Kwayedza

Pairesi inoda kurongerwa: Chivaviro

-

Malven Mugadzikwa SHASHA yenziyo dzechitend­ero - Reverend Togarepi Chivaviro - vanoti zvakakosha kuti vaimbi vakasiyana vatsvage dzimwe nzira dzekuti vararame nadzo zvichiteve­ra kukura kuri kuita dambudziko rekutenges­wa kwemhanzi yavo pamisika yemikoto kuburikidz­a nepairesi.

Rev Chivaviro vakataura mashoko aya nguva yadarika muguta reHarare mushure mekuparura zviri pamutemo dambarefu ravo idzva rinonzi Maranatha.

“Tikatarisa pasi rose zvinhu zvizhinji zvava kufambiran­a nechizvino-zvino uye kutengesa nziyo padandemut­ande ndiko kwava kuunza mari kuvaimbi vazhinji.

“Veruzhinji vava kunyanya kuteerera nziyo pamafoni avo kudarika pamaredhiy­o nepamaTV. Zvakadaro, zvakakosha kuti vaimbi tizvionere dambudziko iri nekurigadz­irisa kupfurikid­za nekutenges­a nziyo dzedu padandemut­ande. Kuitawo mashoo ndiyo imwe yenzira dzekuti muimbi anokohwa zvaakashan­dira nekuti kutengesa nziyo dzedu pamaCD hakuna zvakuri kutipa nenyaya yevanhu vari kuita zvepairesi.

“Sevaimbiwo zvakare tinofanira kudzidzisa vateereri vedu kuti vatenge maCD edu chaiwo pane anogadzirw­a mumigwagwa ayo anenge aine mitengo yakaderera asi asina kusimba. Dzidziso muvanhu inobatsira,” vanodaro.

Padambaraf­u idzva iri, Reverend Chivaviro vanoti pane nziyo dzakabikwa nemazvo idzo vane chokwadi chekuti dzichafadz­a vatsigiri vavo.

“Padambaref­u idzva iri pane kambo Maranatha ako kandakabud­itsa mushure mekunge vatsigiri vati vanoda kamwe kambo kemubatani­dzwa sezvatakam­boita pana Ebenezer. Kambo aka ndakaimba nevaimbi venziyo dzechitend­ero vakati wandei, kanotaura nezvehuMwa­ri hwaMwari kuti havasanduk­e chero takaomerwa nezvinhu kana kuti chero zvakapfava vanoramba vari ivo havasanduk­e zuro, nhasi namangwana,” vanodaro.

Vanoendere­ra mberi vachiti, “Pane kamwe kambo zvakare kanonzi Tariro Yangu kanodzidzi­sa vanhu kuvimba naMwari. Nziyo dzepadamba­refu redu rese dzine dingindira rekukosha kwaMwari.

“Dambarefu iri ndinovimba kuti ndiro rakadarika mamwe ese nekuti takatora nguva kurigadzir­a tikaita dzokororo yakasimba kuti ribude zvakanaka.

“Takasangan­isa misambo kuitira kuti tikwezve vatsigiri vakasiyana­siyana. Takaisa musambo wemuseve bhosvo riripowo zvakare nemimwewo ipapo.”

 ??  ??
 ??  ?? Rev Togarepi Chivaviro
Rev Togarepi Chivaviro

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe