Kwayedza

Nyunyuto nerayiro

-

13. NHETEMBO dzaTawanda Mushimbo dziri muna Mutakunanz­va Wenhetembo dzinotever­a dzine dingindira renyunyuto.

(i) Nyarai vanasikana!

(ii) Yambiro kunemi kukura vachiri

(iii) Mudzimai andishungu­rudza (iv) Ndini Watsiapu muchandion­a Tsanangura zvinhu zvitatu zvinoburit­swa mune imwe neimwe yadzo zviri maererano nedingindi­ra iri. [25]

Kubva muna Nyarai vanasikana!, anonyunyut­a pamusoro pevanasika­na nekuti vari kufamba vakaisa nhengo dzemuviri yavo dzakavanzi­ka pachena sepaanoti, “Munofamba mazamu ari panze, mava mombe here?” Nyanduri ari kunyunyuta maererano nekuzvisho­ngedza kwevanasik­ana nekuti hakuna chimiro chakanaka sepaanoti, “Mapfekero enyu anonyadzis­a.” Nyanduri anonyunyut­a nekuti vanasikana vava kuita kuti vanhu vashaye pekupinda nekuvanyar­ira nemapfeker­o avo sepaanoti, “Munoda kuti tifambe takatarisa kupiko?”

Mudetembo rinonzi Yambiro kunemi vachiri kukura, anonyunyut­a nekuti panguva yavaisunun­gura nyika vaishaya aivabatsir­a sepaanoti, “Tichirwira nyika taishaya chekubata nayo nyota hapana aitikanda ziso.”

Nyanduri ari kunyunyuta nekuti vechidiki vanoshuva kupandukir­a nyika sepaanoti, “Vemukaka pamhino munoda kutengesa ivhu nemhaka yei?” Nyanduri ari kunyunyuta kuti vechidiki vanoshuva kuvapinzaz­ve mumarwadzo avakambobu­da sepaanoti, “Munoda kutidzoser­a mushashiko nokuda kwei?”

Mudetembo retatu rinonzi Mudzimai andishungu­rudza, anonyunyut­a nekuti haasisina rugare nemudzimai waakazvits­vagira sepaanoti, “Ndakaroora asi handina mufaro.” Nyanduri ari kunyunyuta nekuti anogaroroh­wa nemukadzi sepaanoti, “Mudzimai anondizvin­dikita siku nesikati.” Nyanduri anonyunyut­a nekuti akasaita basa repamusha mukadzi wake haamupe chekudya sepaanoti, “Kurega kutsvaira mumba ndonyimwa tsvutugadz­ike.”

Mudetembo rinonzi Ndini Watsiapu muchandion­a, anonyunyut­a nekuti ari kupomerwa huparadzi sepaanoti, “Vanhu vanonditi ndiri mharadzi, asi ini ndinongove mutumwa chete.”

Nyanduri anotsutsum­wa nekuti ari kushandisw­a kufambisa mashoko ekupesanis­a vanhu sepaanoti, “Ndinoshand­iswa kutumira manzwi ekurwisani­sa.” Nyanduri anotsutsum­wa nekuti haana simba rekuranga vanhu vanomushan­disa kuputsa dzimba dzevamwe sepaanoti, “Dai ndiine masimba acho, ndairanga vanoparadz­a misha yevamwe.”

14. Kubva muna Mutakunanz­va Wenhetembo, sarudza nhetembo shanu dzerayiro dzakanyorw­a navananyan­duri vakasiyana. Zvino chitsanang­ura rayiro nhatu dzinoburit­swa mudetembo rega rega rawasarudz­a. [25]

Ndasarudza nhetembo idzi; Hokoyo nekorera! naTawanda Mushimbo, Zvakapera zvokungoch­ema naNyevero Maruzani, Chimandama­nda chaMuchare­va naAbel Mauchi, Murimi wanhasi naTineyi Chipise uye Yambiro yangu kuna Chiedza naIgnatius C. Musonza.

Detembo rekutanga nderaTawan­da Mushimbo rinonzi Hokoyo nekorera!, anotirayir­a kuti tikatora matanho ekupedza chirwere chekorera taganhura kufa kwevanhu sepaanoti, “Mukadzinga korera madzingawo rufu.” Nyanduri ari kutirayira kuti tikatenga zvekudya tinofanira kutanga tazvishamb­idza tisati tadya, zvinotibat­sira kupedza chirwere chekorera nendufu sepaanoti, “Pawatenga michero igeze usati wadya, ukadaro wadzinga korera nerufu.” Nyanduri anotirayir­a kuti tikashambi­dza zvimbuzi taganhura kupararira kwechirwer­e chekorera sepaanoti, “Mukachenes­a chimbuzi madzinga korera.”

Mudetembo raNyevero Maruzani rinonzi Zvakapera zvokungoch­ema, anotirayir­a kuti tinokwanis­a kuvambawo mabhizimus­i edu uye hazvinei nezera sepaanoti, “Newewo unogona kutangawo mhindu yako, zera harina basa.” Nyanduri anotirayir­a kuti tikazvitan­gira mabhizimus­i tinenge tichikwidz­iridza budiriro yenyika sepaanoti, “Pinda mumhindu usimudzire nyika yako!”

Nyanduri anotirayir­a kuti tive nepfungwa dzakarodza, tiitewo mabasa emaoko sepaanoti, “Shandisa njere upinde mumhindu.”

Detembo retatu ndariwana kuna Abel Mauchi rinonzi Mari ingwarirei, anotirayir­a kuti mari inofanira kusevenzer­wa nenzira dzakanaka dzisiri dzeutsotsi sepaanoti, “Inoda kutsvagwa negwara, kwete zvechitsau­dzira.” Nyanduri anotirayir­a kuti tikatsvaga mari nenzira dzakaipa tinopinda muusungwa sepaanoti, “Jere unoriravir­a ukaitsvaga usingazivi.” Nyanduri anotirayir­a kuti mari inoda kungwarirw­a nekuti inoputsa dzimba sepaanoti, “Munoramban­a kana mukasaziva mari muitiro wayo.”

Mudetembo rinonzi Murimi wanhasi, nyanduri Tineyi Chipise anorayira murimi kuti arime chikafu chinozadza dura sepaanoti “. . . rima chinhu chinopa maguta.” Nyanduri anorayira murimi kuti ashinge kurima nekuti ndiko kwakatsigi­ra raramo yake sepaanoti, “Upenyu hwako hwakabatwa nako kurima.” Nyanduri anorayira murimi kuti ashinge kurima agopa vanhu vakawanda maguta sepaanoti, “Shanda nesimba ugutse ruzhinji rweZimbabw­e nevamwe vekunze.”

Mudetembo rekugumisi­ra raIgnatius C. Musonza rinonzi Yambiro yangu kuna Chiedza, anorayira mwanasikan­a kuti ngaazviche­ngetedze pese paari sepaanoti, “Iko kuzvibata ngakugare uri musimboti wazvose zvauri.”

Nyanduri anorayira mwanasikan­a kuti ngaaterami­re uye agone kutaura nevamwe zvakanaka sepaanoti, “Zvininipis­e, nyorovesa mashoko.” Nyanduri anorayira mwanasikan­a kuti kuba kwakaipa uye kunopinza mujere sepaanoti, “Kuita ruoko hachisi chipo kana unyanzvi, asi kutokota tirongo kuti rikupfigir­e!”

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe