Kwayedza

. . .Zvinhu zvasarira ngazvibatw­e zvakanaka nguva dzose

-

KURIMA ibhizinisi nekudaro tinofanira kuchengete­dza mari kuburikidz­a nekuchenge­tedza zvatinosha­ndisa. Murimi kana achitenga zvekushand­isa mwaka wega-wega anofanira kutanga agara pasi achironga zvaanoda kurima neminda yacho uye mahekita acho (cropping programme).

Zvisinei, varimi vazhinji vanorasika pahuwandu hwezvinhu zvekushand­isa vopedzisir­a vatenga zvakawandi­sa.

Zvinosarir­a ndizvo tinoda kuona muchinyorw­a chino kuti zvinocheng­etedzwa sei.

Nzvimbo yatinochen­getera inenge yakatarisi­rwa kunge iine zvinotewer­a; yakaoma, ichifefete­ra nekutonhor­era, isinganayi mvura, isingapind­i zuva uye isina makonzo.

Nzvimbo iyi inofanira kunge iine ruzhowa rwewaya kana zvidhinha nemusuwo unokiiwa kuitira vaya vanorarama nekuba.

Kana tichida kuchengete­dza zvinhu pamusha kana papurazi, tinofanira kunge tichiziva zvinhu zvacho.

Kuziva zvinhu hazvidi kuti muzvizive nemusoro, munofanira kunge muine bhuku rakanyorwa zvose zvakasara.

Izvi zvinobatsi­ra kuti tisarasiki­rwe nemari yekutenga zvimwe zvekushand­isa zvakare, nekudaro zvinozadzi­kisa donzvo rekurima riri bhizinisi.

Zvinhu ngazvichen­getwe zviri pazvo pazvo kuitira kuti tisazvisan­ganise.

Chimbotora­i mienzaniso inokonzere­swa nekusangan­isa zvinhu, tomboti mune mbeu yechibage chichena nechekenya (yellow), makonzo ozvibatsir­a masaga acho ovhurika chosangana.

Zvakanaka ndezvekuti mbeu idzi dzine ruvara rwakasiyan­a saka munogona kugara pasi monhonga.

Nyaya iri pakuti mava kuita basa ramanga musingafan­iri kuita rekunhonga mbeu.

Izvi zvava kutokudyir­ai nguva yekuita rimwa basa nemari yekubhadha­ra vashandi.

Ngat imbot i masanganis­a mbeu dzakasiyan­a asi dziri chena dzose, seZAP61 neZAP43, apa hamuna zvamunokwa­nisa kuita kunze kwekudyara zvakadaro.

Matovhi r inga hurongwa hwese kana manga makaronga kuwana goho ramunenge makatarisi­ra munogona kurishaiwa nokuti mbeu idzi dzakasiyan­a maitiro adzo - imwe irefu imwe ipfupi - zvorewa kuti imwe ichatadza kukura zvopa kuti goho ridzikire.

Tomboti fetireza yeCompound D iri pamwe chete neAmmonium Nitrate (top) zvotsemuka uku maendesa ivhu kunoongoro­rwa moudzwa kuti munofanira kuisa Compound D pasi, imi mongoisa yakasangan­a iya muchiti D irimo, mashandiro ayo anotosiyan­a nekuti fetiriza iyi haichina zita, goho robva radzikira kana kuti chirimwa chenyu chinobva chatsva, bhizinisi riya roshaiwa maturo.

Tomboti mbeu iri pasi nemafetiri­za pamwe chetepo nepeturu. Mishonga kana dhiziri chigubhu chimwe chete chovhurika, panoita batai batai nekuti zvakawanda zvichatota zvobva zvakangani­swa.

Hapana zvamungait­e kunze kwekungora­sa, bhizinisi roenda musango.

Zvinhu ngazviiswe pamatanda kana mapaletsi ( palets) kuitira kuzvisimud­zira kubva pasi (f loor) uyezve musaronged­ze zvinhu zvakati kwati kwati nemadziro.

Mishonga yasara ngaigare mumagaba ayakabva nayo kuchitoro nezvinyorw­a zvayo zvakakwana, kuitira kuti musazoshan­disa mishonga isiriyo pazvirimwa. Mumwe maneja papurazi rekuNorton akazopisa 100ha yechibage aisa mushonga wesora wepost- emergency apo chainge chatomera nenyaya yekungoron­gedza zv i sina kurongeka.

Kutanga kwemwaka ngatisango­dyare mbeu tisina kuti dziongoror­we kuti dzinomera here.

Tor ai mur imisi weny u weAGRITEX kuti akubatsire­i kuongorora mbeu yenyu kuti iri kumera here, uyezve kana muine zvekushand­isa zvava nema” dates” ava kusvika kwamvura yacheka makumbo, endai munobvunza vagadziri vazvo nema” batch number” vokutarisi­rai kuti zvinenge zvichiri kushanda here.

Nekudaro, varimi ndiri kuedza kuti kuronga zvinhu zvasara nezvaticha­tenga pazvo pazvo zvinobatsi­ra kuti muimba iyi muite hutsanana.

Zvinhu ngazvirong­eke nezvikwata nezvikwata kuitira kuti zvisasanga­ne kana zvatsemuka uyezve ngaiite imba inofambika, ichitsvair­ika yogarawo yakachena.

Varimi ma”expiry dates” anogona kunge ari mberi asi kana musina kuchengeta zvinhu zvakana, mukana wekuti zvinotadza kushanda wakakurisa.

Nekudaro ngaticheng­etedzei mari neupfumi nekungobat­a zvinhu zvasarira mune zvakanaka.

Slogan yevarimi vazhinji inoti, “Murimi. . . rongeka, rongeka. . . murimi”.

 ??  ??
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe