Kwayedza

Lovelle odzungaira naPerez

- Abel Ndooka

MUMIRIRI waLucas Perez svondo rino akasandura mashoko aakataura ekuti mutambi wake anoda kubva kuArsenal, achiti anoda chaizvo kubudirira kuNorth London.

Rodrigo Fernandez Lovelle akataura nemusi weMuvhuro svondo rino kuti mutambi wake - uyo ane makore 28 okuberekwa - ari kuda kubva kuNorth London nekuchimbi­dza zvichiteve­ra kutatarika kwaange achiita kuEmirates.

Perez aimbotambi­ra Deportivo La Coruna uye akauya kuArsenal mwaka uno paakatengw­a nemari inosvika £17.1 miriyoni. Asi, angokwanis­a kutambira chikwata ichi ka19 mumitambo yose uye ari pasi chaipo pevatambi vanotamba muchikwata ichi.

Izvi ndizvo zvakatuma Lovelle kuudza Calcio Mercato bepanhau rekuItaly kuti, “Honai chokwadi ndechekuti Lucas anoda kubva kuArsenal chero zviite sei uye haasi kufara kuchikwata ichi. Haana kugadzikan­a uye haana kumbowanis­wa mukana wakakura wekutamba kuti arakidze zvaanoita.”

Asi achitaura neSportsma­il, Lovelle akati mutambi uyu ari kuda chaizvo kubudirira kuchikwata chemuPremi­er League ichi.

“Lucas ane kondirakit­i neArsenal, anoda kubudirira ikoko sezvinongo­diwa nemutambi wose.

“Kana mutambi asingatamb­e haafare, asi tinoziva kuti izvi zvakaoma. Ane kondirakit­i yakareba,” akadaro.

Perez ari kudiwa nechimwe chikwata chemuPremi­er League Everton uye neAC Milan yekuItaly.

Chizvarwa chekuSpain ichi chakanwisa apo Arsenal yakasangan­a neSutton United mumutambo weFA Cup svondo rino nemusi weMuvhuro. Anogona kutambira Arsenal apo ichasangan­a neLiverpoo­l kuAnfield musi weMugovera mumutambo wePremier League. - Daily Mail Football.

 ??  ??
 ??  ?? Lucas Perez
Lucas Perez

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe