Kwayedza

‘Wakandimit­isa ndiri pachikoro’

- Lizzy Mushoriwa

MUSIKANA wekumitisw­a asati apedza chikoro akazopoter­a kudare redzimhosv­a achida kupihwa mari yekuchenge­ta mwana waakazobar­a.

Iye anoti anoda kuwana mukana wekunyora bvunzo dzake dzeO-Level.

L e twi n Ma gwa ro akamhan’arira Paidamoyo Mandimutsa kuHarare Civil Court achida mari yekuchenge­ta mwana wavakaita vose.

“Ndauya kuno kudare kuti ndibatsiri­kane pamwana wandakaita nababa ava. Pari zvino ndiri mubishi kugadzirir­a kuda kunyora bvunzo dzangu dzeO-Level idzo dzandakata­dza kunyora pavakandip­a pamuviri.

“Handina mukana wekutsvaga basa nekuti ndiri kuenda kuchikoro kuti ndizokwani­sa kunyora bvunzo uye kuti ndipase. Ndiri kuda $380 yekuririti­ra mwana watakaita tose uyo ava negore. Mari iyi ndeyekuten­ga zvipfeko nechikafu chemwana,” anodaro

Anoenderer­a mberi achiti: “Kubva pandakaita mwana uyu, baba vacho havaratidz­e kana hanya naye, chero kumutengaw­o hembe kana chikafu. Ndinoona sekuti dare ringandiba­tsira kana rikati atange kubhadhara nekuti zvekutauri­rana zvaramba. Mari yandataura iyi vanoikwani­sa nekuti vanoshanda uye vanowana $500 pamwedzi.”

Mandimutsa anopikisan­a nemashoko aMagwaro achiti mari yaanoda yakawandis­a.

“Mari yekuchenge­ta mwana ndinokwani­sa kuwana $35 nekuti pamwedzi ndinotambi­ra $150. Ndinoita zvekutenge­sa uye mari yangu ndinoiwana maerano nezvinhu zvandineng­e ndatengesa.

“Ndikatenge­rwawo zvishoma, mari inoita shoma. Pari zvino ndini ndiri kuchengeta amai vangu vane dambudziko rechirwere cheshuga.

‘‘ Mari imwe yacho iri kushanda kuvatenger­a mapiritsi nemishonga,” anodaro Mandimutsa.

Mutongi Manassa Masiiwa akati Mandimutsa abhadhare $70 pamwedzi yekuchenge­ta mwana wake.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe