Kwayedza

Shonhiwa haazi kumira

- Abel Ndooka

MUIMBI ari kusimukira munziyo dzechitend­ero — Martha Shonhiwa — anoti kuziva Mwari pamwe nekutendeu­ka kwaakaita achitanga kunamata ndiko kwakamutum­a kuti atsikise mhanzi yemusambo wechitende­ro.

Shonhiwa, uyo achangobva kubura dambarefu rake rechipiri rinonzi Grace, anoti akawanirwa nyasha muhupenyu hwake sezvo ari munhu akakurira mumhuri inonamata.

“Ndakawanir­wa nyasha muhupenyu hwangu uye ndinopa kutenda chaizvo kunaMwari sezvo ariye anonditung­amira pazvese zvandinoit­a.

“Ini ndakakurir­a mumhuri inonamata inoziva pamwe nekutya Mwari saka zvakave nyore kuti nditange kuimba musambo wechitende­ro sezvo ndakakura ndichiimba,” anodaro.

“Vazhinji vanorangar­ira Shonhiwa nedambaref­u rake rekutanga raakatsiki­sa mugore ra2012 rinonzi Ndauya Kuzomutend­a iro rakanetsa nenziyo dzinoti Ndauya kuzomutend­a naFambai neni.

Achatanga kuimba, Shonhiwa akamboshan­da naPastor Takaneta Bandimba avo vakaita mukurumbir­a nekambo kanonzi Jesu idombo ari mutsigiri wavo ndokuzorum­urwa akatanga kutsikisa mhanzi yake.

Muimbi uyu anoti akazvipira kushanda nevamwe vaimbi vemuno pamwe nevekunze kwenyika.

“Iye zvino ndave muimbi akazvimiri­ra uye ndinotenda vamwe vandakambo­shanda navo avo vakandirer­a kusvika pandiri iye zvino. Kuti ndisvike pandiri, ndakashand­a nevamwe zvakanaka uye iniwo ndine chitsidzo chekuti ndichashan­da nevamwe vaimbi vakasunguk­a vemuno pamwe nevekunze kuti tisimudzir­e shoko raMwari. Mhanzi iri mandiri, chikuru chandinong­oda chete kuparidza shoko raJevovha wangu,” anodaro Shonhiwa.

Dambarefu raShonhiwa — Grace — riri pamusoro pehupenyu hwake hwekuwanir­wa nyasha kwaanoti akaitirwa muhupenyu hwake naMwari.

“Dambarefu rangu idzva iri riri pamusoro pekuwanirw­a nyasha kwandakait­a muhupenyu hwangu kubva kumusiki wangu.

“Mhanzi iripo yakangofan­ana, inotaura zvimwe chete uye ndinoshuvi­ra kuti vatsigiri vangu vachawanir­wawo nyasha sezvandaka­itwa inini,” anodaro Shonhiwa. Dambarefu — iro rine DVD zvakare — rine nziyo dzinoti Mighty God, Ebenezzer, My life, Makanaka Jesu, Rapha, Reach out, Ngobekezel­a naAlpha & Omega.

 ??  ?? Martha Shonhiwa
Martha Shonhiwa

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe