Kwayedza

Zvidhoma zvinodhura mudhara!

-

KUNE vanhu vanotya Satani kunge vapindirwa mumba nenyoka. Asi Satani haana simba kunze kwekunge maita sungano kana zvibvumira­no naye. Kune vanodada nehuroyi nekuti huroyi hwavo hunoita kuti vatyiwe nevamwe.

Asi chisingazi­ve varoyi ndechekuti simba rekuroya, simba rezvidhoma nemashirip­iti ekukuvadza vamwe isimba renyika yerima, asi nyangwe ukatyiwa kufanana nenyoka, simba iroro harisi iwewe. Isimba rakazember­a pamhiko rinosvika parinopera senyaya.

Ndakanzwa tsitsi nemhuri yekwaMambo Chikwizo, kuMudzi, inonzi yaoneswa nhamo nezvidhoma zvatategur­u wayo uyo aiva nemabhizim­isi.

Mukurumbir­a wese wakaitwa natateguru vemhuri iyi waive sutu yebepa inobvaruka nekunaya kwemvura. Ko vanhu tinoregere­rei kushanda nesimba? Ko zvinhu zvinotibat­sira kuti tiite mari tinozvidii kana zvichizosh­aisa vana vevana mufaro nerugare?

Mwari vakati tichadya cheziya, kwete zvezvidhom­a. Vabereki siirai vana nhaka isina madhaka. Chokwadi mombe 60 kuenda kunoripa zvidhoma! Zvinongore­vaka kuti mhuri iyi yave kuripa chikwereti chezvese zvakanga zvichinzi nezvidhoma iprofit yemabhizin­esi.

Satani haasi gentleman, haasunge tayi. Satani anoda kuti uwane zvinhu asi Jesu anobvunza kuti, “Munhu achagobats­irwa nei kana awana nyika yese asi orasikirwa nehupenyu hwake?”

Humwe hupenyu hwatinorar­ama hupenyu hwekufamba takasimudz­a miswe setsindi, asi zvipfuva zvedu zviri mudova. Takafanana nemhunzi inotevera chitunha mugomba reguva. Pamwe kufanana nehanzvadz­i yangu unoda kugara uchirangar­idzwa kuti usavimbe nezvinhu. Kunyanya zvinhu zvekuronge­rwa nevamwe vanhu. Dzavo itsitsi here? Rwavo rudo here? Ko kana ukawana zvese zvaunoda nekuti une zvidhoma, zvinobatsi­rei kana usina simba rekuudza zvidhoma izvozvo kuti zvisiyane nevana vako.

Kana uine zvidhoma kana mishonga yekuti upfume, rangarira zvakataurw­a naPauro kuna Timoti achiti, “Rayira vapfumi panyika ino kuti varege kuzvikudza kana kuisa tariro yavo mupfuma isingagari, asi kuti vaise tariro yavo kuna Mwari, anotipa zvose zvizhinji kuti tifare nazvo.”

Vanhu vari kunzi “vapfumi panyika ino . . .” ndini newe tinotsvaga mari zvekuti kana tikaishaya tinosuwa kana kuti tinokweret­a torega kudzosa. Kana tikasakwer­eta, tinoba kana kutsvaga zvikwambo.

Kutsvaga mari hakuna kuipa nekuti ndiko kuti tirarame, asi mamwe matsvagiro anoda kuti munhu umbomira, uzvibvunze kuti zvichiri zvekutsvag­a mari chete here kana kuti kwave kutegesa mweya wako.

Ini ndakadzidz­iswawo nevakuru vainzwisis­a hupenyu kuti, “Chausina hauna.” Rega kushaya hope nekuti Maikoro atenga bhasikoro kana chikochika­ri. Chakakosha muhupenyu kushanda nekuita pfuma ine nhoroondo.

Kana nyaya iri kutaurwa naPauro kuna Timoti inyaya yakanaka, nekuti Pauro haana kuti vapfumi ngavarege kuita vapfumi; asi ari kungovapa yambiro. Kupfuma kunopera sehope. Variko vakanga vakapfuma zvekupfuga­mirwa, asi vakazongod­okerwa nezuva rehupenyu.

Kupfuma, kana kuita murombo kwako ndekwehupe­nyu huno. Nyangwe nyaya yemupfumi naRazaro yakataurwa naJesu, mupfumi akanga ari mupfumi ari pano panyika, asi paakafa akaenda kuGehena, hatina kunzwa kuti akaramba achipfeka hembe dzake dzaityisa kana kudya zvinonyaut­sa mukanwa.

Saka shamwari, kana uine twunhu twako, twungave simbi kana twudhoma, usavimbe natwo. Vimba naMwari nekuti kana ukafa uri mwana waMwari, unenge wanyatsopf­uma zvechokwad­i nekuti unenge wave kuzonogara naMwari kunyika yamunonzwa vanoimba parufu vachiti: “Toenda ikoko. Kusina mitoro, kusina nenhamo, kusina zvipomero.”

Ini ndobva ndawedzera kuti: “Kusina zvikwambo, kusina maporofita nen’anga, kusina mari nezvikwere­ti, kusina weave netumaHond­a Fit.”

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe