Mambo ari kuvava
achiseka hake.
Kwayedza yakaitawo hurukuro nevamwe vabereki, avo vakapa mafungiro akasiyana pamusoro penyaya iyi.
“Kurojesa vana kwakanaka kana uchionawo nzvimbo yavari yakakodzera kuti vagare, vakachengetedzeka. Asi panodawo paine mumwe munhu mukuru anovatarisa — nguva dzavanodzoka kuchikoro, kudya nenguva dzekurara. Vana vanokuitira mashura uchifunga kuti uri kuvabatsira ukazochema,” vanodaro Mai Susan Dube vanogara munharaunda iyi.
Vamwe vabereki ndivo vanoti vana vanotofanira kufamba nzendo refu kuenda nekudzoka kuchikoro kuitira kuti vazive nhamo.
“Vana havafanire kurererwa muchipunu seshuga, vanorojerwa kuti zvaita sei? Isu taifamba makiromita anodarika gumi seavari kuzeza iwayo, asi takapasa wani! Kana mwana akatofamba nzendo refu anoziva kukosha kwechikoro,” vanodaro VaJoseph Dhilwayo.
VaJames Moyo vanoti vana vanorojerwa vakasiyana zvachose nevanogara muzvikoro zvebhodhingi.
“Kurojera mwana hakuna chimiro zvachose, mungava mumamisha kana mumaguta. Vamwe vana vanoonekwa vachifamba husiku vachimira-mira mumabhawa asi vari vana vechikoro vanhu voshaya kuti ko vabereki vavo vari kuti chii nazvo, nyambisirwa vabereki vanenge vachitofungawo kuti vana varere mudzimba dzavanovarojera.
“Vana vari mumabhodhingi vanenge vaine vatariri nokudaro kashoma kuzonzwa nyaya dzechipfambi. Kurojera mwana kunofanira kuenderana nezera rake zvakare,” vanodaro.
VaMoyo vanoti vamwe vana vanenge vari vadiki zvakanyanya zvekuti vanokasika kufuririka vopedzisira vave kuita misikanzwa.