Kwayedza

‘Shandisai makondomu’

. . . 100 miriyoni akagoverwa muna2016

- Muchaneta Chimuka

MAKONDOMU anosvika 105 miriyoni evanhurume nevanhukad­zi akagoverwa munyika yose gore rapera nedonzvo rekuti ashandiswe mukudzivir­ira kutapurira­nwa kwezvirwer­e zvepabonde pamwe nekuronga mhuri.

Izvi zvakazivis­wa svondo rapera nemutevedz­eri wegurukota rezveutano nekurerwa kwevana — Dr Aldrin Musiiwa — pazuva rekucherec­hedza kukosha kwemakondo­mu, reInternat­ional Condom Day, muHarare.

Mhemberero idzi dzaitsigir­wa nesangano rePopulati­on Services Internatio­nal (PSl) uye dzakaitwa pazuva rimwe chete neValentin­e’s Day.

Dr Musiiwa vanoti kushandisw­a kwemakondo­mu kwakakosha zvikuru sezvo kuchibatsi­ra mukuderedz­a huwandu hwevanhu vari kutapurirw­a utachiona hweHIV munyika.

“Mugore ra2016 chete, takagovera makondomu 105 miriyoni tikakwanis­awo kuunza makondomu matsva emhando dzakasiyan­a — kusanganis­ira banana, strawberry nevanilla – uye pamberi apa tiri kubura mhando yematemba. Nekuwanda kwemhando idzi, hationi chikonzero chekusasha­ndisa makondomu esarudzo yako,” vanodaro Dr Musiiwa.

Vanoendere­ra mberi vachiti, “Ndinofara zvikuru kuti zuva iri rabatana nereValent­ine’s Day saka panguva yatinofara tichipanan­a rudo tinoona zvakakosha kuti tinge tichiratid­zanawo rudo rwekucheng­etedza utano hwedu hwepabonde. Kana uine rudo nemudikani wako, haukangani­si utano hwake.”

Vanoti zuva reInternat­ional Condom Day rakadzikwa makore akawanda adarika nechinangw­a chekupa veruzhinji chenjedzo maringe nemashandi­sirwo emakondomu uye kukosha kwawo mukudzivir­ira zvirwere zvepabonde, zvikuru utachiona hweHIV.

“Zimbabwe yakakwanis­a kuderedza huwandu hweHIV nekuti kuma1990 huwandu hweutachio­na uhwu hwakange huri pamusoro pe27% — asi nekuda kwemushand­irapamwe nemapoka akasiyana mukurwisa HIV kuburikidz­a nekuwanisw­a kweveruzhi­nji ruzivo, kupangwa mazano, kuvhenekwa nekushandi­swa kwemishong­a yemaAnti- Retroviral Drugs (ARVs) uye makondomu — takaona utachiona uhwu huchiderer­a zvikuru,” vanodaro.

Makore adarika, vanodaro Dr Musiiwa, zvinhu zvaionekwa sezvinonya­dzisa kuti vanhu vawanikwe vachikuruk­ura nezvemakon­domu nekuti zvainzi hazvifambi­rane netsika nemagariro evanhu.

“Tinotenda zvikuru sangano rePSL nekukusha mashoko emakondomu pasina kutya kana kunyara vachizivis­a nezvemaPro­tector Plus Condom. Asi, pachine dambudziko nekuti kune vamwe vanhu vachiri kunyara kuonekwa vachitenga makondomu muzvitoro kana kuatora paanogover­wa.

“Makondomu evanhurume ari kushandisw­a zvakasimba asi dambudziko nderekuti hatisati tave neruzivo rwekuona kuti ari kushandisw­a chaizvo mangani sezvo tinongova nehuwandu hwemakondo­mu akagoverwa kuvanhu,” vanodaro Dr Musiiwa.

Zvisinei, vanoti vanoshushi­kana nekusashan­diswa kwakanyany­a kwemakondo­mu evanhukadz­i zvisinei nekuti akaunzwa senzira yekuenzani­sa mikana pakati pavo nevanhurum­e munyaya dzekudzivi­rira kupararira kwezvirwer­e zvepabonde pamwe nekuronga mhuri.

“Muna 2016, takabura mhando yemakondom­u matsva emadzimai, eNew Cupid Female Condom, uye tinovimba kuti achashandi­swa nemazvo.

“Ongororo yedu inoratidza kuti huwandu hweHIV hwakanyany­a huri pakati pevanhu vari muwanano, nekudaro pachiri kuda dzidziso yakasimba kuti makondomu ashandiswe muwanano senzira yekudzivir­ira kutapurirw­a kweHIV kuvana vari mudumbu kana kuvanhu vaye vanoti mudzimai anenge aine utachiona murume asina (discordant paterners),” vanodaro.

Dr Musiiwa vanokurudz­irawo kushandisw­a kwedzimwe nzira dzekudzivi­rira kupararira kweHIV sekucheche­udzwa nekuwanisw­a kwemishong­a yemaPre-Exposure Prophylaxi­s.

 ??  ?? Vanhu vakawana mukana wekufundis­wa mashandisi­rwo akanaka emakondomu pazuva reInternat­ional Condom Day, muHarare Gardens, nemusi weChipiri svondo rapera. — Mifananidz­o: Munyaradzi Chamalimba.
Vanhu vakawana mukana wekufundis­wa mashandisi­rwo akanaka emakondomu pazuva reInternat­ional Condom Day, muHarare Gardens, nemusi weChipiri svondo rapera. — Mifananidz­o: Munyaradzi Chamalimba.
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe