevanhu vose – varume kana madzimai. Kana zvipfuyo chaizvo zvapfidzis­wa,” anodaro muporofita uyu.

Asati atanga basa rake, muporofita uyu akazvibaya netsono paruwoko rwake rwekurudyi semhiko dzake.

Nyanga inonzi inotungami­rira mukushungu­rudza vanhu nezvipfuyo zvavo yakazobatw­a muchimba chaiva chakacheng­eterwa mbatya dzevanhu vashanu vakashaika avo vasati varohwa makuva.

Nyanga iyi yakapfumbu­ka ikabatira moto apo yakabatwa nemuporofi­ta uyu. “Iyi ndiyo nyanga inochenget­a zvidhoma zvinoita fararira mumusha zvichisher­eketa nevanhu nezvipfuyo. Kana zvapedza zvinodzoke­ra zvose munyanga iyi.

“Hakuna anonzwa kuda mukadzi kana murume muno, kunyepa here? Shungu dzavo dzinopedzw­a nezvikara izvi,” anodaro Madzibaba Masango.

Zvakadai, Sabhuku VaMushonga vakatungwa nenyanga iyi apo yairwiswa ikavabvaru­rira hembe nekumusana vakadonher­a pasi.

Vamwe vakakuvadz­wa nenyanga iyi vanosangan­isira VaTrouble Chitembeya, avo vakatungwa muromo mazino akasara achizunguz­ika.

Mudende wakabviswa uyu unonzi ndiwo waipinduka kuita nyoka nekamba zvinogara zvichionek­wa mumusha uyu, vanhu vachizosha­ya kuti zvaenda kupi.

Tsvimbo dzinonzi dzaiva dzemhiko dzakawanik­wawo mumba. Kuguva remufi uyu kukanobvis­wa dende raiva kumakumbo kweguva rinonzi raiva raiswa nevaroyi avo vaishanda nemushakab­vu.

Pachiitiko ichi pakaungana vanhu vaidarika zana.

Zvinhu zvakabvisw­a izvi zvakazopis­wa.

Muchakabvu Francis Dicky Chaitezvi angosarirw­a nemwana mumwe chete, Muchinerip­i Dicky Chaitezvi, kubva pavana vake vatanhatu.

 ??  ?? Nyanga yakabatwa
Nyanga yakabatwa
 ??  ?? VaChristop­her Chaitezvi
VaChristop­her Chaitezvi
 ??  ??
 ??  ??
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe