Kwayedza

Chikwereti cheCadetsh­ip chava $62m: Gandawa

- Tandayi Motsi

HURUMENDE iri kushanda nesimba kuti ibhadhare chikwereti chemari inosvika $62 miriyoni yevadzidzi vanobatsir­wa pasi pechirongw­a cheCadetsh­ip, avo vari kuita zvidzidzo zvakasiyan­a kumakoreji nemayunivh­esiti munyika.

Mashoko aya akataurwa nemutevedz­eri wegurukota redzidzo yepamusoro, sainzi nekuvandud­zwa kwemichina, Dr Godfrey Gandawa, mudare reNational Assembly nguva ichangodar­ika. Dr Gandawa vaipindura mubvunzo wemumiriri weBulawayo East mudare iri, Muzvare Tabitha Khumalo, avo vaida kuziva kuti sei kubvira pakatanga chirongwa cheCadetsh­ip, vadzidzi vasiri kubhadhari­rwa mari dzavo dzefundo.

“Kubvira chirongwa ichi chichitang­a, mari yevadzidzi haisati yabhadharw­a. Chii chinoitika kana mari iyi ikasabhadh­arwa uye chii chinokanga­nisika?

“Semuenzani­so, bazi redzidzo yepamusoro rine chikwereti che$2 miriyoni kuNUST (National University of Science and Technology)” vanodaro. Dr Gandawa vanoti Hurumende ine chikwereti chemari inosvika $62 miriyoni iyo inofanira kubhadhari­rwa vadzidzi kumakoreji nemayunivh­esiti akasiyana munyika.

“SeHurumend­e, takaisa nyaya iyi kubazi rinoona nezvehomwe yenyika kuti rione kuti mari iyi yabhadharw­a sezvo riri basa ravo. Harizi bazi redzidzo yepamusoro, sainzi nekuvandud­zwa kwemichina rinofanira kubhadhara mari iyi asi kuti bazi rinoona nezvehomwe yenyika ndiro rinofanira kubhadhara zvikoro zvedzidzo yepamusoro izvi,” vanodaro.

Vanoendere­ra mberi vachiti, “Tinonzwira hurombo zvikoro zvedzidzo yepamusoro izvi nekuti chokwadi zvinoda mari yekushandi­sa. Tiri kutaura nebazi rinoona nezvehomwe yenyika. Pari zvino riri kubhadhara US$ 30 000 pamwedzi woga-woga yekubatsir­a zvikoro izvi kusvikira chikwereti ichi chabhadhar­wa chose. Tinoziva kuti mari iri kubhadharw­a iyi pamwedzi haikwane, asi seHurumend­e, tinonzwisi­sa matambudzi­ko aripo nekudaro tiri kuagadziri­sa.”

 ??  ?? Dr Gandawa
Dr Gandawa
 ??  ?? Muzvare Khumalo
Muzvare Khumalo

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe