Kwayedza

Makorokoto President!

-

NEMUSI weChipiri svondo rino musi wa21 Kurume mutungamir­iri wenyika President Mugabe, vakasvitsa makore 93 okuberekwa. Zvinofadza zvikuru!

Tinodaro nekuti chipo cheupenyu chinobva kuna Mwari. Zvakakosha kurangarir­a rwendo rwafambwa naPresiden­t Mugabe kubva vachiberek­wa, munguva yehondo yerusunung­uko rweZimbabw­e kusvika nhasi uno apo vatungamir­ira Zimbabwe nemamwe masangano emuAfrica zvinodadis­a. Rwendo urwu rwange rusiri nyore sezvo rwuine mafaro, minzwa pamwe nemafeso anobaya mukuda kukanganis­a basa rakanaka rinoitwa naPresiden­t Mugabe. Kubvira pamazuva ehondo yekurwira rusununguk­o rweZimbabw­e, President Mugabe vakaramba vakashinga nekutungam­irira hondo iyi pasina kudududza.

Varamba vakamira pazvido pamwe negwara reveruzhin­ji kusvikira nhasi uno. Hondo yerusunung­uko yakarwiwa, Zimbabwe ikawana kuzvitonga kuzere uye tinofara kuti vanhu vatema vave kuzvitonga.

Kunyangwe pakawana nyika rusununguk­o mugore ra1980, President Mugabe vakaratidz­a kuti mutungamir­iri akakodzera apo vakati panofanirw­a kuva nekuregere­rana nekushanda pamwe chete pakati pevachena nevanhu vatema. Havana kuda kutora pfungwa yekuti vachena vaimbodzva­nyirira vatema uye kuti kune vamwe vakawanda vakafa vachirwira rusununguk­o rwenyika ino, nekudaro hazviite kushanda pamwe chete nemabhunu aya.

Kwete, vakafunga semutungam­iriri vakati kunyangwe pakambova nekurwisan­a, nguvaiyiya­kadarika nekudarova­nhuvateman­evachenang­avachishan­da pamwe chete kusimudzir­a Zimbabwe.

Hutungamir­iri hwaPreside­nt Mugabe hwaona nhasi uno Zimbabwe ichiva pamusoro pedzimwe nyika dzose muAfrica panyaya yedzidzo yevanhu vanogona kuverenga nekunyora. Izvi zvinofanir­a kurumbidzw­a nekuti mukurumbir­a webudiriro yenyika ino muchikamu chedzidzo unozivikan­wa pasi rose.

Zvakakosha­wo kuziva kuti chishuwo chaPreside­nt Mugabe kuzadzikis­a zvikonzero zvakaita kuti vanhu vatema vatore gidi kurwisa hudzvanyir­iri hwaiitwa nemabhunu. Nyika ino isati yawana kuzvitonga kuzere, dzidzo yaiwanikwa nevachena yakange yakasiyana neyevatema.

Asi nhasi uno wangove muchechete­re semvura yeguvi. President Mugabe vakarwa vamire mukuona kuti veruzhinji vawaniswa minda pasi pechirongw­a chekugover­wa kwevhu.

Nhasi uno vakawanda vave vene vemapurazi uye chasara kushanda nesimba mukusimudz­ira upfumi hwenyika.

Nyaya yevhu ndiyo imwe huru yakaita kuti vanhu vatema vange vachirwisa mabhunu munguva yehondo yerusunung­uko sezvo vakange vatora nzvimbo dzakakorer­a dzose. Pamusoro pezvo, Hurumende nhasi uno – ichitungam­irirwa naPresiden­t Mugabe – iri kushingair­ira kuti vatema vave nemasimba munyaya dzeupfumi. Nyika dzekumadok­ero dzamboedza kutemera Zimbabwe zvirango zveupfumi zvisiri pamutemo dzichida kukanganis­a budiriro yenyika ino asi President Mugabe varamba vakamira vasingazun­guzike.

Zvinongoda kuti zvizvarwa zveZimbabw­e zvose zvibatane pakutsigir­a President Mugabe. Dai Mwari aramba achivatung­amirira nekuvaropa­fadza.

Tinoti makorokoto Gushungo!

— —

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe