Vasikana vodzokera kuchikoro
KAMBANI huru inogadzira samende yeLafarge Cement Zimbabwe yakaparura chirongwa cheSimuka Upenye, icho chichaona vanasikana vanosvika 100 vanove nherera nevanobva kumhuri dzinotambura vekuMabvuku, muHarare, vachibatsirwa kuti vadzokere kuchikoro pamwe nekuita mabhindauko akasiyana.
Vanasikana vachabatsirwa pasi pechirongwa ichi vane makore 18 kusvika 20 okuberekwa uye kunze kwekusimudzirwa mune zvidzidzo, vachafundiswawo mabasa emaoko sekusona, kubika nekugadzira misoro.
Kambani iyi iri kuita chirongwa ichi yakabatana neWomen’s University in Africa (WUA) nevamwe vatsigiri.
Vanasikana ava vakapihwa zvakare kuvakuru vemakambani akasiyana kuitira kuti mumwe nemumwe ave nemubatsiri wake (mentorship).
Vachitaura pakuparurwa kwechirongwa ichi nguva ichangodarika, gurukota rezvevashandi nekubatsirwa kwevanoshaya, Cde Prisca Mupfumira – avo vaive muenzi anoremekedzwa – vakakurudzira vanasikana ava kuti vazvibate pamwe nekudzidza nesimba.
“Tinoda kuti muve nechido chekuzvishandira kwete kumirira kuchengetwa. Kana muchinge mawana mabasa, ivai vanhu vanoshanda nesimba kwete kushandirwa nevamwe.
“Ini ndakafirwa nemurume asi ndakakura ndiine shungu dzebudiriro. Kumusha kwedu kuChinhoyi takakura tiri vanasikana vanomwe nevakomana vaviri tichitambura zvekusvika pakuvaka dzimba dzedhaka nemapango. Asi nekuda kweshungu nedzidzo, ndave pandiri nhasi muHurumende kuti ndiunze shanduko muupenyu hweveruzhinji zvinova zvamunofanira kutevedzera,” vanodaro.
Vanoshora nyaya dzekukasika kuroorwa kwevanasikana, kubvisa pamuviri nekuva nyope.
“Vanasikana vavarirai kusandura upenyu hwenyu nedzidzo kwete kushandiswa muchiitiswa vana avo munozopedzisira mava kurasa mumabhini. Kune mwanasikana wandapihwa kuti ndibatsire (mentorship)
***
Dennis Kanokanga, Grade 5, Mutoko Primary School, Mutoko – Mhinduro dzetsumo 1. richifamba; 2. matowo;
3. mukurerwa; 4. nemhepo; 5. dzayo
***
0734 347 943 – Mhinduro 1. richifamba; 2. dzamatowo; 3. mukurerwa;
4. chando; 5. nenyadzoyo
***
0712 071 641 – 1. richifamba; 2. dzematehwe; 3. mukurerwa; 4. remhepo;
5. dzayo.
Tsumo: 1. richifamba; 2. dzamatoo;
3. yakabva mukurerwa; 4. nechando;
5. dzayo
***
ZVEKUITA SVONDO RINO:
Tipe mazwi anoreva zvakafanana nerakapihwa:
1. Mhindo –
2. Kasika –
3. Bundo –
4. Zhanje –
5. Bveni –
Mhinduro svondo rinouya. . Tumirai mhinduro panhare dzinoti: 0714 200 007