Kwayedza

Maererano nekuwanana

- Ticha Danga

TINORUSIMU­DZIRA rwiyo rwewanano tichibva patakapedz­isira pamatenga gudo tichipinda mune imwe nzira yaitorana nayo vanhu vekare chero nevanhasi. Iyi nzira haina kutwasuka nekuti vaviri vanongotor­ana votogara vose, voita dungwe revana asi pasina kana badza kana pfuma yakabviswa. Vanotosvik­a pakutochem­bedzana pasina kana chakakandw­awo mukanwa navatezvar­a.

Zvadaro, nekuda kwechivanh­u, vanhu vanozongop­edzesera vofambidza­na havo pahukama uye nekuda kwemhuri yakatetsur­wa. Kutorana kwenzira iyi kunonzi kuchaya mapoto.

Kunewo imwe nzira yaiitwa kare zvakare nanhasi ichiri kutoitwa nevazhinji. Mukomana nemusikana vanodanana zvavo vofambidza­na. Mukufambid­zana umu vanozogona kucharika mutanda, dzokono musikana ozvitakura kana kuita mimba.

Nekuti rine manyanga hachiputir­wi, musikana anotya kuzoonekwa nevabereki vake kuti ashata. Kana zvadai, musikana anoenda kumukomana akamupa mimba kaverevere. Mukomana avingwa nemusikana nenzira iyi anozivisa vabereki vemusikana kuti ndiye ane mwana wavo nekubvisa tsvakiraik­uno kana kuti anoita kunonzi kusheedzer­a.

Haisi nyaya yenhumbu chete inounza mhando yewanano iyi. Kunonoka kuenda kumba chaiko kwemwanasi­kana kunoita kuti adzingwe obva atizira kuti amunonotsa kuenda kumba kunonzi kutizisa.

Kana tichiteved­za tsika chaidzo dzekare dzewanano dzakatsiga, mukomana nemusikana kana vachangota­nga kudanana, vanopanana chinonzi chindakuda kana kuti mubato. Kana musikana azonyura murudo anopawo mukomana nhumbi kana ndima semucherec­hedzo werudo.

Kana vaviri ava varamba vachidanan­a zvokuti vanovimbis­ana kuroorana, vanopana chinonzi chitsidzo. Musikana anopa chake chitsidzo mukomana opawo chake. Izvi zvinoitwa pamberi patete vemusikana.

Kana zvichifamb­a zvakanaka pasina chihwandeh­wande, vaviri vanosvika pavanotaur­irana kuti ngatichiwa­nana. Kana zvadai, mukomana anotsvaga munyai kana kuti sadombo uyo anoenda kwatezvara achitsvaga sadza. Kutsvaga sadza uku kuda muroora.

Sadombo kuti akwanise kutaura naatezvara anotanga abvisiswa mari yevhuramur­omo. Kana vhuramurom­o yabviswa sadombo anonzi makandinzw­anaani kuti ndine tsvarakade­nga nekudaro obvisiswa mari inonzi makandinzw­anani.

Apo sadombo anenge achitaura natezvara anotarisir­wa kuombera nekudaro kubvumidzw­a kuombera mumba naatezvara anobvisisi­swa mauchiro. Anobvisazv­e mari yesunungur­a homwe kuti basa richifamba.

Baba vanochitan­ga nekusheved­zera mari inonzi yematekeny­andebvu. Iyi imari inobviswa kuripa kutambiswa kwaiitwa ndebvu dzababa nemukadzi ari kuroorwa achiri mudiki. Maiwo vanobva vadevedzer­a mari yehotamiro apo vanenge vachiti mwanasikan­a oroorwa uyu aivaremera ari kumusana apo kusakura nekucheka rukweza.

Mai zvekare vanoenda mberi vachideved­zera kuti mwanasikan­a uyu aimbopfura pfura ari mudumbu mavo nekudaro vanodawo mafukidzad­umbu.

Baba vanozodaid­zira mari yavo chaiyo yekuroorwa kwemwanasi­kana wavo inonzi mari yerugaba, mabvunzira­no kana kuti rusambo. Rusambo ndiko kuroora chaiko uye imari yababa.

Panozotaur­wa pfuma yemombe dzinotarwa navatezvar­a dzinotsika. Pfuma iyoyo inonzi danga. Baba naamai vanotauraw­o mbatya dzavo dzavanoda kuzopfeka semucherec­hedzo wekuwanikw­a kwemwanasi­kana wavo nekudaro vanopihwa anonzi majasi. Kana mukuwasha akaitisa mwana wevanhu pamuviri asati aroora, anobvisisw­a mari inonzi yematyorwa kana pwanyaruzh­owa.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe