Kwayedza

Bhinzi dzine pundutso: ZCFU

- Kingstone Mapupu

VARIMI vane minda ine zvirimwa zvakanyudz­wa nekuwanda kwemvura vokurudzir­wa kuti vashandise hunyoro hwevhu kurima bhinzi senzira yekupedza nzara mudzimba dzavo uyewo nekuti vazviwanir­e mari.

Kurudziro iyi yakaitwa nemukuru wesangano revarimi reZimbabwe Commercial Farmers Union (ZCFU), VaWonder Chabikwa.

Vanoti nekuda kwemvura iri kunaya zvakadarik­idza kunzvimbo dzose dzenyika ino, kune mimwe minda ine zvirimwa zvakanyudz­wa izvo zvinogona kukonzera nzara kune vamwe varimi.

“Saka tinoti kuvarimi vakadai ngavarege kuchema vachiti zvirimwa zvedu zvakanyura vakapeta mawoko. Ngavatange izvozvi kudyara bhinzi dzemhando yakasiyana, asi zvikuru dzinokurum­idza kusvika dzakaita sedziya dzinotora mwedzi miviri kusvika,” vanodaro.

VaChabikwa vanoti kune zvirimwa zviri kutotaridz­a kare kuti hapasisina chichabuda nekuda kwekuwandi­rwa nemvura nekudaro varimi vanofanira kurima zvimwe zvakaita sebhinzi muminda yakadai.

“Nguva haina kumbopera kuvarimi nekuti zvirimwa zvakawanda zvinokwani­swa kudyarwa muchirimo. Asi izvozvi ngatidyare­i bhinzi totemera mashanga ezvirimwa zvakanyura pasi. Tinogona kuisa mipfudze nefetereza sezvo kudya kwevhu kwakanyudz­wa pasi nekuyeredz­wa nemvura yakawanda, tadaro todyara bhinzi dzedu,” vanodaro.

Vanoti panozosvik­a mwedzi waChivabvu varimi vanodyara bhinzi parizvino vanenge vave kutokohwa. “Nenzira iyi tinenge tichiita yatinoti crop-rotation (kuchinjani­sa zvirimwa mumunda) zvinosimbi­sa ivhu redu muminda,” vanodaro VaChabikwa.

Vanoti bhinzi chirimwa chakangofa­nana nezvimwe nekudaro chinoda kusakurirw­a zvakanaka uyewo nekuiswa mishonga yekuuraya tumbuyu kuti chiite zvakanaka.

“Tine bhinzi dzemuchiri­mo nedzemuzhi­zha saka varimi vedu ngavashand­e pamwe chete nevarimisi nenyanzvi dzinoona nezvezvirw­ere zvezvirimw­a,” vanodaro VaChabikwa.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe