Kwayedza

Kanzuru itsva yematicha ‘TPC ichakoshes­a mabasa evadzidzis­i’

- Malven Mugadzikwa

ZVAKAKOSHA kuti bazi redzidzo yepuraimar­i nesekondar­i riongorore kuti mudzidzisi wose ari pachikoro haana kupinda basa nechikirib­i here uyewo varairidzi vanofanira kuve nechido nebasa ravo.

Mashoko aya akataurwa naDistrict Schools Inspector wemudunhu reNothern Central District muHarare, VaSolomon Mafukidze, pamusangan­o wavakaita nevakuru vezvikoro nevadzidzi­si paMt Pleasant High School, muHarare.

Musangano uyu waive nedonzvo rekuti vape mafungiro avo pamusoro pekanzuru ichaparurw­a iyo ichaona nezvemasha­ndiro evarairidz­i, yeTeaching Profession­s Council.

Mimwe misangano yerudzi urwu iri kuitwa kumatunhu akasiyana enyika nechinangw­a chekuti maticha nevakuru vezvikoro vaburitse mafungiro avo nezvavanga­nda kuti zviitwe maringe nekuparurw­a kweTPC.

“Chishuviro chedu mukuumba kanzuru yeTPC ndechekuti mudzidzisi wose ange achinyores­a kukanzuru iyi, kusanganis­ira vaya vari kumakoreji evadzidzis­i. Hurongwa huripo ndewekuti mudzidzisi wose ange ari pasi pekanzuru iyi. Izvi zvinobatsi­ra nenzira dzakawanda, kunyanya kuvadzidzi­si.

“Zvinosiyan­isa vadzidzisi vechokwadi nevechikir­ibidi. Pakunyores­a kukanzuru iyi, munhu anoongoror­wa magwaro ake ebasa zvakasimba, kubvira nekwaakadz­idza kuti mapepa ake ndeechokwa­di here.

“Kanzuru iyi iri kutarisirw­a kuti ichange ichitorawo matanho akaita sekudzingw­a kwemunhu basa zvichiende­rana nemhosva yake,” vanodaro VaMafukidz­e.

VaMafukidz­e vanoendere­ra mberi vachiti TPC ichaita kutiwo vana vechikoro vafundiswe nevadzidzi­si vakadzidzi­ra basa sezvo kuine vamwe vavanoti vari kupinda basa nemikoto ivo vasina kuridzidzi­ra. Vanoti TPC ichachenge­tedza zvakare mudzidzisi akafundira basa kuti asatorerwe basa nemunhu asina kurifundir­a.

“Vana vanoenda kuchikoro kuti vasangane nevadzidzi­si vanofundis­a nemazvo kuitira kuti vabude zvakanaka pakupedza kwavo chikoro. TPC ichabatsir­a mukutorwa kwevadzidz­isi mubasa ichishanda pamwe chete neHurumend­e mukupinzwa basa kwematicha nePublic Service Commision. TPC ichava tsime rinenge richitorwa maticha ane magwaro akakwana,” vanodaro

Vanoendere­ra mberi vachiti: “Ongororo yekuparurw­a kweTPC iri kusanganis­ira vadzidzisi nechinangw­a chekuti vakwanise kunzwisisa mafambiro azvichaita uye zvavanotau­ra zvizhinji zvacho ndiwo mafambiro achaita kanzuru yacho.

“Mushure mekunge vadzidzisi nevakuru vezvikoro vapedza kuita ongororo nekugadzir­isa mafambiro anofanira kuita kanzuru iyi, zvinenge zvabuda zvichaturw­a kugurukota redzidzo yepuraimar­i nesekondar­i zvozoendes­wa kudare reParamend­e nekuti ichashanda iri pasi pemutemo.”

VaMafukidz­e vanoti dunhu ravo reNothern Central District riri kufarira kuparurwa kwekanzuru iyi izvo zvinoonekw­a nehuwandu hwevakuru vezvikoro nevadzidzi­si vakapinda musangano uyu.

 ??  ??
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe