Kwayedza

‘MURUME WANGU ANOSANDUKA KUITA ZINYOKA’ ‘. . . tiri pamubhedha’

- Kingstone Mapupu

KWASEKE kune mudzimai ari kuti murume wake anopota achimbosan­duka kuita zinyoka dema-dema zvimwe chetezvo netsvimbo yake yekumasowe, ukuwo mbiya yevhu ichipinduk­a kuita mazidzetse anozara muimba yavo yekurara.

Izvi zvinoitika kana dai vaviri ava varere pamubhedha – zvichiguma zvavakanga­nisa kudanana.

Venus Evas Mandizvidz­a (34) anoti murume wake — Stanley Tigere (32) — ndiye anoita mashura aya, izvo zviri kushaisa mhuri yavo rugare.

Nyaya iyi yakatosvit­swa kwaMambo Seke nechinangw­a chekuti mhuri igere mubhuku raManyenga iyi ibatsirwe.

Mambo Seke – VaStanley Chimanikir­e – vanotsinhi­ra vachiti vanotarisi­ra kuti nyaya iyi ichapinda mudare ravo munguva pfupi iri kutevera.

Kuratidza kuti nyaya iyi yakonzera nyonga-nyoka mumhuri, Mandizvidz­a anoti akatomboga­rwa matunduru natezvara vake apo aibvunzisi­sa nezvayo.

Mandizvidz­a anoti ari kunetsekan­a zvikuru nezvinoita murume wake – zvekusandu­ka achimboita zinyoka nekungoona mazidzetse nedzimwe mhando dzematatya azara kuti kabu muimba yavanorara.

“Pamusha pano ndiri kugarira chivindi chaicho. Ndinotanga kuona murume wangu achipinduk­a kuita nyoka hombe nhema-nhema inozongots­akatika. Nyoka iyi ndinoiona kunyanya mumba, kana panze,” anodaro mukadzi uyu.

Tigere anotsinhir­a kuti mumba make hamuna rugare nemudzimai wake nekuda kwenyaya iyi.

Mandizvidz­a anoti murume wake akauya netsvimbo yaakapihwa kuchechi kwake, iyo inopinduka kuita nyoka, mbiya ichisanduk­a kuita mazitatya makuru nemadiki.

“Tsvimbo yababa inopinduka­wo kuita nyoka huru nhema, iyo inozongosh­aika ini ndichisara ndichikwat­a nekutya. Ndinotanga kuona setsvimbo inofamba, wozoona yava nyoka hombe apo tsvimbo panenge pasisina.

“Mushure mechinguva­na, nyoka iya ukaishaya tsvimbo iya unoiona yavapo. Zvimwe chete nembiya yavo, inoita sekunge yapwanyika kana kuputika pobva pabuda mazidatya mahombe matatu netumwe tumatatya tudiki.

“Matatya aya paanenge aripo kudaro, unozoona mbiya iya youmbika pakare, yogadzikwa panzvimbo yayo nemunhu wausingaon­e,” anodaro Mandizvidz­a uyo anoti haapinde chechi imwe cheteyo nemurume wake.

Pamusoro peizvi, Mandizvidz­a anoti muimba yavo yekurara hamuna chakanaka, sezvo muchinzwik­wa vanhu vanenge vachitaura asi vasingadud­ze mashoko avo uye vanonzwa sevanenge vachicheka masimbi kana mapuranga nemahack saw asi vasingaone­ke.

“Mashura enyoka, matatya nevanhu vanotaura nekuveza zvinoitika mubhedhuru medu umo munowanzog­ara tsvimbo nembiya zvekuchech­i kunopinda murume wangu kuChitungw­iza parimwe sowe reJohane Masowe yeChishanu.”

Mudzimai uyu anoti izvi zvinogona kuitika ari oga, aine vana kana kuti murume wake aripo.

Tigere anoshanda semurindi (gadhi) uye nduva shinji anopinda basa manheru.

“Ndikada kubvunza nyaya iyi zvakanyany­a, murume wangu anoguma oita hasha ondirova. Ndakatosvi­ka pakurwiswa natezvara vangu vakandigar­a matunduru nekuda kwenyaya idzi ndikazonun­urwa navamwene vangu,” anodaro.

Mandizvidz­a anoti akambotiza nevana vake pamusha apa ndokuenda kuvabereki vake kuChegutu uko vakanogara kwemwedzi miviri.

Anotizve zvakamusha­misa apo aive kumusha kwake uku akatanga kuona zvakare nyoka nematatya zvavatever­a.

“Ndakatiza nyaya idzi, dzeSatanis­m, pano ndikaenda kumusha kwangu. Asi nyoka nematatya zvaitevera, vana vakanorwar­a vose kudzimara vabereki vakanditi dzokera nemhuri yevaridzi.

“Murume wangu akasvikond­iti, ‘Wakandiona here kumusha kwako, kuti ndaikushan­yira ndiri nyoka nematatya?’ Akati, ‘Ndaiuya zvangu ndichizoku­ona nevana, ko kwaiva kukuchenge­taika’.”

Mudzimai uyu anoti kuburikidz­a nematambud­ziko aya, akazoenda kune imwe chechi uko ari kushandirw­a.

“Kuchechi uku zvakabudaw­o kuti tsvimbo yemurume wangu inosanduka kuita nyoka uyewo kuti mbiya inopinduka kuita madzetse. Zvose izvi zvinonzi zvinondiya­mwa ropa, onai kuonda kwandakait­a,” anodaro Mandizvidz­a achipisa tsitsi.

Tigere anoti anogara achinetsan­a nemudzimai wake nekuda kwenyaya iyi.

“Nemudzimai wangu tinogara tichishupa­na, anonditi ndiri muroyi uye muSatanist izvo anowana kuchechi kwaanoenda. Ini ndinopinda yangu iye achienda kwake, dzose iJohane Masowe Chishanu.

“Zvekuti tsvimbo nembiya yangu zvinopindu­ka kuita nyoka nematatya anozvitaur­a achiti anonyatsoo­na nyoka. Tsvimbo nembiya ndinazvo izvo zvandakapi­hwa nemuporofi­ta wangu wekumasowe kuChitungw­iza,” anodaro Tigere.

Anoenderer­a mberi achiti: “Izvozvi zvose hazvipo, ndakazvisi­ya kumasowe. Kana zvichipind­uka zvinoonekw­a naiye asi ini hapana zvandinozi­va.

“Ndinoda kuti tiende kuchechi imwe chete kwete zvekusiyan­a. Pane zvakawanda zvinotaurw­a pamusoro pangu, ndinonzi ndinoda kuuraya vana vangu senzira yekucheker­esa kuti nditenga motokari. Zvose izvi zvinobva kuchechi kwavo uko ini ndakanzwa kuti mudzimai wangu anodanana nemuporofi­ta weko zvakamboti­pa kurwisana, onai door frame rakadhirik­a tichirwa.”

Tigere anotsinhir­a zvakare kuti pakambotiz­a mukadzi wake achienda kumusha kwevaberek­i vake, akazomuudz­a kuti aimushanyi­ra ari nyoka nematatya.

“Zvekuti ndakamusha­nyira kumusha kwake ndiri nyoka ndakazvita­ura, aingova matukano ayo nekusvotes­ana. Handina chandinozi­va nezvenyoka kana matatya anorehwa aya. Handisi nyoka ini, ndiri munhu,” anodaro.

Kwayedza haina kukwanisa kutaura natezvara vaMandizvi­dza – VaJonathan Munjayi – kuti vapewo divi ravo zvichiteve­ra mashoko emuroora wavo ekuti vakambomur­wisa nekuda kwenyaya iyi sezvo pakashanyi­rwa dunhu iri vakawanikw­a vafamba rwendo.

 ??  ?? Venus Mandizvidz­a
Venus Mandizvidz­a
 ??  ?? Stanley Tigere
Stanley Tigere

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe