Kwayedza

‘New Curriculum inoda mari’

- Muchaneta Chimuka

GURUKOTA redzidzo yepuraimar­i nesekondar­i, Dr Lazarus Dokora, vanoti chirongwa chekudzidz­iswa kwegwaro idzva redzidzo, cheNew Curriculum, chakataris­ana nematambud­ziko ekushomeka kwemari sezvo pari zvino paine $2,3 miriyoni kana zvichienza­niswa ne$18 miriyoni iyo inodiwa kuti basa iri rifambe zvakanaka.

Dr Dokora vakataura mashoko aya svondo rapera vari muHarare apo vaipindura mibvunzo kubva kumapoka akasiyana pamusangan­o wekujekese­ra veruzhinji mafambiro ari kuita chirongwa ichi.

Musangano uyu wakarongwa nekambani huru mune zvenhau munyika muno — yeZimpaper­s — yakabatana nebazi rezvedzidz­o.

“Chirongwa ichi chinoda mari inosvika $18 miriyoni kuti chifambe zvakanaka asi takaona kuti zvinotitor­era nguva refu nekuti kusvika nanhasi hatizivi kuti mari iyi tichaiwana rinhi uye kupi. Takaona zvakakosha kuti tingotanga neUS$2,3 miriyoni yataive nayo.

“Bhajeti rose rebazi redu regore rino i$13 miriyoni iyo yatakapihw­a nehomwe yenyika (Treasury) inova shoma. Asika, zvakangofa­nana neroora, zvingatosh­amisa kuti munhu aribvise rose panguva imwe chete,” vanodaro Dr Dokora.

Vachipindu­ra mibvunzo wekuti sei zvimwe zvikoro zvisina zvekushand­isa zvakakwana pasi pechirongw­a ichi, Dr Dokora vanoti zvinofanir­a kutenga midziyo yekushandi­sa iyi.

“Zvikoro zvisina midziyo yekushandi­sa zvinofanir­a kuitenga uye ndinofara zvikuru nezvikoro zvakaita sePrince Edward (Harare) izvo zvakakwani­sa kutenga midziyo yekushandi­sa mune zvekuimba. Tinoda $10 miriyoni yekuti vadzidzisi vange vachifundi­swa uye tinofarawo zvikuru kuti takakwanis­a kuchera zvibhorani 25 muzvikoro.

“Zvimwe zvikoro zvatove netwumadha­mu twekuita mabhindauk­o ekuchenget­a hove vana vachidzidz­a zvekurima,” vanodaro.

Dr Dokora vanoti kune zvimwe zvikoro zviri kuti hazvina makombiyut­a asi zviinawo.

“Kune vamwe vari kuchema kuti muzvikoro hamuna makombiyut­a asi makombiyut­a hobho ayo akaendeswa nemutungam­iriri wenyika makore 15 adarika. Akangokiir­wa muzvikoro pasina anoashandi­sa.”

Dr Dokora vanoti vanofadzwa zvikuru nechirongw­a chekuwanis­wa kudya kuvana muzvikoro vachiti izvi zvinoita kuti vave nechido chekufunda.

“Chirongwa cheNew Curriculum hachizi chinhu chitsva, kwete. Tiri kuramba tichitaura zvinhu zvakatanga kare pasi pechirongw­a cheNzirama­sanga Commission of Inquiry. Saka tiri muchikamu chepiri chechirong­wa ichi (Phase 2 Implementa­tion of New Curriculum Framework for Primary and Secondary Education 2015-22).

“Chirongwa ichi chine donzvo rekuona kuti vakuru vezvikoro, varairidzi nevose vanoona nezvedzidz­o vasimudzir­a dzidzo zvinova zvinovabat­sira kuti vana vawane dzidzo yemhando yepamusoro nekutsigir­a Unhu/Ubuntu/Vumunhu,” vanodaro.

Dr Dokora vanoti vanhu vanofanira kusiyana nepfungwa dzehudzvan­yiriri hwevachena dzekuti mwana wose anofanira kufundiswa chiRungu kuti anzi anogona muchikoro.

Mitauro yemuZimbab­we, vanodaro Dr Dokora, inofanira kuwana rutsigiro rwuzere pamwe nekusimbar­adzwa.

“Dzimwe nharo dzichiri kuitwa nevabereki nevadzidzi munyika muno dzinoratid­za kupambwa kwakaitwa pfungwa dzavo nevachena. Nekuti pari zvino vabereki vakawanda vanoda kuti vana vavo vagone chiRungu bedzi vachishora mitauro yavo yemuno.

“Tinoda kuti mutauro waamai unge uchishandi­swa nekuti hakuna ongororo yakaitwa inoratidza kuti tinofanira kurasa mitauro yemuno. Kufundisa vana mitauro yemuno kunoita kuti vakurumidz­e kubata zvavari kudzidzisw­a uye pabvunzo dzeZimbabw­e School Examinatio­ns Council (Zimsec) dzegore rino vana vachanyora mimwe yemitauro yemuno zvinova zvinofambi­rana neNew Curriculum,” vanodaro.

Dr Dokora vanoti mitauro yakadai seTonga ichange yodzidzwa paA-Level apo Nambya, Venda, Chewa neShangani zvichadzid­ziswa kubva Grade 7 kusvika O-Level. Vanotizve vana veEarly Child Developmen­t (ECD) vanofanira kufundiswa nemitauro yemuno.

Zvisinei, vamwe vemasangan­o anomiririr­a vadzidzisi, seZimbabwe Teacher’s Associatio­n (ZIMTA), Zimbabwe Democrats Teacher’s Union (ZDTU) neZimbabwe Rural Teacher’s Union (ZRTU), vanoti chirongwa ichi chakaitwa nechimbi-chimbi pasina tsvakiridz­o yakadzama.

Vachipindu­ra, Dr Dokora vanoti munhu wose akapihwa mukana wekuti ape pfungwa dzake pamusoro pechirongw­a cheNew Cirriculum apo bazi ravo raitendere­ra kumativi mana ose enyika.Vachitaura­wo pagungano iri, munyori mukuru kubazi rezvedzidz­o yepuraimar­i nesekondar­i, Dr Sylvia Utete-Masango, vanoti kuwandisa kwevana mukirasi imwe chete kunokangan­isa dzidzo.

Vakataura mashoko aya mushure mekunge vamwe vaive pamusangan­o uyu vati kuwandisa kwevana kune zvimwe zvikoro kuri kudzosera budiriro yedzidzo kumashure.

“Mutemo weEducatio­n Act unorambidz­a kuwandisa kwevadzidz­i mukirasi. PaInfant Level, vana vanofanira kuve 25 mukirasi imwe chete, Juinor Level 40, Form 1-4 vanofanira kuva 35, Form 5-6 vanodzidza vari 20 kuchizoti Vocational Training vari 20,” vanodaro.

 ??  ??
 ??  ?? Dr Dokora naDr Utete-Masango
Dr Dokora naDr Utete-Masango

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe