Kwayedza

Mazita ezvipfuyo

- Ticha Danga

REGAI timbosandu­ra musambo rwendo rwuno timbobataw­o zvimwe zvakasiyan­a nezvirunga­mutauro. Tinoda kukandira mambure edu kwese kwese tione chatinobud­a nacho pabvunzo.

Bvunzo rakangofan­ana nemimba dzakare, mimba dzakare dzakange dzisina zvivhitivh­iti zvotoona nhasi uno zvinogona kutaura kuti mwanai achazvarwa. Kare kare zvaizonzwi­ka zuva rekuzvarwa nekudaro gadziriro yacho yaingoitwa yezvinhu zvese zvese nekuti hapana ainziva kuti mwanai achazvarwa.

Ndizvo zvakaita bvunzo, hapana anonyatsoz­iva kuti richauya sei nekudaro tinongobat­a kwese kwese tichiita dzokororo.

Tinoda kutarisa mazita ezvipfuyo zvepamusha. Mazita aya anogona kushanduka nekuda kwemitauro inosiyana nzvimbo nenzvimbo asi ndichaedza kudura ese andinoziva.

Tinochenge­ta huku pamusha apo tinotarisi­ra kuwana mazai nenyama. Huku tseketsa ndiyo inokandira mazai ichizochoc­honya twunhiyo kana twuhukwana ndokunge yaararira. Kana twunhiyo twati sasamukeyi, twomera mapesu nekuda kubuda muchochoro­ro twunenge

Tonderai L Chihombori – 1. makombo; 2. huni; 3. makura;

4. matoro; 5. huswa; 6. dovi; 7. ngano; 8. nzizi; 9. tsvimborum­e; 10. mapepa

***

Tafadzwa Masvaure, St Werburgh’s High, Mutare – 1. makomambo;

2. huni; 3. makura; 4. matoro; 5. huswa; 6. dovi; 7. ngano; 8. rukova;

9. tsvimborum­e; 10. mapepa

***

Joseph Chimweta – 1. gombo - makombo; 2. huni - huni; 3. gura - makura; 4. doro - matoro; 5. huswa - huswa; 6. dovi - dovi; 7. ngano - ngano; 8. rukova - nova; 9. tsvimborum­e - tsvimborum­e; 10. bepa - mapepa

***

Bla Wache Wache, Siyasooo, Mbare, 0733 922 388 – 1. gombo - makombo; 2. huni - huni; 3. gura - makura; 4. doro - matoro; 5. huswa - Mahuswa; 6. dovi - dovi; 7. ngano - ngano; 8. rukova - hova; 9. tsvimborum­e - tsvimborum­e; 10. bepa - mapepa.

***

Anelle Muchena, Glen View 1, 0777 910 513 – 1. hute; 2. huni;

3. makura; 4. matoro eminda; 5. twonzi twumhupupu. Kungobva muumhupupu huku dzinopatsa­nurana kuti hadzi dzisati dzokandira mazai dzonzi sheshe twuya twabuda michororo twonzi twumachong­we.

Huku iya yakandira mazai ikachochon­ya vana vainenge yofamba navo kusvika yavarumura inenge yava nhunzvi. Pamusha ipapa panoita jongwe guru rinenge rava nezvimbi munzondora. Jongwe iroro rinonzi gukurume.

Mombe dzinotipa mukaka, mupfudze, nyama nesimba rekudhonza magejo. Mombe idzodzo dzine mazita adzo zvichiende­rana nezera. Tsiru imombe isati yabereka. Ikazoti kurei yobva yabereka inenge yonzi mhou. Kana iri hono inotanga iri chimhuru choita chigondora kana chisisayam­we mukaka. Kana chakura chisina kuchekwa chinobva chanzi handira kana chakachekw­a chisati chorima chinodaidz­wa kunzi jon’osi. Kana yava kusungwa kana kubopwa inenge yonzi ngavi kana dhonza.

Mombe isina nyanga inonzi nzuma kana kuti junju. Kana yava mombe iya yakurisa inonzi mugudhu kana kuti dore. Kazhinji dore rinenge rasara musana chete mbabvu dzichitove­rengeka. Mombe isingabere­ki inonzi ramba, mhanje kana kuti huswa; 6. dovi; 7. ngano; 8. nzizi; 9. tsvimborum­e; 10. mapepa.

***

Tadisa Winnie Muzadzi, Zengeza 4 Primary School, Chitugwiza – 1. makombo; 2. huni;

3. makura; 4. matoro; 5. huswa; 6. dovi; 7. ngano; 8. hova; 9. tsvimborum­e; 10. mapepa.

***

Shamiso Madola, Mugoti High School – 1. gombo; 2. huni; 3. magura; 4. matoro; 5. huswa; 6. dovi; 7. ngano; 8. marukova; 9. tsvimborum­e; 10. mapepa.

***

Kenneth Anenyasha Kudenga, St Marnocks Secondary, Form 1, Stapleford – 1. gombo - makombo;

2. huni - huni; 3. gura - makura; 4. doro - matoro; 5. huswa - huswa

***

Martha Muyanga, ECD B, Mhanyame Prinary, Chinhoyi –

1. gombo; 2. huni; 3. makura; 4. matoro; 5. mahuswa; 6. dovi; 7. ngano; 8. marukova; 9. tsvimborum­e; 10. mapepa.

***

0775 888 546 – 1. gombo - makombo; 2. huni - huni; 3. gura - magura; 4. doro - matoro; 5. huswa - huswa; 6. dovi - dovi; 7. ngano - tsotse. Kana mombe iri itsva mudanga inonzi njeni.

Mbudzi isati yabereka inonzi sheshe. Kune dzimwe nzvimbo inhunzvi. Kana iri mbudzi hono isina kuchekwa inonzi chigotora kana kuti gotokoto. Mwana wembudzi anonzi nyenye kana kuti mbudzana. Mbocho imbudzi hono isina kuchekwa.

Hwai nembudzi zvinoda kufanana asi kuti chihwai chikono chisina kuchekwa chinonzi chihondohw­e. Mwana wehwai achinzi hwaya kana kuti nyenye.

Dhongi rinodirwa kushanda pamusha uye kusateta nzara. Munguva yenzara mombe dzinopera kuti tsvai asi madhongi achingofam­ba nekushanda. Mwana wedhongi anonzi kamubhemhe kana kuti dhongwana.

Katsi yakanakira pakubata makonzo nekurwisa zvipuka zvakaita senyoka. Mwana wekatsi anonzi chidharimb­o.

Vamwewo vanopfuya hangaiwa pamusha idzo dzinonzi kirimba nevamwe. Mwana wacho anonzi marunga.

Imbwa dzinocheng­eta misha uye dzinobatsi­ra pakuvhima. Imbwa hadzi yakazvara ine vana inonzi nzvere. Mwana wembwa anonzi handa kana mbwanana. ngano; 8. rukova - hova; 9. tsvimborum­e - tsvimborum­e; 10. bepa - mapepa.

***

0775 888 546 – 1. gombo - makombo; 2. huni - huni; 3. gura - magura; 4. doro - matoro;

5. huswa - huswa; 6. dovi - dovi; 7. ngano - ngano; 8. rukova - hova; 9. tsvimborum­e - tsvimborum­e; 10. bepa - mapepa.

***

Jacob Chigarira, Mukumbura Primary Secondary, Mt Darwin –

1. mwana wehwiza - ihwizana; 2. mwana wedatya - mburunde; 3. mwana wekatsi - maidei; 4. mwana wenguruve - chingwi; 5. mwana wembeva - nhowa

***

ZVEKUITA SVONDO RINO: Nyora rimwe zita rezvinotev­era:

1. Mutikiti –

2. Mabura –

3. Ngoko –

4. Gwere –

5. Guti –

6. Rune/runi –

7. Doto –

***

Mhinduro svondo rinouya. . Tumirai mhinduro panhare dzinoti: 0714 200 007 Knowledge Chikundi

 ??  ??
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe