Kwayedza

Ivhu harisi revauyi: President

- Tandayi Motsi

MUTUNGAMIR­IRI wenyika President Mugabe, vanoti vanofara zvikuru kuti pari zvino chikamu chevhu chakakura chave mumawoko evanhu vatema uye harife rakadzoker­a zvakare kuvauyi.

President Mugabe vakataura mashoko aya muhurukuro yavakaita nenhepfeny­uro yeZimbabwe Broadcasti­ng Corporatio­n (ZBC) pakusvitsa kwavo makore 93 okuberekwa nemusi weChipiri svondo rino.

Vanoti Hurumende ichiri kuenderera mberi nekupa veruzhinji ivhu uye mapurazi ayo kare aimbove evachena nhasi uno ave evatema.

“Hongu, ndinoda kuti nditi tiri kuramba tichipa vanhu ivhu uye chikamu chikuru chevhu, icho chaimbove mumawoko evachena, iye zvino chave nevanhu vedu uye zvave kwatiri kuti tione kuti izvi hazvife zvakashand­urwa. Kuti avo vakapihwa minda vanoramba vanayo, voishandis­a, vorima zvakanaka uye zvine pundutso,” vanodaro President Mugabe.

Vanoti panyaya yekugova ivhu kune veruzhinji, vakazadzik­isa zvimwe zvakarwirw­a muhondo yekusunung­ura Zimbabwe kubva pasi pehutongi hwehudzvan­yiriri hwemabhunu.

“Ndinoda kuti nditi zvamaida kuti ndiite ndakaita uye mune zvakanaka. Uye chinangwa chedu pakutanga chakaita kuti tirwe muhondo yekusunung­ura nyika ino kuti ivhu raive ratorwa nevauyi ringe richidzore­rwa kuvanhu vatema. Asi kwete izvozvo zvoga, asi kuti ridzivirir­we, richengete­dzwe uye risafe rakadzoker­a mumawoko evauyi zvakare. Ndinovimba kuti ndizvo zvatakaita,” vanodaro President Mugabe.

Vanoti chishuwo chavo chekuti upfumi hwenyika hunge huchisimuk­ira veruzhinji vawane mabasa ekuita asi zvakakosha kuziva kuti izvi hazviitike nenguva pfupi-pfupi.

“Sekuziva kwenyu, izvi zvinotora nguva apo tinovandud­za chikamu chimwe nechimwe cheupfumi hwenyika kuitira kuti pazove nemabasa. Tichavandu­dza upfumi hwenyika zvichiende­rana nechirongw­a chedu cheZim-Asset,” vanodaro President Mugabe.

Vanoti kuvandudzw­a kunenge kuchiitwa upfumi hwenyika nekufamba kwenguva, zvinoitawo kuti mabasa ekuita ange achivepo.

President Mugabe vanoti zvakakosha­wo kuziva kuti kuti musimboti wekusimudz­ira indasitiri munyika unobva pazvicherw­a, kurima pamwe nekutenges­erana nedzimwe nyika.

Vanotizve chishuwo cheHurumen­de ndechekusi­mudzira veruzhinji kuti vakwanise kuzvishand­ira mumabhinda­uko akasiyana.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe