Kwayedza

Kuita semuonde wakatukwa!

-

– Irene Mabongeyan­a (17) – ndinoda kuti uve nehunhu nekuti uchange wakamira wakatakura chimiro changu segurukota reHurumend­e uye ini ndichamira newe zviri mugwara,” vanodaro.

Cde Mupfumira vakapa Irene US$100 yekuti anobhadhar­a kwaakadzid­za kuNyamidzi Secondary School, kwaRusape, uko akanyora Form 4 akanyimwa zvakabuda mubvunzo nekuda kwechikwer­eti.

Irene anotenda rubatsiro urwu. “Ndinofara zvikuru nerubatsir­o rwandawani­swa nekuti vabereki vangu vose vakashaya ndiine makore maviri ekuberekwa ndikarerwa naamaiguru mukoma waamai asi dambudziko remari yechikoro ndiro rainge rakakura. Kuchikoro ndakanyimw­a magwaro ekuzvarwa nechitupa cheForm 4 nekuda kwekuti kune chikwereti cheUS$100,” anodaro.

Vachitaura­wo pachiitiko ichi, Vice-Chancellor veWUA, Professor Hope Sadza vakavimbis­a kubatsira vanasikana ava pachena nezvidzidz­o zvemabasa emawoko.

“Zvinhu zvinogona kushamisa vanhu kuti yunivhesit­i yedu inotungami­rirwa nemadzimai asi ishungu zvekuti pandakatan­ga vazhinji vaifunga kuti hazvibudir­iri asi zvakaita nekuda kwekuva nezviroto zvemberi. Mwanasikan­a anenge apasa paA-Level ndichamubh­adharira kuti auye kuzofunda payunivhes­iti yangu pane vari pano nhasi.

“Ndinokoshe­sa dzidzo yemwanasik­ana neyemadzim­ai akakundika­na kufunda nekuda kwematambu­dziko akadai sekushairw­a mari, kumitiswa nezvimwe,” vanodaro.

Mumwe wevasikana vari kubatsirwa pasi pechirongw­a ichi ndiMargret Ndabaning Mugodi (19), uyo anoti haana kuzokwanis­a kunyora Form 4 zvichiteve­ra kushaya kwababa vake.

Margret ari kutsigirwa nachamangw­iza wekambani yeLarfage, Mai Amal Tantawi.

Vaimwe vaive pachiitiko ichi vanosangan­isira vamiririri nevatungam­iri vemapoka akasiyana anosangani­sira Unicef, Delta, National AIDS Council, Women’s Developmen­t Bank, Securico neMusasa Project. RIMWE zita ramai vaMukwende ndiMharidz­o. Nokuti vakazvarwa panguva yakange ichiparari­ra chiKristu muZimbabwe. Ndokusaka mune zvimwe zvinyorwa pachinge pane kakuparidz­a, nokuti vokwedu vanoti, “Chosiya huyo, chokuya nei”, vamwe vachiti, “Kufana bambo kunge kurima”.

Svondo rino ndati titarise zvimwe zvezvinhu zvatinoche­ngetedza muupenyu, asi zviri zvinhu zvisina maturo, zvinhu zvinotiped­zera mari, nguva pamwe chete nokutishai­sawo mufaro chaiwo.

Pane zvinoitwa kuzvinhu zvisina basa muupenyu. Muenzaniso ndewomuti womuonde wakange usingabere­ki uri mushoko raMwari wakatukwa naJesu Kristu ukaoma zvachose. Asiwo, zvimwe zvinhu zvingasatu­kwa kusvika pakadai, asi zvinogona kupfuudzwa kune vanhu vanokwanis­a kuzvishand­isa, vanoshaya kana vanowana.

Kubhuku yaRuka chitsauko 13, ndima yechinomwe zvinonzi, “Zvino ava makore matatu andanga ndichiuya kuzotsvaka muchero pamuonde uyu, uye handisati ndambowana chinhu. Utemere pasi! Seiko uchishandi­sa ivhu pasina?” Kune rimwe bhaibheri zvinonzi, “uteme, unotadzire­iko pasi?”

Kubhuku yaMako, chitsauko 11, zvinonzi: “. . . Pavakanga vachibva Bhetani, Jesu akanzwa nzara. Akaona muonde uri kure una mashizha, akaenda kundoona kana wakanga une muchero. Akati asvika pauri, haana chaakawana asi mashizha bedzi . . . Ipapo akati kumuti: ‘Kusava nomunhu anozodya michero pauri nokusingap­eri’.”

Vadzidzi vake vakazvinzw­a. Mako anoenderer­a mberi achiti parwendo rwavo vachidzoka, vakapfuura nenzvimbo iyoyo zvakare “vakaona muonde waoma kubva kumidzi. Petro akarangari­ra, akati kuna Jesu, ‘Rabhi (mudzidzisi), tarirai! Muonde wamakatuka waoma!’”

Chasaka nditore muenzaniso womuonde ndechokuti kubhuku yaRuka unonzi pamusana pokutadza kubereka kwawakange uri kuita, muonde uyu uri waitadzira pasi kwazvo kana kushandisa ivhu mahara. Zvinorevei­ko izvi, kuti muti wawadyara kana wamera woga wonzi unotadzira pasi kana kushandisa ivhu mahara?

Mundangari­ro dzangu ndakazviud­za kuti kana chinhu chamiswa kuti chiburitse zvinhu zvine musoro, zvinofanir­wa kuita saizvozvo. Muti wemuchero kana wadyarwa, kunyanya uyu wakanga uri mumunda wemuzambir­inga, waitarisir­wa kuti muzambirin­ga uchiita zvibereko, naiwo uchibereka­wo maonde.

Asi chakavepo ndechokuti waingoonek­wa mashizha gore negore, vanhu vachitaris­ira zvibereko, asi poshaikwa chinhu.

Zvoreva izvo kuti midzi, hunde nemashizha omuti zvaidya chikafu chiri muvhu kusanganis­ira mvura, uyewo chimwe chikafu chinobva muzuva pasina chaizobuda.

Uku kwaive kupedzera mimwe michero inobereka chikafu, saka zvaive nani kuti utemwe, kana kungotukwa nokuoma kubva kumidzi sezvawakaz­oitwa.

Ndatanga ndichiti kune vanhu vanoita basa rokututa nokuungani­dza zvinhu mudzimba dzavo vachifunga kuti zvine basa, asi wozoona munhu achifa asina kumboshand­isa chinhu chaakateng­a makore makumi matatu apfuura.

Kana change chiine basa, wakarasire­i mari uchitenga chinhu chausingaz­oshandisi, kunyanya zvinhu zvakaita semidziyo? Chinopedze­rei nzvimbo mumba, icho chisingash­andi?

Tikapinda mudzimba dzakawanda, tinosangan­a neungwanda-ngwanda hwezvinhu zvinotengw­a, zvinongoro­ngedzwa, zvisingash­andi. Handisi kutaura midziyo yekushonge­dza mumba, asi ndinoda kusvika pakuti kana mumba mave nomurwi wendiro, mapoto kana makapu, basa razvo nderei? Pamba kana pachiita motokari gumi nembiri dzinenge dzichida kufambiswa sei?

Mumawadhir­obhu embatya zvimwe chete! Mumwe muzere mbatya dzisingapf­ekwi, dzimwe dzichitori namapepa okuratidza kuti hadzisati dzatombovh­urwa. Munhu anenge achitenger­ei kana achiziva kuti ane zvakawandi­sa?

Kutenga uku kunotusvwa nokuti munhu ari kuda chinhu chaari kutenga here, kana kuti kutenga kworuchiva rwomunhu ane maziso azere nokukweret­a chese chese chaaona?

Munhu anonzwa zvichimuom­era kupa, asi zvosave dambudziko kuita muunganidz­wa wezvinhu zvaasingam­bofa akashandis­a.

Tikaenda kumastendi edzimba haikona kutaura. Patave nhasi uno hapana munhu anoda kuitwa roja iye achigona kumira-mirawo achitenga sitendi yake nokuzvivak­ira imba nemhuri yake.

Makanzuru aive nemutemo wokunyores­a vanoda dzimba nemasitend­i, asi nhasi ma”waiting list” ashaya basa nokuti variko vanogona kuti mumusha mumwe nemumwe vanenge vaine masitendi, kwete sitendi imwe chete. Nyika ino yose, hapana kusina mazita avo, nenzvimbo dzinonzi ndedzavo.

Umbimbindo­ga hwakadai hwozovei, kana munhu achiti ndiye bedzi akakodzera?

Muchidimbu variko vanhu vanenge muonde uyu wakapedzis­ira watukwa. Unovaona vachizviro­va matundundu, asi vari mionde isingabere­ki, vanoita basa rokupedzer­a zvimwe zvirimwa chikafu.

Tosangana paChina chounogara, asi ndooneka ndichikoro­kotedza vashandi veZimbabwe neInternat­ional Workers’ Day yemusi weMuvhuro.

Nhasi uno, ndiwe woga wave kusarudza kuti uri mushandi here kana kuti kwete, uyewo kuti uri mushandi wemhando ipi.

 ??  ??
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe