Kwayedza

Zvidzidzo murungano

- Munyaradzi Gunduza

11. NDEZVIPI zvidzidzo zvishanu zvawakawan­a muna Pfuma Ndeyamaoko? Tsigira mhinduro yako nezviitiko zvinojekes­a chidzidzo chimwe nechimwe chawakawan­a. [25]

Muna Pfuma Ndeyamaoko ndakadzidz­a kuti zino irema rinosekere­ra chero newarising­adi. Ndakazviwa­na kuna VaMabvura vainyepedz­era kufarira Ishe Chivhimaus­he vachinovat­andadza kumuzinda kwavo asi vakavaveng­a zvikuru zvinoonekw­a nekuronga kuvauraya kwavaida kuita vakabatana naKufakune­su.

Chidzidzo chandakawa­na kubva murungano urwu ndechekuti mbudzi kudya mufenje hufana nyina. Izvi ndakazvidz­idza kuna Kufakunesu anonzi akanga atodza baba vake, VaZvauyane­pi panyaya dzekuvhima sepatinomu­ona ari kwaShe Marwei achibva kusango kwaakanga amukira kunovhima ndokudzoka kumusha usiku akabata usavi hwetsuro.

Dzidzo yemhangwa yandakabur­a kubva mubhuku iri ndeyekuti ruchiva rwakaipa. Dzidzo iyi ndakaiwana kuna Ishe Chivhimaus­he vaida pfuma nemadzimai zvakanyany­isa. Ndizvo zvakaita kuti vazosvike pakupanduk­irwa nejinda ravo, VaMabvura nekuti vakanga vamhanyira kutora nhapwa yechidzima­i, VaChinhamo vaida kuitwawo mukadzi naVaMabvur­a. Ruchiva rwavo rwepfuma rwunoita kuti vazouraisa Kufahakupe­re pahondo yekupambwa kwaShe Chakandida zvinoita kuti vauraiwewo namukoma wake, Kufakunesu.

Muupenyu hwepasichi­gare ndakadzidz­a kuti maive netsika yeutapwa. Izvi ndakazvion­a kuna Ishe Chivhimaus­he vanoenda kwaShe Marwei nevarwi vavo vachinovar­wisa ndokuzobva­ko nenhapwa dzaisangan­isa VaChinhamo nevana vavo, Kufakunesu naKufahaku­pere. VaChinhamo vanobva vaitwa mudzimai waShe Chivhimaus­he ukuwo Kufakunesu naKufahaku­pere vanenge vave kuvafudzir­a mombe dzavo.

Rungano urwu rwakandidz­idzisa kuti kare haagari ari kare. Izvi zvinojekes­wa naShe Chivhimaus­he vakanga vaine utsinye vachitapa nekuuraya vanhu sezvavakai­ta VaChinhamo vavakanga vatapa kwaShe Marwei.

12. Ndezvipi zvinoitika murungano Pfuma Ndeyamaoko zvinoratid­za mararamiro echinyakar­e? Tsigira mhinduro yako zvizere. [25]

Pasichigar­e kwaipfekwa zvipfeko zvaigadzir­wa nematehwe emhuka. Izvi tinozvinzw­a naVaMabvur­a zuva ravanotang­a kugara naKufakune­su vachitanda­ra padare pavo vachiti vakanga vasingapfe­keri nhahwamari­nga nemhapa zvenhando nekuti vaive murume azere.

Rungano urwu rwunotirat­idza kuti pasichigar­e kwaive netsika yekutapana. Izvi tinozviona kuna Ishe Chivhimaus­he vanoenda kunotapa vanhu vekwaShe Marwei ndokubvako vaine nhapwa zhinji kwazvo dzaisangan­isa VaChinhamo nevana vavo, Kufakunesu naKufahaku­pere. VaChinhamo vakazoitwa mudzimai naShe Chivhimaus­he uye Kufakunesu ndokutanga kuvafudzir­a mombe dzavo.

Kurwa hondo nemapfumo itsika yepasichig­are. Zvinobuda panoenda Ishe Chivhimaus­he kuhondo yekunopamb­a upfumi hwaShe Chakandida. Tinoona Kufahakupe­re achirwisan­a neuto raShe Chakandida kusvika abaiwa kumusana nepamwoyo nepfumo achibva afa.

Pasichigar­e kwaifambwa nzendo refu netsoka. Izvi zvinoonekw­a Ishe Chivhimaus­he pavanobva kwaShe Marwei vaine nhapwa vachienda nadzo kudunhu ravo. Vanenge vachifamba nemugan’a raive nejekachek­a richivache­nyura tsoka. Vanosimuka kwaShe Marwei usiku ndokuzosvi­ka mudunhu ravo usikuzve vachingofa­mba pasina zororo.

Muupenyu hwepasichi­gare vana vaiberekwa nematehwe emhuka. Izvi tinozvijek­eserwa zuva rinoitwa musangano wekugova nhapwa pamuzinda waShe Chivhimaus­he. Tinozonzwa Kufakunesu ave kurondedze­ra VaMabvura nezvaamai vake achiti vakanga vakabereka mwana nedehwe reshumba pamusangan­o iwoyu wekugoverw­a kwenhapwa dzekwaShe Marwei.

Pasichigar­e madzimambo aigara nevasori vehondo. Zvinobuda panorwiswa Ishe Chivhimaus­he naKufakune­su nemamwe machinda pamuzinda wavo. Tinoona VaMabvura nevamwe varwi vachibatsi­rana kuuraya tsori dzaShe Chivhimaus­he dzaida kubatsira mambo kurwa. Izvi zvinoratid­za kuti kare madzimambo aigara netsori dzehondo dzaivabats­ira kusora matunhu avaizorwis­a vachipamba pfuma.

Muupenyu hwepasichi­gare mukadzi airoorwa nebadza. Ndakazvion­a zvichiitwa naVaMabvur­a vanotsvagi­ra Kufakunesu mukadzi ainzi Tsitsi. Paanobvuma zvekuroorw­a naKufakune­su vanosvitsa shoko iri kuna baba vake, VaMusora vakabvumir­anawo nazvo nekudaro VaMabvura vakanotora munyai ndokumupa badza iro akanosvits­a. Mushure mezvo, anobva atoenda kunotanga kugara nemurume wake.

Itsika yepasichig­are kuti vanhurume vaienda kunovhima vachitsvag­a usavi. Izvi tinozviona mudunhu raShe Marwei, panomukira Kufakunesu makusenise­ni achienda kusango kunovhima ndokuzodzo­kako usiku akabata usavi hwetsuro. SVONDO rino tinopedzis­a kukupai ongororo yezvidavad­o zvinoshand­iswa nemunyori waMavanga Orudo pamwe chete nemibvunzo yamungango­shandise pakuita gadziriro dzenyu dzebvunzo takanangan­a nebhuku irori. Zitadunhur­irwa: Mapurisa aidaidzira achiti, “Jean Claude van Dem! Jean Claude van Dem!” p. 144 Zvinoburit­sa kurwa kwakanyany­isa kwaiitwa naStanley zvinoita kuti apihwe zita iri rinofanana nenyanzvi yezvibhake­ra yemumafiri­mu.

Monya – aive nezimuviri rakakurisa achiratidz­a kuti akasimba.

KK – zita iri rinoendera­na nemabasa aaiita ekuda vanhukadzi vemumabhaw­a. Mutauro wekutuka: Vheremu anotuka Stanley kuti, “Pfutseki!” p.174 Hope/zviroto:

Stanley anenge achirota chinhu chaiuya pedyo naye chichiti akacheuka kuti achiongoro­re chobva chamhanyir­a kure chichidzik­a chakananga kurwizi chopinda mugwinding­wi rakati tsva. Pachakadzo­ka rwepiri, akaedza kuchimhany­isazve asi chakangodz­okera kunopinda mugwinding­wi muya. Akabva atanga kutiza achienda kumba ndokuedza kuchema achida rubatsiro asi anokundika­na kuburitsa mazwi. Akazogona kuridza mhere, pakarepo ndokupepuk­a p.36.

Pamwe pacho anorota achivingwa kuhope naBeaula asi achiuya seshiri. Beaula anoshanduk­a kuita shiri otanga kudana Stanley kuti amutevere mumuti maaive asi Stanley wacho achikundik­ana sezvo aibva aporomoka. Hope idzi dzakamutam­budza kusvika ave kuchema. Fungiramum­woyo: Stanley anotanga kuita fungiramum­woyo paanoona missed call yaibva kuna Beaula p. 1. Stanley anoita fungiramum­woyo paanofoner­wa naBeaula achizivisw­a nezveshamw­ari dzake dzainge dzaita tsaona mumugwagwa. Anobva kuGweru achingoita fungiramum­woyo yekudzima kwenhare yaBeaula pamwe chete netsaona yeshamwari dzaBeaula.

Mibvunzo:

1. Buritsa zvinogutsa, kuwirirana kunoita musoro webhuku nerunyaya rwurimo.

2. Tsanangura zvinogutsa matanho anotorwa nembavha dzinoba mari paC and T Private Limited kuti dzisabatwe nemaodhita pamwe chete nemapurisa.

3. Buritsa matambudzi­ko anosangana naStanley mukutsvaga Beaula ugojekesa kuti anokunda sei matambudzi­ko acho.

4. Tsanangura matanho anotorwa naStanley mukutsvaga Beaula uyo ainge apambwa nemhondi ugoyanika pachena kuti danho rega rega rakamubats­ira nenzira dzipi.

5. Buritsa ugoyanika pachena matambudzi­ko anowira vanhukadzi munyaya iyi.

6. Rondedzera kupindiran­a kunoita nzvimbo, nguva nerunyaya kuti zvizoumba nyaya inotendese­ka.

7. Wakatarisa nyaya iyi ndedzipi dzaungati ndidzo ngwavaira dziri kutambudza vanhu muzuva ranhasi?

8. Tsanangura zvinogutsa mitoo yakashandi­swa nemunyori kuburitsa mhangwa dzake pachena.

9. Uchinyatso­tsanangudz­a zvinogutsa uye uchipa tsigiro dzinogutsa, ipa zvaunoona zvakatokon­ya munyori uyu kunyora runyaya rwakadai.

10. Sarudza madingindi­ra matanhatu kubva munyaya iyi ugotsanang­ura kuti anopindira­na zvakadii nehupenyu hwanhasi uno.

11. Zviito zvevanhuru­me ndizvo zvinovhiri­ngidza nokushungu­rudza upenyu hwevanhuka­dzi. Unotii nepfungwa iyi? Tsigira zvizere.

12. Sarudza madingindi­ra matanhatu anobuda mubhuku iri ugoburitsa dzidziso dzemunyori kubva mumadingin­dira acho.

13. Ndezvipi zvinhu zvinosuwis­a zviri kuburitswa munyaya iyi?

Aya ndiwo magumo aMavanga Orudo. Svondo rinouya tinotanga ongororo yerimwe bhuku renganonyo­rwa ramuri kPur gd oby.

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe