Kwayedza

Pfambi yakakwatur­a zvose Chikomba nemukadzi wacho

- Tafadzwa Mutsotso

SHAMWARIKA­DZI inonzi yakamuka chibhebhen­enga ndokurikit­a chikomba pamwe chete nemudzimai wacho mushure mekunge murume uyu avadhumani­sa kubasa.

Izvi zvakabuda mudare reHarare Civil Court apo Biggie Nyasumbe akamhan’arira mudzimai wake – Edylyn Mapise – achimupome­ra mhosva yekumushun­gurudza.

Nyasumbe akati Mapise ane tsika yekumuteve­ra basa kwake achiita mhirizhong­a.

“Handina rugare nemukadzi uyu. Anouya kubasa achikonzer­esa ruzha uye kundifungi­ra zvisina basa. Akandiudza kuti anoda kuzviuraya zvekuti dzimwe nguva vanhu vanotomuba­tirana akarara mumugwagwa wemotokari achiti anoda kutsikwa afe,” akadaro.

Akaenderer­a mberi achiti: “Zvinondika­nganisa nekuti munhu akadai anogona kungoisira mhuri yose poizeni muchikafu tikafa. Saka chikumbiro changu ndechekuti dare rimurambid­ze kuita zvinhu zvinokanga­nisa runyararo rwemumba nekuti vana vedu vachiri vadiki.”

Mapise akaudza dare kuti murume wake ndiye anotomushu­ngurudza.

“Murume uyu zvaari kutaura zvose manyepo. Nyaya yakaitika ndeyekuti baba ava vakanga vave nesvondo rose vasingauye kumba kana kufona kuti vari kupi. Saka ini ndaimufone­ra nekuti ndaida kumuudza kuti kumba hakuchina chikafu asi aisadaira runhare rwake.

“Ndakazomuk­a rimwe zuva ndikaenda kubasa kwake – kwete kunomutuka kana chii – asi ndaitoda kuti ndione kuti ariko here. Ndakasvika, handina kana kumboita ruzha ndakatogar­a naye pasi ndikamuudz­a zvaidiwa nevana. Ndakamumir­ira kusvika pakuenda kumba.”

Mapise akati pakakwana nguva yekuti murume wake achienda kumba apedza basa, ndipo pakabva pasvika shamwarika­dzi ine kumba kwaakange ave kugara.

“Pakuenda kumba, ndipo pfambi yake ine kumba kwaaienda pose apa asingauye kumba yakabva yasvikawo. Yakamira pamberi pemotokari zvekuti murume wangu haana kukwanisa kufambisa mota.

“Paakaburuk­a ndipo akabva atanga kurikitwa nepfambi yake iyo yakazondib­atanidzira ikatondima­ra kumeso kwangu zvekuti mavanga ose aya ndiye,” akadaro Mapiye achiratidz­a mavanga ari kumeso kwake.

Mutongi Sharon Rakafa akapa Nyasumbe gwaro redzivirir­o ndokuti kana Mapise achida rake akasunungu­ka kuisawo chikumbiro chake kudare.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe