Kwayedza

Bhora Mutambo

- Abel Ndooka

CHIKWATA chenhabvu cheYadah Stars FC icho chakapinda muPremier Soccer League mwaka uno chinoti chinoda kurakidza kuti juju haishande munyaya dzenhabvu sezvinofun­gwa nevamwe asi kuti simba raMwari.

Yadah Stars inotungami­rirwa naProphet Walter Magaya vePropheti­c Healing and Deliveranc­e Ministries uye yakapinda muPremier League mushure mekunge yakahwina kuZifa Eastern Region Division One League.

Achitaura neKwayedza svondo radarika - chamangwiz­a weYadah Stars - Admire Mango anoti chikwata chavo chakapinda muPremier League kuzohwina chete uye nekurakidz­a nyika yese kuti juju haishande munhabvu.

Mango anoti kune zvimwe zvikwata zvinoshand­isa juju zvichifung­a kuti ndiyo inohwinisa munhabvu.

“Mutungamir­i wedu - Prophet Magaya - vanogara vachitaura kuti musavhundu­ke zvikwata zvinoita zvemushong­a nekuti isu tine zodzo yakasimba inobva kuna Mwari saka tichakunda mumitambo yedu.

“Zviriko zvikwata zvinobata juju zvichifung­a kuti zvinenge zvichigona, manje gore rino vairasa, Yadah Stars yauya nezodzo uye nesimba raMwari. Tiri kuhwina mukombe weligi mumwaka wedu wekutanga,” anodaro Mango.

Anoenderer­a mberi achiti panguva iyo Yadah yaimbove yakabatana neGunners ichiri kunzi Yadah Gunners paive nevamwe vatambi vaitotaura vega kuti havakwanis­e kutamba nhabvu vasina kumbobata-bata juju.

“Tichiri kuGunners paitove nevamwe vatambi vaito- buda pachena kuti havakwanis­e kutamba nhabvu vasina kumbobata juju. Isu takazopesa­na navo nekuti hatidi kuzvinzwa. Vamwe vacho taiuya navo kuna Prophet Magaya vonamatirw­a wotozovaon­a vachitamba nhabvu inodakadza vapihwa zodzo,” anodaro Mango.

Gore radarika, apo Yadah Stars yaikwikwid­za muEastern Region Division One, aimbove murairidzi wechikwata ichi - Kuda Masaraure - akati mafuta eanointing oil ndiwo akavabatsi ra kuvhiringi­dza matambiro ezvimwe zvikwata zvavaitamb­a nazvo zvakaita kuti vahwine mukombe pamwe nekupinda muPSL.

“Ndinoranga­rira ndichitaur­a nguva pfupi yadarika ndichiti isu tinoshandi­sa anointing oil uye ndiyo ichatibats­ira kuhwina vanhu vakatiseka.

“Kana anointing oil ichirapa kuti vanhu vafambe uye kuti vaone chii chingaitad­zise kutihwinis­a mitambo yedu? Ndaizviziv­a kuti tichahwina mukombe uyu nekuti zvainge zvakaporof­itwa nababa vedu Prophet Magaya pakutanga kuti tichakunda negoal-difference uye ndizvo zvabva zvaitika,” akadaro Masaraure.

Zvakadaro, apo zvikwata zvizhinji zviri mushishi kuita gadzirio yekutanga kwemwaka mutsva wePSL, Yadah Stars inoti iri kunanga kuSouth Africa uko inotarisir­a kunotamba mitambo yehushamwa­ri nezvikwata zveko zvitatu zvinoti Mamelodi Sundowns iyo inotambirw­a naKhama Billiat, Kaizer Chiefs yaWillard Katsande uye neBidvest Wits.

Mango anoti kutamba nezvikwata izvi kunorakidz­a kuti vari kuda chaizvo kugadzirir­a kuenda padanho repamusoro munyaya dzekutamba nhabvu muno.

“Tiri kutarisira kuenda kuSouth Africa masvondo anotevera kunoita gadziriro dzedu dzemwaka mutsva wedu wekutanga tiri muPremier League.

“Tine vari kutironger­a mitambo yehushamwa­ri mitatu nezvikwata zvinoti Mamelodi Sundowns, Kaizer Chiefs neBidvest Wits. Mitambo iyi ichatibats­ira chaizvo mugadzirir­o dzemwaka wa2017 watatarisa­na nawo muPSL,” anodaro Mango VAVERENGI vanotsigir­a nhabvu, tinoda kuti mufembere, mutiudze kuti mitambo miviri iriko pakupera kwesvondo rino yeZimbabwe National Army Charity Shield Tournament pakati peDynamos FC neCAPS UNITED (muHarare neSvondo ) neweHighla­nders neFC Platinum (kuBulawayo neSvondo) ichapera sei.

Tumirai zvamunofun­ga pa: 0714 200 007.

*** Hezvinoi zvakatumir­wa nevamwe vaverengi pamusoro pemitambo miviri yaiveko svondo rapera, weCAF Champions League pakati peCAPS UNITED neLioli yekuLesoth­o (muHarare neSvondo) neweCAF Confederat­ions Cup pakati peNgezi Platinum nePamplemo­usse FC yekuMaurit­ius (muHarare neMugovera).

Evaristo Gomba, Old Tafara - CAPS UNITED 2 Lioli 0,

Ngezi 2 Pamplemous­se 1.

***

Josiah Magozore - Ngezi 1 Pamplemous­se 0. 1

***

Peter Zheke - CAPS UNITED 2 Lioli 0.

***

Promise Chiweza, Mbare - CAPS UNITED 2 Lioli 0.

*** Shepherd Manyange, Zisuporter reBosso - Kepe-kepe 1 Lioli 0,

Ngezi Platinum 2 Pamplemous­se FC 1. ***

0779 601 190 - CAPS UNITED inohwinha 2 Lioli 0, Platinum 0 Pamplemous­se 0. ***

Sebhe - CAPS UNITED 2 Lioli 1.

*** Richard Jonasi, Southlea Park, Harare - Kepe-kepe 2 Lioli 0,

Ngezi 1 Pamplemous­se 0.

***

B. Mashanga - CAPS UNITED 2 Lioli 1. ***

T. Mtudza - CAPS UNITED 2 Lioli 0,

Ngezi 2 Pamplemous­se FC 0. ***

0737 567 340 - Ngezi FC 1 Pamplemous­se FC 0. CAPS UNITED FC 2 Lioli FC 1.

*** Katsvairo wePlatinum - CAPS UNITED 2 Lioli 0, Ngezi 1 Pamplemous­se 0.

***

Z. Chivasa, 0773 886 413 – Ngezi 2 Pamplemous­se 1, CAPS UNITED 3 Lioli 2.

***

Mai Tricia, Chi-town - CAPS UNITED 3 Lioli FC 1.

*** Augustino Chikumbiro, Masvingo - CAPS UNITED 1 Lioli FC 0. ***

Z. Chivasa - Ngezi 2 Pamplemous­se 1,

CAPS 3 Lioli 2.

***

N. Moyo - CAPS UNITED 2 Lioli 4,

Ngezi 3 Pamplemous­se 1.

*** Isiah Ranganayi - CAPS 2 Lioli 0.

*** Tazvitya Turf - Ngezi Platinum 2 Pamplemous­se 1.

Mafevhuke, Karoi - CAPS UNITED 3 Lioli FC 1,

Ngezi 2 Pamplemous­se 1.

***

0772 472 479 - CAPS UNITED FC 3 Lioli FC 1,

Ngezi Platinum 2 Pamplemous­se FC 0. *** Tawanda Tiyaenda kuGlendale - CAPS UNITED 1 Lioli FC 0.

 ??  ?? Prophet Walter Magaya
Prophet Walter Magaya
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe