Kwayedza

‘WAKATOTENG­A MOMBE NEMARI YEMENDENEN­ZI’

- Lizzy Mushoriwa

SAMUSHA vekuendesw­a kudare neaimbova mukadzi wavo achida kuti mari yemendenen­zi yavari kubvisa iwedzerwe vakachema-chema vachiti mudzimai uyu haasi kuchengeta vana nemari iyi uye imwe yacho akatoishan­disa kutenga mombe yake.

Giften Nhamoyemar­i akataura mashoko aya mudare reHarare Civil Court mushure mekunge amhan’arirwa naBella Chivandire achida kuti mari yaanobhadh­ara ikwidzwe kubva pa$120 kusvika $300 pamwedzi.

Chivandire akaudza dare kuti anoda $300 yekuchenge­ta vana vavo vaviri vavakaita vose. “Ndinoda kuti andipe $300 yekuchenge­ta vana, kuvaendesa kuchikoro uye kudya nekupfeka. Ndinoda kuti mari yaanga achibhadha­ra iwedzerwe kubva pa$120,” akadaro Chivandire.

Nhamoyemar­i anoti mari inotaurwa naChivandi­re yakawandis­a uye anotokundi­kana kubhadhara $120 yakatarwa nedare kare.

“Changamire, ini mari iri kutaurwa naamai ava yakawanda, handiikwan­ise sezvo mazuva ano ndisiri kushanda. Ndiri kutokundik­ana kubhadhara $120 yandainge ndakatemer­wa nedare pakutanga,” akadaro.

Akaenderer­a mberi achiti Chivandire haasi kuchengeta vana nemari yaanomupa uye akatotenga mombe neimwe yemari iyi.

“Chinangwa chaamai ava handichazi­ve kuti chichiri chekuda kuchengeta vana nekuvaende­sa kuchikoro here. Vakatsakat­ikisa imwe mari yandainge ndavapa kuti vatsvagire mwana nzvimbo yechikoro izvo zvavasina kuita, kusvika izvozvi mwana haasati ave kuenda kuchikoro.

“Zvakare, vakatenga mombe neimwe mari yandakanga ndavapa iri yekuchenge­ta vana saka handichazi­ve kuti chinangwa chavo chekuti mari ikwidzwe ndechei,” anodaro Nhamoyemar­i.

Chivandire anopikisan­a nemashoko aya achiti mari yemwana yekuti aende kuchikoro akaichenge­ta uye mombe akatenga nemari yake.

“Changamire, zviri kutaurwa nababa ava kunyepa uye mombe ndakatenga nemari yangu isiri yavakandip­a. Mari yemwana yechikoro ndakacheng­eta, ndinayo asi kuti haisati yakwana,” akadaro.

Mutongi Muridzo akarasa chikumbiro chaChivand­ire achiti hapana umboo hwakazara hwekuti sei ari kuda kuti mari iyi iwedzerwe.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe