Kwayedza

‘Mwanangu siya chikoro uroorwe’

- Tafadzwa Mutsotso

MURUME anopinda chechi yeJohanne Masowe ari kupomerwa kurambidza mwanasikan­a wake kuenda kuchikoro achiti anofanira kuroorwa.

Izvi zvakabuda mudare reHarare Civil Court apo Christine Nyabanga akamhan’arira murume wake – Joseph Emmanuel – achiti ari kumushungu­rudza nekuda kwenyaya yekuti mwanasikan­a wavo aroorwe.

Nyabanga akaudza dare kuti pamba pavo hapachagar­ike nekuda kwemaitiro emurume wake.

“Murume wangu anondishun­gurudza, haaendese vana kuchikoro achitevedz­era mutemo wekuchechi yavo. Kutaura kuno pane mwanasikan­a wedu mukuru waari kuti aroorwe asi iye achiri kuda zvekuenda kuchikoro,” akadaro.

Nyabanga anoenderer­a mberi: “Pose pandinoedz­a kuti ndiite maricho ndiwane mari yekuchenge­ta mhuri nekuendesa vana kuchikoro, anondirova zvekuti ndinopedza mazuva ndakarara achiti ndiri kuita chipfambi. Apa iye anongobuda achifamba nenyika vachiita zvavo zvekushand­ira vanhu saka paasvika ndipo paanodya uye anozouya kumba kuzorara chete.”

Anoti Emmanuel akamborova mwanakoman­a wavo ndokumudzi­nga pamba achiti anofanira kunoswera kuchechi nevamwe vezera rake. Achipawo divi rake, Emmanuel anopokana nemashoko emudzimai wake.

“Mukadzi uyu ari kutaura manyepo nekuti handina kumbobvira ndamushung­urudza, kumurova kana kumutuka. Iye ndiye anotondish­ungurudza nekuda kwezvimwe zvinhu zvaanomboi­ta,” akadaro.

Emmanuel anoti rimwe zuva mudzimai wake akareurura kuchechi yavanopind­a kuti akaita cheupombwe nemumwe murume wavanonama­ta naye.

“Akasimuka pamberi pesangano achireurur­a kuti aidanana nemumwe murume wepachechi ipapo. Handina kana kumurova kana kumutuka nekuti ndakangozv­igamuchira kuti kana munhu areurura aregererwa naMwari saka nenyikawo inofanira kumuregere­ra. Mbonje yaari kukuratidz­ai iyo akatodhumi­rawo akakuvara kwete kuti ndakamurov­a.

“Mukadzi uyu anopenga iyeyu zvekuti akatanga kundituka vanhu vose vanomira vachiona dhirama remahara.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe