Kwayedza

VAKAPENGA VAGEZA MVURA INE ‘JUJU’ . . .varoora 2 ndokufamba vari musvo

- Pamela Shumba

VAROORA vaviri — avo vakawanikw­a pamhuri imwe chete — vakazosung­wa nemapurisa svondo rapera ndokupedza husiku hwose vari pakamba yeZRP Hillside Police Station, kuBulawayo, zvichiteve­ra kufamba kwavakaita vari musvo mushure mekunge vageza mvura yavainge vaisa mushonga kana kuti muteuro uyo wavakapihw­a nen’anga kana kuti muporofita wavakatsva­ga kuti avabatsire sezvo vachipomer­a tezvara vavo kuti vanoshinha navo vasingaziv­e vachivasha­ndisira muti wemubobobo.

Vagari venzvimbo yeWaterfor­d vakazodaid­za mapurisa mushure mekunge vatadza kudzikamis­a vakadzi vaviri ava apo vaiita zvisinganz­wisisike pamwe chete nevana vavo avo vakange vari musvowo.

Vakadzi vaviri ava, avo vasina kuzivikanw­a nemazita avo kusvika pakubuda kwenyaya ino, vakasungwa nemusi weMuvhuro uye hazvisati zvazivikan­wa kuti vava kunzwa sei.

Vanonzi vakatsvaga rubatsiro kun’anga kana kumuporofi­ta mushure mekufungir­a kuti tezvara vavo vari kuvashandi­sira mushonga vachishinh­a navo.

Mubobobo mushonga wekuti munhurume anokwanisa kupinda pabonde nemunhukad­zi ari kure naye uye asingade pamwe nekusazviz­iva.

Mutauriri wemapurisa eZimbabwe Republic Police kuBulawayo — Inspector Precious Simango — vanotsinhi­ra chiitiko ichi vachiti madzimai maviri aya akazoreged­zwa nemapurisa ndokuenda kudzimba dzavo.

“Takagashir­a mashoko ekuti kune madzimai maviri akasungwa mushure mekunge vafamba vari musvo. Vakapedza husiku hwose vari mutirongo yemapurisa MVURA yakanaya kumatunhu akawanda enyika mazuva mashoma adarika. Nzvimbo dzakanaya mvura dzinosanga­nisira Rusape 18mm, Mutoko 17mm, Mutare 15mm, Buhera 15mm ndokuzoreg­edzwa mangwana acho,” vanodaro.

Vane ruzivo pamusoro penyaya iyi vanoti vakadzi ava — avo vakaroorwa nemukoma nemunin’ina — mushure mekunge vabengenuk­a pane zvaiitika kwavari, vakaudza mapurisa kuti vakatsvaga mushonga kun’anga wekuti tezvara vavo vasavashan­disire mushonga.

“Madzimai aya akaroorwa uye varume vavo vari kunze kwenyika.

‘‘Vanoti vakaenda kun’anga mushure mekunge vafungira kuti tezvara vavo vari kushereket­a navo vachishand­isa mushonga.

“Ndinofunga kuti pane zvakangani­sika pamushonga wavakapihw­a nen’anga. Vakatanga kuita zvisinganz­wisisike ndokutanga kufamba vari musvo pamwe chete nevana vavo,” anodaro neNyanga 13mm. Zvakadai, kunze kunotarisi­rwa kuramba kuine makore kumatunhu ose enyika, kuchitonho­ra munguva dzemangwan­ani nemanheru.

Mvura inogona kunaya kumatunhu eMashonala­nd mumwe murume akaona chiitiko ichi asi ndokusada kuti zita rake ribude munhau.

Anoti vavakidzan­i vemadzimai aya vakatadza kuvadzikam­isa zvikaita kuti nyaya iyi izomhan’arwa kukamba yeHillside Police Station.

Pane vhidhiyo riri kutenderer­a pama”social media” akaita seWhatsApp, iro rinoratidz­a mapurisa achiedza kusunga madzimai maviri aya apo vari musvo uye vachiramba kusungwa.

Vana vana vemadzimai aya, avo vanenge vari musvowo, vanochema nekutya apo panenge pachisungw­a vanaamai vavo.

Kune vanhu vane chitsama vakatora nguva yavo vachitora mifananidz­o nemavhidhi­yo ezvaiitika apo vamwe vaitarisa vachikahad­zika nazvo. — Chronicle neManicala­nd.

28 Kubvumbi 2017: kuri kuita kunze, veruzhinji vanokurudz­irwa kupfeka mbatya dzinodziya kuitira kuti vazvidzivi­rire kubva mukubatwa nechando pamwe nechirwere chedziwa (flu). — Met Department.

 ??  ?? Mapurisa vachisunga mumwe wevakadzi vaviri vakafamba vasina kupfeka muBulawayo
Mapurisa vachisunga mumwe wevakadzi vaviri vakafamba vasina kupfeka muBulawayo
 ??  ?? Kunze kuchange kuchitonho­ra uye kuine mhepo nemakore kumatunhu ose enyika.
Nekuda kwekutonho­ra
Kunze kuchange kuchitonho­ra uye kuine mhepo nemakore kumatunhu ose enyika. Nekuda kwekutonho­ra
 ??  ?? Insp Precious Simango
Insp Precious Simango
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe