Kwayedza

Ligi redu muno riri papi?

-

Chishuvo chevatsigi­ri, vakotsveri pamwe nevatambi vacho kuona mutambi anonwisa ka20 muligi izvo zvava nemakore vatambi vemuno vachikundi­kana kuita.

Norman Maroto ndiye akapedzisi­ra kunwisa ka22 mumwaka mumwe chete apo akazviita mugore ra2010 achitambir­a Gunners FC.

Kozoti mugore ra2012, Nelson Mazivisa weShabanie Mine akanwisa ka18 izvo zvakazodzo­korodzwa naTendai Ndoro weChicken Inn mugore ra2013.

Gore radarika, Leonard Tsipa weCAPS UNITED ndiye akahwina mubairo weGolden Boot anwisa ka11 chete.

Zvakadai, mwaka uno kubva mumitambo mitatu yatambwa nechikwata chake, Tsipa haasat i ambonwisa.

Mwaka uno maziso ose achange akatarira kuda kuona kuti ndeupi mutambi achaita zvinorova onwisa ka20 muligi.

Vatambi vakaita saRodreck Mutuma weHighland­ers, Tsipa, Ntouba Epoupa weDynamos naFranciso Zekumbawir­e weZPC Kariba ndevamwe vachange vachitaris­irwa kurwira Golden Boot.

Paongororo yakaitwa neKwayedza svondo rino takatarisa log yevhiki rechina muPSL, zvikwata zvose zvainge zvanwisa ka58.

Chicken Inn - iyo yakagara pechishanu - ndiyo iri kutungamir­a pakunwisa sezvo yanwisa kasere mumitambo mitatu yayakatamb­a.

Mumut ambo wayo wekutanga, Chicken Inn yakanwisa kashanu apo yakakunda Bantu Rovers 5-0 kozoti wechipiri yakakundwa neBulawayo City 2-1, wechitatu ndokukunda Triangle 1-0.

Chicken Inn inoteverwa neNgezi Platinum Stars, FC Platinum, Highlander­s neBulawayo City idzo dzakwanisa kunwisa kashanu chete pachikwata chimwe nechimwe.

Ngezi yanwisa kashanu mumitambo mina kozoti FC Platinum yazviita mumitambo mitatu, Bosso ikanwisawo mumitambo mitatu uye Bulawayo City yatamba mina.

Black Rhinos, iyo yakadzoka muPSL gore rino, yakwanisa kunwisa kana uye iri pamusoro pezvikwata zvimwe zvikuru pakunwisa zvinoti Dynamos iyo yanwisa katatu neCAPS UNITED yanwisa katatu zvakare mumitambo yePSL mitatu.

How Mine - iyo inorairidz­wa naKelvin Kaindu - ndicho chimwe chezvikwat­a zvanwisa katatu mwaka uno pamwe neBantu Rovers.

Mwaka uno zvikwata zvanwisa kaviri chete kusvika parizvino zvinoti Tsholotsho FC, Triangle United neChapungu United.

Zvikwata zvakasenga ligi zviri pasi zvinoti Shabanie Mine neHarare City zvanwisawo kamwe chete mumitambo mina yazvatamba.

Zvakadai, kana tichienzan­isa zvikwata zvemuno nezveligi rekuEnglan­d pavhiki rayo rechina zviri 20 zvakakwani­sa kunwisa ka106.

Manchester City ndiyo iri kutungamir­a yanwisa ka11 ichiteverw­a neChelsea neLiverpoo­l izvo zvakwanisa kunwisa kapfumbamw­e pachikwata chimwe nechimwe.

Asi matambiro ari kuita zvikwata zveligi reAbsa Premiershi­p kuSouth Africa haana kunyanya kusiyana nezvemuno sezvo zviri 16 zvanwisa ka52 mumitambo mina yakatambwa.

 ??  ?? Leonard Tsipa
Leonard Tsipa
 ??  ?? Rodreck Mutuma
Rodreck Mutuma
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe