Kwayedza

‘Mhemberero dzine musiyano’

- Tandayi Motsi

ANOTUNGAMI­RIRA vechidiki mubato riri kutonga reZANU-PF (National Secretary for Youth Affairs), Cde Kudzanai Chipanga, vanoti gadziriro dzemhember­ero dzebhavhad­he rezuva rekuberekw­a kwemutunga­miriri wenyika President Mugabe, dzave padanho repamusoro uye dzegore rino dzine musiyano nemamwe makore.

President Mugabe vakasvitsa makore 93 okuberekwa nemusi weChipiri svondo rino.

Mhemberero dzebhavhad­he ravo dzichaitwa neMugovera uno pachikoro cheRhodes Estate Preparator­y School, kuMatobo District.

Cde Chipanga vanoti gadziriro dzemhember­ero idzi dzafamba zvakanaka.

“Tagadzirir­a mutambo uyo, gadziriro dzacho dzave padanho repamusoro uye tine idi rekuti mhemberero dzegore rino dzinenge dzakasiyan­a nemamwe makore. Zvekudya zviripo sezvo takawana mombe dzinodarik­a 100 nechibage chinodarik­a matani mashanu kuitira kuti vanhu vawane zvekudya,” vanodaro Cde Chipanga.

Vanoti purovhinzi imwe neimwe ichatumira vanhu vanodarika 10 000.

Vechidiki, vanodaro Cde Chipanga, vanodzidza zvakawanda kubva kuupenyu hwaPreside­nt Mugabe semutungam­iriri anotevedza gwara.

“Sevechidik­i, pane zvakawanda zvatinodzi­dza pamwe nekuyemura kubva kuna President Mugabe zvakaita sekuti kana uchinge uri mutungamir­iri unofanira kuve munhu akatendese­ka, ane hushingi, anoda vamwe, ane chiono chakanaka cheremangw­ana renyika, hunhu hunoyemuri­ka uye usingateng­ese kunyangwe zvinhu zvikaoma sei.”

Cde Chipanga vanoendere­ra mberi vachiti: “Tinoti isu sevechidik­i, makorokoto President Mugabe nekusvitsa makore 93 okuberekwa. Kudai Mwari akuwedzera­i makore akawanda muchitonga.”

Zvakadai, nemusi weChipiri svondo rino, vechidiki vakaronga kuchenesa maguta, madhorobha nedzimwe nzvimbo dzakasiyan­a kumatunhu mana enyika nedonzvo rekupa muchereche­dzo wakanaka pamwe nekutevera matsimba aPresident Mugabe.

“Vechidiki vebato reZANU-PF nhasi (musi weChipiri svondo rino) vanodarika 5 000 vabatsira kupurovhin­zi imwe neimwe mukuchenes­a nzvimbo dzakasiyan­a nechinangw­a chekupa muchereche­dzo wakanaka kune veruzhinji,” vanodaro Cde Chipanga.

 ??  ?? President Mugabe
President Mugabe
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe