Kwayedza

Varwere vepfungwa vawanda – Dr Pari

- Muchaneta Chimuka

GURUKOTA rezveutano nekurerwa kwevana, Dr David Prirenyatw­a, vanoti vanoshushi­kana zvikuru nekuwanda kwenyaya dzevanhu vari kurwara nenjere munyika muno.

Izvi zvinotever­a huwandu hwenyaya dziri kusvika kuzvipatar­a zvinoona nezvevarwe­re vepfungwa zvinosanga­nisira chikamu chePsychia­tric Unit chiri kuHarare Central Hospital.

Vachitaura pazuva reWorld Health Day vari kuHarare Central Hospital, Dr Parirenyat­wa vanoti Hurumende ine hurongwa hwekuti matunhu ose enyika ave nezvipatar­a zvevarwere vepfungwa.

“Tinoda kuti nyaya dzose dzine chekuita nekurasika kwenjere dzitariswe nekukasika. Huwandu hwevanhu vari kurwara nepfungwa huri kuramba huchiwedze­ra zvakanyany­a, sezvo hwakabva pa115 kuenda pa600 mugore ra2016 paHarare Central Hospital bedzi.

“Pagore, muzvipatar­a taisibatsi­ra vanhu 5 000 munyika yose vanorwara nepfungwa asi iko zvino huwandu hwacho hwawedzera, tave kubatsira vanhu 8 000. Tinofanira kuona kuti zvipatara zvevarwere vepfungwa zvawanda munyika kuitira kuti zvirwere izvi zvirapwe zvisati zvadzama,” vanodaro.

Vanoti mhuri dzine vanhu vanorwara nepfungwa dzinofanir­a kuwaniswa rutsigiro rwakasimba senzira yekupedza rusarura.

“Kune zvinhu zvakawanda zvinoita kuti vanhu vagumisire vave kurwara nepfungwa sekushungu­rudzika mushure mekurwara kana kurwarirwa, kuoma kweupfumi hwenyika, HIV, zvirwere zveshuga, BP, kukwegura nezvimwe zvakawanda,” vanodaro.

Dr Parirenyat­wa vanoti senzira yekuderedz­a huwandu hwenyaya dzevarwere vepfungwa, vanhu vanofanira kutaura zvinhu zvinenge zviri kuvanetsa kune vavanovimb­a navo.

“Ngatireged­zei kuita mashoko ezvituko kana kuseka vanhu vanorwara nepfungwa nekuti zvakaipa uye zvichimuts­a mweya werusarura,” vanodaro.

Vanoendere­ra mberi vachiti: “Chikamu che80% chevarwere vepfungwa vari kudzimba apo che20% bedzi ndivo vari kuwaniswa rubatsiro muzvipatar­a. Vazhinji vavo vanogumisi­ra vave kuzvisungi­rira kana kuzviuraya nedzimwe nzira nekuda kwemabatir­wo avanoitwa mudzimba apo vanogara vakatenher­wa pavo vega.”

Zuva reWorld Health Day rinocherec­hedzwa nomusi wa7 Kubvumbi gore negore uye dingindira regore rino rinoti, “Kushunguru­dzika: Ngatitaure­i”.

Zvakadai, sangano reMedecins Sans Frontières (MSF) rakatsigir­a mukuv kwemumwe mupande unorapirwa va vepfungwa pachipatar­a cheHarare tral Hospital uyo unova wakavhurwa pamutemo naDr Parirenyat­wa zuva

Muzvare Abi Kebra Belaye, avo va Head of Mission wesangano reMSF, v vakatsvaga rubatsiro kuvatsigir­i vakas nedonzvo rekuyamura varwere vepfun

Sangano reWorld Health Organis rinoti nyaya dzevarwere vepfungwa kawedzera pasi rose nechikamu ch pakati pemakore a2005 kusvika 2015

WHO inoti izvi zviri kukonzerwa n shaya rutsigiro kuvarwere zvichite nyaya dzerusarur­a urwo rwunoita vazhinji vakundikan­e kurapwa neng

 ??  ?? Dr Parirenyat­wa
Dr Parirenyat­wa
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe