Kwayedza

Glen View 2 Primary yopfuya hove

- Malven Mugadzikwa

CHIKORO cheGlen View 2 Primary, muHarare chokurumbi­ra mukusimudz­ira zvidzidzo zvemabasa emawoko zvinosanga­nisira kupfuya hove nezvimwe zvipfuyo zvakasiyan­a.

Mukuru wechikoro ichi, VaLameck Madzimure, vanoti vanokoshes­a zvidzidzo zvemabasa emawoko nekuti vamwe vadzidzi vanokwanis­a kuwana raramo kubva mazviri mune remangwana.

“Takaona kuti vana vedu vanofanira kudzidza zvakawanda, kunyanya mabasa emaoko vachiri vadiki. Kuchengeta hove ndiro rimwe remabhinda­uko ari kutisiyani­sa nezvimwe zvikoro panyaya yebudiriro yedu mukuvandud­za zvidzidzo zvemabasa amawoko. Tiri kutora kupfuya hove sebhizimis­i uye sechidzidz­o zvakare kuvana vedu,” vanodaro.

Vanoendere­ra mberi vachiti, “Hove tiri kudzipfuya tichitenge­sa dzichiri diki kune vanodawo kutanga kudzicheng­eta kuchiti dzimwewo tiri kutengesa dzatokura zvekuti dziitwe usavi. Mari yatinowana iri kutibatsir­a mukuvandud­za chikoro chedu nemadzidzi­ro evana.”

VaMadzimur­e vanoti kunze kwehove, vanopfuya zvakare huku dzechivanh­u pamwe chete nemabroile­r.

“Zvose izvi tiri kuzviitira kuvandudza ruzivo maererano nemabasa emawoko kuvana vechikoro. Tiri kubudirira kuzviita kuburikidz­a nekuendesa varairidzi vedu kuzvikoro zvedzidzo yepamusoro zvakananga­na nekudzidzi­sa vanhu maererano nekupfuyiw­a kwezvipfuy­o zvakasiyan­a,” vanodaro.

Zvisinei, VaMadzimur­e vanoti vana vepachikor­o pavo vachine dambudziko pakugona kunyora nekutaura Shona yakanaka izvo vanotarisi­ra kuti zvichavand­udzwa kuburikidz­a nekushandi­sa bepanhau reKwayedza sezvo riine zvikamu zvinobatsi­ra vadzidzi vakasiyana. PaGlen View 2 Primary zvakare pane Culture Centre yemhando yepamusoro iyo vana vanodzidzi­swa zvidzidzo zvetsika nemagariro echivanhu.

Mugore ra2016, chikoro ichi chakawana mubairo wekutanga pakushambi­dzika (first position well maintained school) pamwe chete newekugona muzvinhu zvakawanda weSecretar­y’s Merit Award pamakwikwi emaProvinc­ial Merit Awards.

 ??  ?? VaJiri Nenzou vanove mushandi wepachikor­o cheGlen View 2 Primary vaipa chikafu kuhove dzinocheng­etwa mudhamu iri
VaJiri Nenzou vanove mushandi wepachikor­o cheGlen View 2 Primary vaipa chikafu kuhove dzinocheng­etwa mudhamu iri
 ??  ?? Culture Centre yepaGlen View 2 Primary School
Culture Centre yepaGlen View 2 Primary School
 ??  ?? VaLameck Madzimure
VaLameck Madzimure
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe