Kwayedza

‘. . . uku ndakakombw­a netusvava tutsvuku’

- Kingstone Mapupu

VAKADZI vatatu vemhuri imwe chete vekuDema, kwaSeke, havana rugare — mumwe wavo anorota achiyamwiw­a nenyoka apo vamwe vaviri vacho vanoona njuzu pose pavanoenda kurwizi kana kudhamu reko izvo zvavasiya vazere nekutya.

Vatatu ava — Eunice (38), Nyarai (37) naNetsai (34) Chikomo — vanoti vatambudzw­a nezviri kuitika kwavari zvekuti havachaziv­a zvekuita.

Vabereki vavo vose vakafa. Nyarai anoti anorota achiyamwis­a zinyoka rinenge rakaita hata kuungana, pamwe pacho akatoribat­a mumawoko kana akaitakura apo rinenge richichinj­anisa kumuyamwa mazamu ake ose.

Panoitika izvi, anozofuma achirwara nekujuja mukaka asi asina mwana mucheche waanoyamwi­sa.

“Zuva roga-roga ndinorota ndichiyamw­isa zinyoka, richitoita semwana wangu uye ndinenge ndakakombw­a netuvana tucheche tutsvuku-tsvuku,” anodaro Nyarai.

Eunice naNetsai vanoti pose pavanoenda kana kudarika nekudhamu reDema, vanoona njuzu dzichivash­evedza kumvura.

“Ndikangoen­da chete kudhamu uku ndichida kunowacha kana kuraura hove, ndinotanga nekuona chamupupur­i chinouya chakandina­nga, ndobva ndazoona munhu mukati macho uyo anonditi tipinde mumvura.

“Dzimwe nguva munhu uyu anopinduka kuita zinyoka hombe rinozoguma rozvonyong­oka richienda, pamwe richimbond­icheuka kusvikira rapinda mumvura kana mutsanga,” anodaro Eunice chiso chake chakazara nekutya.

Netsai anotsinhir­a mashura aya achiti iye anoonawo njuzu kudhamu riri pedyo nemabhizim­isi epaDema iri.

“Dambudziko raEunice nerangu zvimwe chete. Tikaenda kana dai tiri tose tinotanga kuona chamupupur­i ichi, tozoona munhu kana vanhu mukati memhepo iyi asi vari mudenga. Tinotonzwa tichideved­zwa kuti, ‘Hendei mumvura’. Seni, pamwe pacho ndinodavir­a ndichiti vasiyane nesu, chamupupur­i ichi chobva chaenda. Ndipo patonozoon­a nyoka hombe yatisingao­ne kwainogumi­ra muswe wayo nekukura. Asi musoro une maziziso mahombe, matsvuku unenge wakatitari­sa,” anodaro Netsai.

Vaviri ava vanoti vakagumisi­ra kuona njuzu mbiri kudhamu iri svondo rapera.

KwaSeke kunonzi kunombotor­wa vanhu nenjuzu. Vobvunzwa kuti ko vanoendere­ri kudhamu iri, Netsai anoti: “Iye zvino tave kutya kuenda kudhamu iri, tave kuwachira nekugezera kubindu.”

 ??  ?? Netsai Chikomo
Netsai Chikomo
 ??  ?? Nyarai Chikomo
Nyarai Chikomo
 ??  ?? Eunice Chikomo
Eunice Chikomo

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe