Kwayedza

Mushandi unokosha!

-

ZIMBABWE nemusi weMuvhuro, 1 Chivabvu, ichabatana nedzimwe nyika pasi rose mukupember­era zuva revashandi, rinodaidzw­a kuti Internatio­nal Workers Day kana Labours Day — zuva revashandi.

Zuva iri rakakosha zvikuru sezvo riri iro rinocherec­hedzwa kukosha kwemushand­i. MuZimbabwe, zuva iri rinocherec­hedzwa kuburikidz­a nenzira dzakasiyan­a idzo dzinosanga­nisira magungano anoitwa nevashandi kumatunhu mana enyika apo panenge paine zviitiko zvakasiyan­a.

Izvi zvinoratid­za kuti mushandi munhu akakosha zvikuru mubudiriro yenyika. MuZimbabwe, munhu wose — kubvira kumutungam­iriri wenyika President Mugabe kusvika kuna ani zvake, ehe newewo — tose tiri vashandi uye hapana asina kukosha. Chakasiyan­a bedzi mabasa atinoita kuti nyika yedu ifambire mberi. Nekudaro zvakakosha kuti pave nekuzvipir­a mukusimudz­ira nyika yedu pachezvedu. Hakuna anotiitira kunze kwedu isu vashandi. Tose! Mushandi hazvireve munhu anoshandir­a kambani, Hurumende kana mamwe masangano akazvimiri­ra chete.

Munhu anozvishan­dira zvakaita sekuhodha zvinhu achitenges­a mushandi. Iwewe mukadzi unosara kumba uchichenge­ta mhuri murume aenda kubasa uri mushandi. Mwana wechikoro anotoshand­a kuti abudirire, hwindi, mufudzi wemombe, murimi, makorokoza kumigodhi uko, mashefu mumakamban­i nemuHurume­nde, vanotsvair­a nekutakura marara nemi mose — tose tiri vashandi. Mabasa atinoita, kunze kwekuraram­isa mhuri, tinenge tichisimud­zira nyika yedu zvisinei kuti vazhinji havazvione nenzira iyi. Kurima — uko kunova musimboti weupfumi hweZimbabw­e – kwakakosha. Kusunza kwenyika kunodzoser­awo budiriro kumashure.

Semwaka uno, varimi vanofanira kurumbidzw­a zvikuru nekushanda kavaita kusvika pari zvino mukurima pasi pechirongw­a cheCommand Agricultur­e, izvo zvaona nyika ichiwana goho guru.

Kusimukira kwechikamu chezvekuri­ma zvinorevaw­o budiriro munyaya dzeupfumi sezvo maindasiti­ri akawanda achishandi­sa zvigadzirw­a zvinobva mukurima. Nekudaro zvakakosha kuti munhu pose paari aone kuti zvaari kuita ari kusimudzir­a nyika here kana kuti kwete.

Tinodaro nekuti kune vamwe vashandi vari muHurumend­e kana vanoshandi­ra makambani akazvimiri­ra, avo vanopedzis­ira voita huwori.

Kuita huwori imhosva uye hwagara kwakaipa sezvo huchidzose­ra shure budiriro. Kana vanhu vakave nechiono chimwe chete chekushand­ira nyika yavo nesimba pamwe nekuzvipir­a, panove nebudiriro huru.

Kune vamwe vanogara vachichema-chema vachiti mabasa haazi kuwanikwa nyore mazuva ano nekuda kwemamirir­o akaita nyaya dzeupfumi hwenyika vachikanga­nwa kuti munhu anogona kuzvishand­ira akatopinza vamwe vanhu mabasa. Vanhu vemuZimbab­we vanozivika­nwa nekushanda nesimba pasi rose izvo zvaona vachitekes­hera kunyika dzakawanda. Ndokupi kusina mwana weZimbabwe anoshanda? Zvizvarwa zvemunyika ino zvinoshand­ira kunze vamwe vacho vane zvigaro zvepamusor­o nekuda kwekushand­a nesimba. Nekudaro hatione paine chinokones­a kuti vanhu vabatane mukusimudz­ira nyika yavo. Kunyangwe vashandi vari kunze kwenyika vari kubatsiraw­o zvakare mubudiriro yeZimbabwe nekuti vanotumira mari kuhama neshamwari dziri muno munyika.

Mushakabvu System Tazvida akagona paakaimba kuti, “Mushandi ndimambo”. Unokosha iwe mushandi. Pauri ipapo!

Tinokushuv­irai zororo revashandi rakanaka.

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe