Kwayedza

DZVI ACHIDYARA HEJI PAGU

‘Mweya wake wandishupa’

- Muchaneta Chimuka

MURUME harahwa weparimwe purazi riri kuKadoma — wekuoneswa moto nemweya wemushakab­vu uyo waaishandi­ra pamusha pake — anonzi akazonodya­ra miti yeheji paguva remutorwa uyu senzira yekutsipik­a mushakabvu asamupfuki­re.

Izvi zvakabuda mudare raIshe Ngezi nemusi weMugovera svondo rapera apo Josphat Banda (70) akamiswa mudare iri achipomerw­a mhosva yekudyara heji paguva raTrust Mutengwend­e uyo waaishandi­ra pamusha pake.

Nyaya iyi yakamhan’arwa kudare iri nemudzimai wemushakab­vu – Mai Tapiwa Mutengwend­e.

Ishe Ngezi, VaPeter Pasipamire, vari kuenderera mberi nekutonga nyaya iyi uye Banda achapihwa mutongo wake neChishanu svondo rino.

“Tichamupa mutongo wake nomusi weChishanu asi pari zvino takamuti aende anodzura heji yaakadyara paguva remuridzi, mutorwa. Banda ange ari mushandi pamba pemushakab­vu uyu zvekare zvinonzi vakambonet­sana nenyaya yepeyi.

“Mutengwend­e akarwara kwemazuva angaita mana achibva angoshaya,” vanodaro.

Banda, vanodaro Ishe Ngezi, paakamiswa pamberi pedare ravo, haana kuramba mhosva iyi.

“Takamubvun­za chikonzero chekudyara heji paguva remutorwa akabvuma kuti akaita izvi mushure mekushungu­rudzwa nemufi uyo waanoti ari kuuya kuhope kwake pasina zororo. Anoti chero masikati machena agere zvake, anogona kuona mufi uyu mumaziso ake.

“Banda anoti akafamba kuchivanhu achida kuti dambudziko rake ripere kunova kwaakanopi­hwa heji yekuti adyare paguva remufi zvinova zvaakaita,” vanodaro Ishe Ngezi.

Vanoti mushure mekudyara heji iyi, Banda anoti ndipo akambowana zororo rekusaona mufi achiuya kwaari.

Ishe Ngezi vanoti, sekuona kwavo, hapana umboo hwekuti Banda ndiye akakonzere­sa rufu rwemushaka­bvu uyu kana kuti kwete, asi zviri pachena kuti akanodyara heji paguva remutorwa achiti aoneswa ndondo nemweya wemushakab­vu.

Pasi pemutemo weCriminal Codi-

 ??  ??
 ??  ?? Josphat Banda ari mudare raIshe
Josphat Banda ari mudare raIshe

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe