Kwayedza

‘Vaida kusvina hura hwechitunh­a’

- Kingstone Mapupu

PARUFU rwemumwe murume wekuEpwort­h, muHarare, pakamuka chimoto mushure mekunge hama dzake dzatora chitunha nechisimba kubva kumudzimai wake, uyo anonzi aida kuti murume wake avigwe pachiteved­zwa tsika yechechi yaange opinda — kusanganis­ira kuti chitunha chisvinwe hura pagozobikw­a sadaka.

Mutumbi unonzi wakakonzer­a mutauro uyu ndewaTaona Makaya (43), uyo aigara panhamba R3025 kuOverspil­l, uye akashaika nguva pfupi yadarika mushure mekurwara.

Zvinonzi hama dzemushaka­bvu dzaida kuti mushakabvu avigwe pachiteved­zwa zvinoitwa muchechi yaaimbopin­da kare, yeRoman Catholic, asi mudzimai wake aida kuti kutevedzwe chitendero chechiChaw­a, uko ange onamata kusvika paazoshaik­a.

Mudzimai wemushakab­vu, Saina Chimenya ( 38), anoti mushure mekunge murume wake ashaika, pakazomuka kusawirira­na pakati pake nehama dzemurume wake avo vaanoti vakazobvut­a mutumbi ndokuenda nawo kumusha kwavo uko vakanouvig­a iye nevana vake vasipo.

“Baba vakarwara neTB tikamboedz­a kuvarapisa apo hama dzavo dzaisauya kuzovaona kana kubatsira mukuvarapi­sa. Vachiri vapenyu, havaienda kumusha uyewo vakataura kuti vaida kuvigwa kuno kuHarare.

“Vazofa kudaro, takaendesa mutumbi wavo kumochari ndokuzounz­wa pano pamba kwenguva diki nehama dzavo vachibva vatakura chitunha kuenda nacho kumusha ini nevana nehama dzangu tikasara takangoyev­a,” anodaro mudzimai uyu.

Mai Chimenya vanoti havazive kuti chitunha chemurume wavo chakanovig­wa kupi.

“Chishamiso chaicho, nekuti ini ndini ndaigara ndichipepa murume

◆ wangu pakurwara kwake. Vana vedu, vabereki vangu nevechechi yaange opinda — yeIslamic — tose takasiiwa.

“Mhuri yekwaMakay­a yakatora chitunha chemurume wangu ndokunochi­viga voga.”

Mutumbi uyu unonzi wakaendwa nawo pakati pehusiku, uye vanongonzw­a kuti wakanovigw­a kumusha kuBikita.

Mai Chimenya vanoti amai vemufi, Mai Bibian Deke (70), vaivapo pakashaika mwana wavo. Vanonzi ndivo vakazivisa vehukama vanosangan­isira babamudiki vemufi, VaPias Makaya, nemunin’ina wemushakab­vu Nyasha Makaya pamwe chete naMartin Makaya nehanzvadz­i yake — Rudo Makaya — nezverufu.

“Amai vakatanga kuronga izvi vasina kumbotaura neni apo vehukama vakazounga­na. Ndaivanzwa vachiti ndini ndauraya murume wangu vachitizve ini ndinonwa mapiritsi echirwere muchivande,” vanodaro Mai Chimenya. Vanotizve pakuzonoto­ra mutumbi wemurume wavo, hama dzake dzakaenda dzoga apo vakasvikop­inza mutumbi uyu mumba kuEpworth, ukangogara nguva gadarike maminetsi gumi.

“Vakangoron­ga mota dzavo dzaidar vachipanan­a mekupinda. Ini nehanzv dzangu nevana nemasahwir­a angu

 ??  ?? Saina Chimenya
Saina Chimenya
 ??  ?? Saina Chimenya aine murume wake mushakabvu, Taona Makaya
Saina Chimenya aine murume wake mushakabvu, Taona Makaya

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe