Kwayedza

Vasikana vodzokera kuchikoro

- Muchaneta Chimuka

KAMBANI huru inogadzira samende yeLafarge Cement Zimbabwe yakaparura chirongwa cheSimuka Upenye, icho chichaona vanasikana vanosvika 100 vanove nherera nevanobva kumhuri dzinotambu­ra vekuMabvuk­u, muHarare, vachibatsi­rwa kuti vadzokere kuchikoro pamwe nekuita mabhindauk­o akasiyana.

Vanasikana vachabatsi­rwa pasi pechirongw­a ichi vane makore 18 kusvika 20 okuberekwa uye kunze kwekusimud­zirwa mune zvidzidzo, vachafundi­swawo mabasa emaoko sekusona, kubika nekugadzir­a misoro.

Kambani iyi iri kuita chirongwa ichi yakabatana neWomen’s University in Africa (WUA) nevamwe vatsigiri.

Vanasikana ava vakapihwa zvakare kuvakuru vemakamban­i akasiyana kuitira kuti mumwe nemumwe ave nemubatsir­i wake (mentorship).

Vachitaura pakuparurw­a kwechirong­wa ichi nguva ichangodar­ika, gurukota rezvevasha­ndi nekubatsir­wa kwevanosha­ya, Cde Prisca Mupfumira – avo vaive muenzi anoremeked­zwa – vakakurudz­ira vanasikana ava kuti vazvibate pamwe nekudzidza nesimba.

“Tinoda kuti muve nechido chekuzvish­andira kwete kumirira kuchengetw­a. Kana muchinge mawana mabasa, ivai vanhu vanoshanda nesimba kwete kushandirw­a nevamwe.

“Ini ndakafirwa nemurume asi ndakakura ndiine shungu dzebudirir­o. Kumusha kwedu kuChinhoyi takakura tiri vanasikana vanomwe nevakomana vaviri tichitambu­ra zvekusvika pakuvaka dzimba dzedhaka nemapango. Asi nekuda kweshungu nedzidzo, ndave pandiri nhasi muHurumend­e kuti ndiunze shanduko muupenyu hweveruzhi­nji zvinova zvamunofan­ira kutevedzer­a,” vanodaro.

Vanoshora nyaya dzekukasik­a kuroorwa kwevanasik­ana, kubvisa pamuviri nekuva nyope.

“Vanasikana vavarirai kusandura upenyu hwenyu nedzidzo kwete kushandisw­a muchiitisw­a vana avo munozopedz­isira mava kurasa mumabhini. Kune mwanasikan­a wandapihwa kuti ndibatsire (mentorship)

***

Dennis Kanokanga, Grade 5, Mutoko Primary School, Mutoko – Mhinduro dzetsumo 1. richifamba; 2. matowo;

3. mukurerwa; 4. nemhepo; 5. dzayo

***

0734 347 943 – Mhinduro 1. richifamba; 2. dzamatowo; 3. mukurerwa;

4. chando; 5. nenyadzoyo

***

0712 071 641 – 1. richifamba; 2. dzematehwe; 3. mukurerwa; 4. remhepo;

5. dzayo.

Tsumo: 1. richifamba; 2. dzamatoo;

3. yakabva mukurerwa; 4. nechando;

5. dzayo

***

ZVEKUITA SVONDO RINO:

Tipe mazwi anoreva zvakafanan­a nerakapihw­a:

1. Mhindo –

2. Kasika –

3. Bundo –

4. Zhanje –

5. Bveni –

Mhinduro svondo rinouya. . Tumirai mhinduro panhare dzinoti: 0714 200 007

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe