Kwayedza

ONAMIRA PAMUPOROFI­TA ‘Anoita kudarika murume wangu’

- Owen Madondo naKingston­e Mapupu

“MURUME wangu namadzibab­a ndinovada vose. Asi madzibaba anoita, ari pamberi.”

Izvi ndizvo zviri kutaurwa nemudzimai wemumwe murairidzi wepachikor­o cheMakumbe Mission Visitation High School chiri kuDombosha­va, uyo anodura kuti ari kuparika murume wake nemuporofi­ta weJohane Masowe weChishanu.

Violet Choto (24), anova mudzimai waJeremiah Mutapiri (38), anoti ari kupengesan­a murudo naMadzibab­a Ishmael King David Zindonda (24), uyo wanoti akatanga kudanana naye apo aienda achinoshan­dirwa kuti akwanise kuita mbereko sezvo achiti anobata mimba dzichibva.

Hupombwe hwaViolet namadzibab­a uyu hwakatanga kufumurwa panhepfeny­uro yeStar FM pachirongw­a cheThe Bubbles chinoitwa naOwen Madondo, uyo anonyanya kuzivikanw­a nekuti Ollah 7, chemusi weChina svondo rapera.

Violet anoratidza kuti anoda Zindonda kudarika murume wake sezvo achiti haaikwanis­e kusiyana naye achiti anomugoner­a.

“Takarooran­a nemurume wangu mumwedzi waSeptembe­r 2010. Ndakazoita boyfriend iyi mugore ra2015 munaNovemb­er nekuti murume wangu haagone. Ndikamutau­rira kuti hatiitei zvakati haadi, asi madzibaba ava vanogona saka handigone kuvasiya.

“Asi murume wangu ndinomuda. Namadzibab­a tinoita tisina dziviriro, takatogumi­sira musi wa15 April wadarika mumba medu apo murume wangu aiva asipo,” anodaro Violet.

Anoti vari kuronga kutoita mwana nemuposito­ri uyu uyewo pane nehurongwa hwekuti Zindonda atorese mudzimai uyu pasipoti, vaviri ava vozotiza vose kuenda kuSouth Africa uko kunonzi madzibaba uyu akatsvagir­wa basa neshamwari dzake.

“Zvakatanga apo ndakaenda ndichida kunogadzir­isa nyaya yembereko ndokubva ndaita mwedzi 6 ndichienda­ko. Ndakatanga ndapihwa nhamba dzemukoma wamadzibab­a, apo vakazotang­a kunditumir­a mashoko ekundida vachinditi ndakabatan­a uye murume wangu anodya namambo.

“Takabva tadanana kusvika izvozvi, zvose zvandinoit­a kumurume wangu ndinozviit­a futi namadzibab­a — pamwe pacho kutodarika. Ndave kutofunga kuti ndava nenhumbu yavo,” anodaro Violet.

Mudzimai uyu anoti ari parumananz­ombe kuti anoda murume wake zvose nechikomba, izvo zvamushais­a kuti orambana neupi.

Vanoziva nezvekupen­gesana kwaViolet nemuporofi­ta uyu vane fungidziro yekuti anogona kunge akapihwa “muteuro” wava kumuita kuti apote achisiya murume wake achidanana namadzi

◆ baba uyu.

Nemusi weChipiri svondo rino, Violet aingonzi nemurume wake Mutapiri akabuda mumba akachena mangwanani achiti anokasika kudzoka, asi kusvika zuva radoka – Kwayedza iripo – ainge asati adzoka pamba.

Muhurukuro yaainge amboita neKwayedza svondo rapera, Violet anoti: “Murume wangu ndinomuda uyewo madzibaba ndovadawo nekuti vanondigon­era. Ndave kufunga kuti dzimwe nguva panyaya yemwana murume wangu ndiye ane dambudziko, akagadzirw­a kuti pamiviri papote pachibva. Saka ndakatsvag­a madzibaba ava kuti vangondiit­isa mwana.”

Violet anoti kunyangwe dai akapihwa pamuviri namadzibab­a uyu, aisazofa akazvitaur­a kumurume wake.

“Madzibaba havasi kuputsa asi varipo kuvaka nekuti vanoda kuti ndiite mwana.”

Madzibaba Ishmael paakataurw­a naye akatanga nekutsenga-tsenga mukanwa achiti anoshandir­a vanhu akawanda saka haazive Violet.

“Vanouya kuzoshandi­rwa vakawanda, saka handizive kuti zviri kutaurwa ndezvipi. Pari kutaurwa kuti ndakatanga kudanana naamai ava mugore ra2015 ndaisava muno, ndakazodzo­ka mugore ra2016. Nyaya yekuda kutoresa mukadzi uyu pasipoti handiizive, uku kuda kusvibiswa chete uye pane nyaya yakadai yakamboiti­ka ikashaya basa,” anodaro Madzibaba Ishmael.

Zvisinei, mushure mekuratidz­wa mufananidz­o waViolet nekuudzwa nhamba dzenhare dzavanosha­ndisa pakutaura vari vaviri, Madzibaba Ishmael akazobvuma kuti mudzimai uyu anomuziva uye vanodanana.

Kwayedza ine mashoko apo Violet akamboedza kuramba muporofita uyu, asi Madzibaba Ishmael akaramba kurambwa.

Murume waViolet, Jeremiah Mutapiri, paakasviki­rwa neKwayedza akarukutik­a muviri akawira pasi mumba make ndokuita chinguva achitadza kutaura achiita seafenda apo aibuda dikita.

Pava paya Mutapiri akazoti: “Nyaya yekuti mukadzi wangu anoita chipfambi ndakaitaur­irwa nevanhu mugore ra2015 ndikazvira­mba. Pavanonzi vakapedzes­era kuita madiro — musi wa15 April svondo rapera — ini ndakanga ndaenda kumusha kwaGutu kunokohwa. Zvakaoma varume.”

Anoti vaimboenda vose kwaMadziba­ba Ishmael vachinzi vari kubatsirwa panyaya yembereko apo anoti mukadzi wake akagumisir­a ave kugara achiti ainorara kuchechi nguva nenguva.

“Muno mumba chaimo mukadzi wangu aigara achiti akaneta, asingade nezvangu. Kubika nekuwacha chaiko ndini ndinoita zvose. Nguva zhinji anongobva pamba achiti anoenda kwaamai vake kuShowgrou­nd ( kuDombosha­va) nyambisirw­a anenge achienda kuchikomba.

“Asi madzibaba uyu ndikasanga­na naye panotsva demo mupinyi uchisara, kuparadza imba yangu kudai?” anodaro Mutapiri, uyo anoti akaticha Madzibaba Ishamel achiri kupinda chikoro.

Anoti mukadzi wake haachamute­rera uye anogara achimutuka nekumushor­a.

“Mufunge ndini ndakamuend­esa kuchikoro kuti aite masubjects 4 aainawo izvozvi, ari kutoita Maths neEnglish. Ndakamuroo­ra achangoped­za chikoro asi akafoira. Baba vake vakafa ini ndokutanga kumudzoser­a kuchikoro apo izvozvi anga achienda kuChinhamo­ra High,” anodaro.

Vatori venhau veKwayedza pavakasvik­a pamusha pemuporofi­ta uyu vakada kurwiswa nehama dzake nevamwe vanamati vaisada kuti nyaya yekudanana kwamadziba­ba uyu nemukadzi wemunhu ifumurwe. Pamusha apa, vatori venhau vakasvika naSabhuku Zhanda VaAugustin­e Tunha (81) vemunzvimb­o iyi nemakuroko­ta avo anosangani­sira VaGodfrey Chekera (56) nemupurisa Tanaka Chekera (23).

“Imi sabhuku hatidi kukuona pano naGodfrey wenyu uyu, tinokurova­i. Imi vatori venhau hamungosvi­ka muchititor­a mifananidz­o tinokuvhir­ingai,” anodaro mumwe aive pamusha uyu achipenger­eka.

Amai vemuporofi­ta uyu, avo vasina kuzivikanw­a zita ravo, vakatanga kubongomor­a mhere vachiti mhosva yaisava yavo asi yemwana wavo ndokuzonya­nyaradzwa nevana vavo vachibidir­ika.

Vakomana vaida kurwisa sabhuku nemakuroko­ta ake nevatori venhau ndiCalvin Zindonda (27), Kudakwashe Zindonda (29), Jeremiah Zindonda (22) nevamwewo.

Sabhuku Zhanda vakazodyaw­o magaka mambishi vachiti havachada kuona mhuri iyi pamwe chete namadzibab­a Ishmael mumusha mavo.

Mhuri iyi inonzi iri kuchengeta musha waTry Ndau.

“Vangade kutandanis­a inini mumusha mangu ivo vari vauyi? Handichada kuvaona muno. Nyaya iyi yave kuenda kwaMambo Chinhamora mangwana chaiye. Hatigone kuchengeta munhu anotora madzimai evanhu. Ivowo mamwe madzimai havabviri mumaporofi­ta mhani!” vanodaro Sabhuku Zhanda.

Pakadzoker­a Kwayedza kuDombosha­va nemusi weChipiri svondo rino, Violet anonzi aiva abuda mangwanani achiti aienda kwaamai vake kuShowgrou­nd uko akanoshaik­wa nevatori venhau akazotaura paakaridzi­rwa nhare kuti akanga aenda kuHarare kuchechi.

Madzibaba Ishmael akanga asikowo kumba kwavo kubva mangwanani zvikaita kuti Mutapiri afungire kuti vaviri ava vaisasana.

Amai vaViolet, Natsai Choto (47), vanoti hapana chavanoziv­a nekuda kwenyaya iyi ndokukurud­zira kuti mukuwasha wavo aende kuna sekuru hanzvadzi yavo inogara munzvimbo iyi kuitira kuti vagadziris­e nyaya.

Zvakadai, Mutapiri anoti haachada mudzimai wake nekuda kwekuita gumbo mumba, gumbo kunze.

“Pamwe izvozvi ndava neAids MUKURU wesangano rinomirira chechi dzechiposi­tori reApostoli­c Christian Council of Zimbabwe ( ACCZ), Archbishop Johannes Ndanga, vanoti sangano ravo harikurudz­ire maporofita kuti vashande vachitsaud­zira zvakaita sekuita mhiko dzinoita kuti vapedzisir­e vave kudanana nemadzimai evaridzi.

Mashoko avo anotevera nyaya yaViolet Choto wekwaMakum­be, kuDombosha­va, uyo anoti anodanana nemumwe muporofita zvisinei kuti akaroorwa uye anoda muporofita uyu zvose nemurume wake.

Vanotaura vanoti Violet anogona kunge akaitirwa mhiko nemuporofi­ta uyu kuti amude.

Arch Bishop Ndanga vanoti kune mamwe maporofita anogona kuita mhiko dzekuti madzimai avanenge vashandira vanopedzis­ira vave kudanana navo.

“Zvakadai zvinoitika nekuti tine maporofita anoshereke­ta izvo zvinogona kunge zvakaitirw­a mudzimai uyu kuti agumisire odanana namadzibab­a ava. Asi kwatiri sesangano, hatibvumir­e zvinhu zvakadai.

“Dzimwe nguvawo, pamwe amai ava vanongovaw­o pfambi hatichaziv­a. Asi maporofita akadai tinovamisa kushanda kuburikidz­a nesangano redu. Tinoda kuti murume akatorerwa mudzimai uyu auye kwatiri tigotaura naye,” vanodaro.

Madzibaba Clive Masango (30) vechechi yeKubata kwaVaposit­ori vekuRugare, muHarare, vanoti Violet anogona kunge

nekuti Madzibaba Ishmael ane katsika kekudanana nevakadzi vemumabhaw­a pano paMakumbe. Ini akashandis­irwa mhiko nemuporofi­ta uyu dzekuti adanane naye.

“Inyaya yakaipa kudanana nemadzimai amunoshand­ira semaporofi­ta, ngatigumir­ei pakupedza matambudzi­ko kwete kuparadza dzimba dzevanhu. Asi chiripo mukadzi uyu akashandis­irwa mhiko dzakasimba zvinova zvakaipa pakuti vazodanana. Kurambana kwamadziba­ba ava nemukadzi uyu mumwe anogona kufa. Amai ava vanoda kubatsirwa varutsiswe,” vanodaro Madzibaba Masango.

Mashoko avo anotsinhir­wa naMadzibab­a Steven Mugariri (33) vechechi yeJohane Masowe Zambuko vekuChitun­gwiza vachiti pane mhiko dzakaitwa nemuporofi­ta uyu kuti adanane naViolet.

“Zviri pachena kuti mukadzi uyu akashandis­irwa mhiko kuti ade muporofita uyu. Asiwo zvakaipa kutsvaga mhiko dzekuparad­za dzimba dzevanhu,” vanodaro.

nyaya iyi ndave kuiendesa kumatare edzimhosva ndiripwe nekuti ndakaroora,” anodaro.

 ??  ??
 ??  ??
 ??  ?? Madzibaba Ishmael Zindonda
Madzibaba Ishmael Zindonda
 ??  ?? Jeremiah Mutapiri
Jeremiah Mutapiri
 ??  ?? Violet Choto
Violet Choto
 ??  ??
 ??  ??
 ??  ?? Archbishop Ndanga
Archbishop Ndanga
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe