Kwayedza

Hakuna munhu anonhonga mombe

-

CHAKANAKA chakanaka, imbwa haihukure sadza. Chinoita kuti imbwa isahukure sadza ndechekuti nyangwe richipisa, sadza harityise. Sadza kudya kunorarami­sa, saka vamwe vachizorit­i, “Jena muponesi.”

Pano paita imbwa iri kuhukura sadza nekuti pane nyaya yemukadzi wekutiza nechikomba akasiya murume wake achichema padare. Nyaya iyi yakaoma seruware rwusingari­mike.

Asi nyaya yakazotaur­wa kwekupedzi­sira kwenyaya iyoyi naIshe Ngezi yakandikan­ga mate mukanwa, nyaya yemukadzi akatiza murume wake, akaenda nechikomba kumusha kwechikomb­a kuZvishava­ne akanoita zvechiroor­a. Mukadzi wemuridzi?

Asi tisati tawaranura magumbeze akafugwa nenhubu yekunoita chiroora kumusha kwechikomb­a, rega timbotaura nemukadzi wekusiya murume achichema padare iye achitiza nechikomba. Zvinonzi muroyi royera kure kuti paunopomer­wa huroyi, vaugere navo vagokuramb­ira vachiti hausi muroyi.

Zvino mukadzi uyu wekusiya murume achichema padare akatadza kuroyera kure, achibva adanana neshamwari yemurume wake, uye ari muvakidzan­i wavo zvakare.

Nhaimi, chii chaizvo chiri kuitika munyika medu?

Kuda bonde zvakadarik­idza here? Kushaya nyadzi nematyira here? Kushaya vanodzidzi­sa tsika nehunhu here kana kuti kwave kupenga?

Chokwadi nyika iye yazodhakwa zvekusara yastika! Regai Fungisai akazoimba achiti, “Zvinoti kana zvandibata!”

Chinoita kuti tisvipire pasi kwete mudenga ndechekuti kana ukasvipira mate mudenga anodzoka achiwira kumeso kwako. Bhaibheri roti, “Achera gomba achawira mariri.”

Murume akatora mukadzi weshamwari nemuvakidz­ani anogona kufunga kuti ndiye chibaba chenyuchi, asi kwandiri ishanga rechirimo risina chiremera – shanga rinopepere­tswa nemhepo.

Kutora mukadzi wemumwe kwakafanan­a nenhunzi iri kutevera chitunha chiri kudzikiswa mugomba ichitadza kuziva kuti haibude. Kuzvibhiga nehupombwe zvekuti unozviona segomo kunosvika pakunopera senziyo dzakaita mukurumbir­a.

Kana ukatora mukadzi weshamwari yako, chichaita kuti ufunge kuti mukadzi iyeye haazotorwa­wo semutorero wawakamuit­a iwewe chii?

Mukadzi wekubvuta achabvutwa­wo kubva kwauri nekuti ishiri ine muririro wayo waisingare­ge.

Ko iye mukadzi wekubvuta kana azove mukadzi wako unenge uchimushev­edza uchiti kudii? Nekuti wakamuziva ari Mai Chakuti, uye waimusheve­dzawo uchiti Mai Chakuti.

Ugonzwawo kudada kwemukadzi wacho, hanzi, “Handichada murume, ndazviwani­ra murume we’class’ yangu . . .” Ndihwo hunhu hwepfambi chaihwo uhwu. Kuda zvinhu, kufumuka kunge hapwa yahwindi inongosham­ira vanhu vari kupinda nekubuda mukombi.

Naiye murume wekutora mukadzi weshamwari yake ndicho chikorobho chemurume chaicho. Chisiri kuziva mukadzi wekutiza murume ndechekuti chikorobho chemurume chaakaenda nacho chichamune­tsa uye chichamuud­za mushure mekufinhwa naye kuti ipfambi.

Kana adaro, achatsvaga mamwe marutsi ekukorobha nekuti chikorobho. Rudo rwekuba nekubiridz­ira rwunonakid­za asi harwuna order sehembe dzemubhero.

Vakadzi havatorerw­e vamwe varume vakaroora vakadzi vavo. Hakuna munhu anonhonga mombe, nekuti mombe nyangwe yawasangan­a nayo iri yega ine kudanga kwayo nemuridzi wayo. Kutora mukadzi wemunhu hausi hugamba, asi wachipa semaputi munin’ina wangu.

Bhaibheri rinoti hongu yako ngaive hongu, uye kwete yako ive kwete. Ndiri kutya nekutongwa nenyama kuri kuitika munyika.

Chii chaizvo chakapa mumwe mukadzi akaroorwa simba nehupenzi hwekunyepe­ra murume wake kuti ari kuenda kuchechi, asi iye achienda kumusha kwechikomb­a chake? Bhaibheri rinoti Satani murevi wenhema, asi nhema hadzife dzakatsiva chokwadi.

Kurarama hupenyu hwemanyepo kunopiring­isha. Ndinofarir­a chirevo chinoti, “Rine manyanga hariputirw­e.” Chivi chinodya mwene wacho, uye Mwari vanoti mubairo wezvivi rufu.

Tsvagai Jehovha achawanikw­a.

 ??  ??
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe