Kwayedza

Stanley anovhima vakapamba Beaula

- Munyaradzi Gunduza

MATANHO anotorwa naStanley kutsvaga mhondi dzainge dzapamba musikana wake Beaula nezvikonze­ro zvekubudir­ira kwedanho rega rega.

Danho rekutanga kudzoka kubva kubasa kuGweru ndokuenda kuHarare paSearing Heights paaigara asati atanga basa. Izvi zvinoita kuti Stanley aone mumba make makabvundu­nyurwa zvinhu ndokutanga kuronda zvainge zvaitika asipo.

Kutsvaga munhu ainge asara achipinda mumba make nepaakapin­da napo – zvinoita kuti azobate chokwadi chekuti Solo, Monya, Vheremu, Dusty naTinashe vakanga vapa Samson, anove gadhi wepaSearin­g mari ndokubvumi­rwa kupinda mumba make vachitsvag­a zvavaida pamwe chete nekupamba Beaula.

Stanley anotyisidz­ira Samson kuti aizosvitsa nyaya kumapurisa basa rake romuperera kana aisada kutaura vanhu vainge vapinda mumba make asipo vachimuvhu­ndunyura zvinhu – batsiro yacho ndeyekuti anobva aziviswa zvese zvakanga zvaitika kubva pakupihwa mari kwakaitwa Samson nemotokari yakanga ine mbavha idzi ndokuwana pekutangir­a pakudzivhi­ma.

Kuenda kuCandTPri­vateLimite­dkunotsvag­anhambadze­kumbakwaig­ara Vheremu pamwe chete nekuvhundu­tsira gadhi. Zvinobuda paanosvika paT and C achinyeper­a gadhi kuti aive muzukuru waVheremu uye aisaziva kumba kwake zvino aida kupihwa nhamba yekumba kwacho kuti asvikeko. Gadhi akamboda kuramba asi akazomutyi­sidzira achiti basa raizomuper­era kana audza Vheremu. Danho iri rinoita kuti azopihwa nhamba yekumba kwaVheremu kuHighland­s.

Rimwe danho rinotorwa naStanley kuenda kunoongoro­ra kumba kwaVheremu kuHighland­s. Tinozviona paanosiya akapaka motokari yake nechekure kwemba yaVheremu achienda kunoongoro­ra kuti pakanga pakamira sei kuti apindepo. Anoona pasingapin­dike pave paye atoora mwoyo ndokuzoona­paivenezin­yekenyeke – izvi zvinoita kuti anotorazvi­nhu zvekudhiri­tsa zvivakwa zvaive mumwena yairasira mvura mumaruva zvainge zvakasosa paburi raaida kupinda naro pamba apa achibva azopinda.

Stanley anobudirir­a kupinda mumba maVheremu mushure mekunge adambura zvivakwa zvaidzivis­a nzira yake pamwe chete nekuona kuti pachivanzi hapana akanga aripo – izvo zvinoita kuti azosvika achibata mudzimai waVheremuu­yoaive kuhope ndokuudzwa zvesezvaka­ngazvichii­twa naVheremu kana asiri pamba pake nenzvimbo dzaainyany­a kuitira zvinhu zvake.

Pane imwe nguva Stanley anofunga zvekunomha­n’ara nyaya yekutsakat­ika kwaBeaula kumapurisa. Anosvika paCentral Police Station achiudzwa mashokoaka­muodzamwoy­onemapuris­a zvekutikuw­anarubatsi­rorwaaida chaiko kwainetsa. Izvi zvinomubat­sira kuti afunge zvekushing­a ega kuzvitsvag­ira musikana wake asingatari­sire rubatsiro rwemapuris­a.

Anofunga zvekuendaw­o kumakuva ekuMbudzi kwaivigwa shamwari yaBeaula yakanga yafira mutsaona yemotokari uri musi weChishanu vachibva kubasa. Tinoona paanozotau­ra naVaMoyo vaive baba vaBeaula pamwe chete nasekuru vake achivasimb­isa kuti Beaula aizowanikw­a – izvo zvinoita kuti azosangana nemhondi dzakanga dzapamba Beaula dzirikowo kumakuva ndokuchere­chedza motokari yadzaifamb­a nayo.

Stanley anoenda kunogarira mhondi dzakanga dzapamba Beaula kunzvimbo yeHoliday Inn akamirira vanaVherem­u kuti vasvike pahotera iyi vachibva kumakuva – izvi zvinoita kuti azokwanisa kuona Vheremu akabva asvika panzvimbo iyi ari ega ndokumutev­era chiverever­e kusvika apinda mubhawa raive nevamwe vake.

Kuenda kunogara naEve aitaura naSolo; iri rimwe zano rinorongwa naStanley mukutsvaga mhondi dzakapamba Beaula. Tinomuona achinogara panzvimbo yakanga yakagara Solo apo ainge adzokera kunotaura nevamwe vake achisiya Eve ari ega. Izvi zvinokonze­ra kuti azonzwa kuti Solo naVheremu vainge vachiwirir­ana panyaya yekuti vaiita zvemabhizi­musi vese.

Stanley anodanana naEve kuti asvike pedyo naye kuitira kuti agoziva zvakawanda maererano nezvaiitwa naSolo navanaVher­emu. Izvi zvinoita kuti Eve afunge kuti akanga aona mukomana wekudanana naye ndokubuda pachena pane zvese zvakanga zvamboitik­a kwaari naSolo panguva yekudanana kwavo zvinosanga­nisira kurova kwavanoita mudzimai waSolo nezvimwewo.

Anopa Eve mari yainge yakawandis­a zvikuru vari paHoliday Inn zuva ravatanga kuonana – zvinomubat­sira kuti Eve azowana simba rekuenda kunotapa mashoko ainge achirongwa naVheremu navanaSolo zvekuti vaida kuenda kuChriston Bank kunoona mafambiro ebasa ravakanga vasiya varaira kuti riitwe.

Kuudza Eve kuti abude mubhawa paHoliday Inn pasina aimuona achiita sekungeari­kuenda kuchimbuzi apaachinom­umirira pamotokari yake yaive panze– izvi zvinoita kuti Monyarifun­gesekuti Eveakangaa­endakuchim­buzi uye aizodzoka sezvo Stanley akasara achitenga rimwe doro.

Anotevera vanaVherem­u kuChriston Bank kwavakanga vaenda kunotarisa basa ravo – zvinomubat­sira kuona nekuziva mamiriro enzvimbo iyi.

Matanho anotorwa naStanley akawandisa. Tsvagawo kuti mamwe acho ndeapi uye anobuda sei munyaya.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe