Kwayedza

Chibadura: Shasha yeSungura

- Abel Ndooka

KUTANGA svondo rino bepanhau reKwayedza - pano neapo - richange richikupai nhoroondo yevaimbi vane mukurumbir­a munyika muno, kusanganis­ira vashakabvu.

Svondo rino tina John Chibadura uyo aizivikanw­a zvikuru nezita remadunhur­irwa rekuti Mr Chitungwiz­a.

Chibadura akaberekwa musi wa17 Kurume mugore ra1957. Zita rake rekuzvarwa ainzi John Nyamukoko uye akashaikir­wa naamai vake achiri nemakore mashanu okuberekwa izvo zvakamuona achikura achichenge­twa nehama dzakasiyan­a. Achiri mudiki, Nyamukoko akatanga kushanda mabasa akasiyana anosangani­sira kufudza mombe pane rimwe purazi kuDarwenda­le uko kwaaibva.

Akazowana basa rekutyaira tirakita pane rimwe purazi mushure mekuzotyai­ra rori zvakare.

Panguva iyi ndipo paatanga kudzidzira kuridza magitare.

Kugona kuridza gitare kwakaona Nyamukoko achitumidz­wa zita remadunhur­irwa neshamwari dzake pamwe nevatsigir­i kuti Chibadura apo pakazobva zita rekuti John Chibadura.

Mugore ra 1980, akabva kuDarwenda­le ndokuenda kuHarare pamwe chete neshamwari yake - Sheperd Chinyani - apo pavakatang­isa chikwata chavo chainzi The Holy Brothers.

Zvisinei, chikwata ichi hachina kure kwachakasv­ika uye Chibadura akazotanga kushanda naTineyi Chikupo uyo aitungamir­a chikwata cheMother Band.

Vatatu ava vakazobata­na naRonnie Gatakata pamwe naBata Sinitarwo uyo anozivikan­wa saManyowa ndokutanga kuita mashoo kuDombosha­va nekumahote­ra akasiyana muguta reHarare.

Chikwata ichi chakazotan­ga kuita mukurumbir­a chichiridz­ira mhanzi yacho paMvereche­na Hotel kwakare kuDombosha­va apo pakazobva zita rekuti Mverechena Band.

Nekufamba kwemakore, chikwata ichi chakazenge chave kuridzira paMushandi­rapamwe Hotel kuHighfiel­d muHarare apo v vatazozvip­a zita rekuti Sungura Boys vachitunga­mirirwa naChibadur­a. Chikwata ichi chakatsiki­sa madambaref­u akaita mukurumbir­a anosangani­sira Sara Ugarike uye Rugare Tangenhamo.

Chibadura akazobva kuSungura Boys, ndokutanga chikwata chake cheTembo Brothers icho c chakazomuo­na achisvika kure m munyaya dzemimhanz­i.

Tembo Brothers yakaita mukurumbir­a munyika muno nekunze uye Chibadur a nechikwata chake vakanoridz­a kunyika dzinosanga­nisira United K Kingdom nekuIrelan­d. MuAfrica, C Chibadura aive nemukurumb­ira mukuru kunyika dzakaita seMozambiq­ue uko aipihwa ruremekedz­o rwakanyany­a.

Panguva iyi Chibadura akanetsa n nenziyo dzinosanga­nisira Rudo Runokosha, Mudiwa Janet neZuva Rekufa Kwangu.

Zvisinei, gore dema rakazouya mugore ra1999 apo Chibadura akashaya mushure mekurwara k kwenguva refu.

Chikwata chake chakasara c chichitung­amiriwa naRodrick C Chemudhara. Zvakadai, vanakomana vake vatatu vaChibadur­a vanoti John, Simbarashe naKnowldge nguva yadarika vakati vane hurongwa hwekumutsi­ridza d mukurumbir­a wababa vavo muindasiti­ri yemimhanzi.

 ??  ??
 ??  ?? John Chibadura
John Chibadura
 ??  ?? John Chibadura
John Chibadura

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe